RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/04 pp. 2-7
  • Purogiramu yoMusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu yoMusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naJuly 12
  • Vhiki Inotanga naJuly 19
  • Vhiki Inotanga naJuly 26
  • Vhiki Inotanga naAugust 2
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 7/04 pp. 2-7

Purogiramu yoMusangano Webasa

Onai Kuti: Musangano Webasa wevhiki imwe neimwe ucharongwa mumwedzi inotevera. Ungano dzingagadziridza sezvinodiwa kuti dzigone kupinda kokorodzano yoruwa. Pazvakakodzera, shandisai maminitsi 15 paMusangano Webasa wokupedzisira musati mapinda kokorodzano kudzokorora mazano akakodzera ari muwedzero yomwedzi uno ayo anoshanda muungano yenyu. Mumwedzi waOctober, mumwe Musangano Webasa wose ucharongerwa kudzokorora pfungwa huru dzepurogiramu. Pakugadzirira, tose zvedu tinganyora pfungwa huru dzekokorodzano.

Vhiki Inotanga naJuly 12

Rwiyo 108

12 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Uchishandisa mazano ari papeji 4, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJuly 1 uye Mukai! yaJuly 8. Mune mumwe muenzaniso, enzanisira kugoverwa kungaitwa magazini pamugwagwa kune mumwe munhu asingagoni kutaura mutauro wako zvakanaka.

18 min: “Tevedzera Kururamisira kwaJehovha.”a Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vatsinhire magwaro arimo.

15 min: “Ngatikudzise Zita Rake Pamwe Chete.”b Inopiwa nomunyori weungano achishandisa mibvunzo iripo. Taura kuti ungano ichapinda kokorodzano ipi. Nguva dzepurogiramu dziri muwedzero yomwedzi uno.

Rwiyo 16 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJuly 19

Rwiyo 83

5 min: Zviziviso zveungano.

10 min: “Zvokudya Zvomudzimu Panguva Yakakodzera.”c Shandisa mibvunzo iripo. Pakukurukura ndima 2, ita kuti munhu mumwe kana kuti vaviri vari muvateereri vataure zvishoma nezvekokorodzano yavakapinda yavasingakanganwi.

15 min: “Ivai Vatsvene Mumufambiro Wenyu Wose.”d Shandisa mibvunzo iripo. Kumbira vateereri kuti vataure kuti vakacherechedza sei kuti mufambiro wakanaka pakokorodzano unoita kuti Jehovha arumbidzwe.

15 min: “Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi—Chikamu 1.” Hurukuro inopiwa nomutariri webasa. Ita kuti vateereri vatsinhire mashoko ari mubhuku raVazivisi, pamapeji 572-4, anorondedzera kutanga kwebasa rokudzidza Bhaibheri mazuva ano. Kudziridza kufarira nyaya dzinotevedzana dziri kuuya. Mimwe yemisoro ichakurukurwa ndeyokugadzirira kwatingaita kuitisa chidzidzo, kubatsira kwatingaita mudzidzi kugadzirira, mashoko akawanda zvakadini achakurukurwa, kushandisa kwatingaita magwaro zvinobudirira, kupindura kwatingaita mibvunzo inomutswa nomudzidzi, kusuma kwatingaita munyengetero, uye kutungamirira kwatingaita mudzidzi kusangano. Kurudzira vose kuti vachengete nyaya idzi kuti vazodzishandisa munguva yemberi.

Rwiyo 10 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJuly 26

Rwiyo 216

10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaJuly. Uchishandisa mazano ari papeji 4, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJuly 15 uye Mukai! yaAugust 8. Mumienzaniso yacho yose, ratidza nzira dzakasiyana dzokupindura munhu anoramba kukurukurirana, achiti “Nei vanhu imi muchiwanzoshanya zvikuru?”—Ona bhuku raKurangarira, papeji 20.

8 min: Bhokisi Remibvunzo. Rinokurukurwa nomukuru. Verenga uye kurukura nyaya yacho yose.

12 min: “Chitarisiko Chakanaka, Chinorumbidzwa.”e Shandisa mibvunzo iripo. Kana nguva iripo, verenga uye kurukura magwaro arimo.

15 min: “Kuparidza Kwatingaita Mundima Yebhizimisi.”f Taura urongwa hweungano hwokushanda ndima dzebhizimisi. Enzanisira kwenguva pfupi mharidzo mbiri dziri mundima 4-5 kana kuti imwe mharidzo yave ichibudirira munharaunda yenyu. Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vataure zvakaitika zvinokurudzira zvavakava nazvo pavaishanda mundima yebhizimisi.

Rwiyo 173 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naAugust 2

Rwiyo 60

8 min: Zviziviso zveungano.

22 min: Unopa Zvikonzero Here? Hurukuro uye kukurukurirana kubva mubhuku reChikoro Choushumiri, papeji 254, ndima 1-2. Patinotsanangura uye kushandisa magwaro muushumiri hwomumunda uye tiri pachikuva, kudzidzisa kwedu kuchabudirira zvikuru kana tikapa zvikonzero pamusoro pezvatinotaura pane kungotaura kuti ndozvazviri. Uchishandisa mienzaniso iri mubhuku raKurangarira kana kuti mamwe akakodzera ndima yenyu, ratidza kuti (1) ungasiyanisa uye ungatsanangura sei mashoko anokosha ari murugwaro, (2) ungapa sei uchapupu hunotsigira kubva mumashoko akapoteredza kana kuti mune rumwe rugwaro rune chokuita nenhau yacho, (3) ungashandisa sei mufananidzo kuti uratidze kuti zvawataura ndezvechokwadi, uye (4) ungashandisa sei mibvunzo kuti ubatsire vateereri kufungisisa nyaya yacho. Ratidza zvazvakanakira kutaura nenzira yokuti vanhu vafunge.

15 min: Bhaibheri—Bhuku Rinotaura Zvakavimbika. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva mubhurocha raA Book for All People, pamapeji 27-9. Muushumiri hwedu, tinowanzosangana nevanhu vanofarira nguva yemberi. Bhaibheri rinopa mashoko akavimbika anotaura nezvenguva yemberi inofadza yevanhu vanoteerera. Kurukura uprofita hweBhaibheri hunosimbisa chivimbo mune zvinotaurwa neBhaibheri zvomunguva yemberi. Ita kuti muparidzi aenzanisire kwenguva pfupi kuti zviitiko zveBhaibheri zvingashandiswa sei kubatsira munhu anofarira kuti akudziridze chivimbo chake muBhaibheri.

Rwiyo 32 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

e Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

f Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe