Purogiramu yoMusangano Webasa
Vhiki Inotanga naMay 10
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Shandisa mazano ari papeji 4, kuti uenzanisire kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaMay 1 uye Mukai! yaMay 8. Unogonawo kushandisa dzimwe mharidzo. Mumharidzo dzacho dzose, enzanisira nzira dzakasiyana dzokupindura munhu anoramba kukurukurirana, achiti “Ndine chitendero changu.”—Ona bhuku raKurangarira, mapeji 18-19.
15 min: Mukuru ava noruzivo uye ane unyanzvi anoverenga okurukura tsamba yakabva kuhofisi yebazi yomusi waFebruary 16, 2004, ine chokuita nemichato inokudza Mwari.
20 min: “Wedzerai.”a Taurawo mashoko ari mubhuku raNamata Mwari, papeji 150, ndima 14.
Rwiyo 18 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMay 17
10 min: Zviziviso zveungano.
15 min: “Ratidza Kuti Unoonga.”b Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vatsinhire magwaro aripo. Pakukurukura ndima 3, ita kuti mumwe chete kana kuti vaviri vakaita upiyona hwebetsero munguva pfupi yapfuura vataure zvikomborero zvavakawana pakupayona.
20 min: Tine Hanya Nomumwe Nomumwe. (1 VaK. 12:25, 26) Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva mubhuku raHushumiri Hwedu, mapeji 157-9, pasi pomusoro muduku unoti “Kuitirana Hanya.” Kunyange zvazvo isu vanhu vaJehovha tichigara munzvimbo dzose dzepasi, takanyatsobatana. Tose tinofanira kunyengeterera hama dzedu zuva nezuva. Tinokurumidzawo kupa ruyamuro rwezvinhu zvenyama pazvinodiwa. Verenga wokurukura magwaro anotsigira pfungwa iyi, uye taurawo chakaitika chimwe kana kuti zviviri zvakatorwa mumabhuku edu.
Rwiyo 100 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMay 24
12 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaMay 15 uye Mukai! yaJune 8. Ita kuti mharidzo imwe neimwe ifadze munhu wechimwe chitendero chomunharaunda yenyu.
15 min: “Mimhanzi Inozorodza.” Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Taurawo mashoko ari muBhuku Regore ra2002 reChirungu, papeji 175, uye muNharireyomurindi yaFebruary 1, 1997, papeji 27, ndima 1-2.
18 min: Iva Akagadzirira Kupupurira Zvisina Kurongwa. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 2003, papeji 3. Fanoronga kuti vashomanana varondedzere zvakaitika zvavakava nazvo pavaipupurira zvisina kurongwa. Enzanisira kwenguva pfupi kuti turakiti raUngada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? uye kabhuku kaMashoko Akanaka Evanhu Vose zvingashandiswa sei pakupupurira zvisina kurongwa.
Rwiyo 211 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMay 31
8 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaMay.
17 min: Upenyu—Chipo Chinofanira Kukosheswa. Kukurukurirana nevateereri kubva mubhuku raKurangarira, mapeji 115-6. Taurawo mashoko ari muMukai! yaJune 8, 1993, mapeji 31-32. Ungatsanangura sei maonero anoita Jehovha kubvisa pamuviri kune munhu anofunga kuti mukadzi ane kodzero yokusarudza panhau dzine chokuita nomuviri wake? Rondedzera chakaitika chiri muNharireyomurindi yaJanuary 1, 2000, papeji 4, ndima 4-5.
20 min: “Kugovera Bhuku raDzidza Kumudzidzisi Mukuru.” Muna June tichange tichigovera bhuku iri. Taura pfungwa dzinotaurwa papeji 7, ndima 1-3, mubhuku racho. Kumbira kuti vateereri vataure zvavanofarira pamusoro paro. Dzokorora mharidzo dzakataurwa. Taura kuti mifananidzo ingaratidzwa sei kana uchigovera bhuku racho. Ita kuti wechiduku aenzanisire mharidzo yokutanga, uye kuti munhu mukuru aenzanisire imwe chete pambiri dzasara. Kana paine imwe nzira yokutanga nayo inobudirira zvikuru mundima yenyu, iyoyo ingakurukurwa yoenzanisirwa panzvimbo peimwe yemharidzo dzokupedzisira.
Rwiyo 24 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJune 7
10 min: Zviziviso zveungano. Kurukura pfungwa huru dzenyaya inoti “Nzira Yokuvabatsira Nayo.” Taura mimwe mitauro yamunosangana nayo mundima yenyu. Kana izvi zvisingashandi mundima yenyu, ipapo shandisa nguva yacho kukurudzira vaparidzi kuti vashandewo zvakazara muushumiri vhiki ino. Zivisa urongwa hwebasa romumunda hwevhiki yacho.
15 min: Zvinodiwa muungano.
20 min: Shandisa Mifananidzo Inobatsira Pakudzidzisa Kwako. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva muNharireyomurindi yaSeptember 1, 2002, mapeji 22-4. Zvinhu zvipi zvina zvinoita kuti mifananidzo ibatsire? Nei zvichibatsira kuita kuti mifananidzo ive nyore? Tingawana kupi mifananidzo yakakodzera? Ongorora mimwe mienzaniso iri mubhokisi riri papeji 23, uye kurukura zvinoita kuti mufananidzo mumwe nomumwe ubatsire.
Rwiyo 133 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.