RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/04 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 5/04 p. 3

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna May: Nharireyomurindi neMukai! Kana uchidzokera kunoona vanhu vanofarira, vangasanganisira vaya vanopinda Chirangaridzo kana kuti mimwe misangano yechiKristu asi vasingawanzosonganiri nesangano, edza kugovera bhuku raNamata Mwari. Edza nepose paunogona kutanga chidzidzo cheBhaibheri chepamusha, kunyanya kana vanhu vacho vakatodzidza bhuku raZivo uye bhurocha raAnodei. June: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana vanhu vacho vakati havana vana, govera bhurocha raAnodei. Uchishandisa bhurocha racho, edza kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro pane anotevera: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, uye “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva.”

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu waanosarudza anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi waJune 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana izvi zvaitwa, zivisai ungano pashure pokunge mushumo weakaunzi unotevera waverengwa.

◼ Pamunopa mipiro muchishandisa cheki moiisa mumabhokisi emipiro paImba yenyu yoUmambo, tapota tangai manzwa kumunyori weungano yenyu kuti cheki iyi inofanira kunyorerwa ani. Mipiro inopiwa kuhofisi yebazi pachishandiswa cheki inofanira kunyorwa kuti “Watch Tower Society.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe