Kugovera Bhuku raDzidza Kumudzidzisi Mukuru
◼ “Munofunga kuti nyika yaizova nzvimbo iri nani here kudai vanhu vaitevedzera mashoko aya? [Verenga Mateu 7:12a. Zvadaro rega apindure.] Bhuku iri rine zvidzidzo zvakawanda zvinobva kumudzidzisi mukuru ati amborarama.” Taura nezvemifananidzo uye mashoko anorondedzera mifananidzo ari muchitsauko 17.
◼ “Nhasi vabereki vakawanda vanoedza kudzidzisa vana vavo tsika dzakanaka zvishoma nezvishoma. Munofunga kuti izvi zvinokosha here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Zvirevo 22:6.] Onai kuti vabereki vanokurudzirwa kuti vatange kudzidzisa vana vavo kubvira vachiri vaduku. Bhuku iri rakagadzirirwa kuvabatsira kuti vaite izvozvo.” Taura nezvemifananidzo uye mashoko anorondedzera mifananidzo ari muchitsauko 15, 18, kana kuti 32.
◼ “Vabereki vanowanzoshamiswa nemibvunzo inobvunzwa nevana vavo. Mimwe mibvunzo yacho ingave yakaoma kupindura, handizvo here? [Rega apindure. Zvadaro verenga 2 Timoti 3:14, 15.] Amai naambuya vaTimoti vakamudzidzisa zvinotaurwa neMagwaro kubvira achiri mucheche. Bhuku iri rinogona kubatsira vabereki kuita zvakafanana kuvana vavo nhasi.” Taura nezvemifananidzo mishomanana uye mashoko anorondedzera mifananidzo ari muchitsauko 11 ne12 kana kuti 34 kusvika ku36.