RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/04 p. 2
  • Purogiramu yoMusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu yoMusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naFebruary 9
  • Vhiki Inotanga naFebruary 16
  • Vhiki Inotanga naFebruary 23
  • Vhiki Inotanga naMarch 1
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 2/04 p. 2

Purogiramu yoMusangano Webasa

Vhiki Inotanga naFebruary 9

Rwiyo 225

10 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa mazano ari papeji 8, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaFebruary 1 uye Mukai! yaFebruary 8. Mumienzaniso yacho, taura nezvemagazini imwe chete asi ogoverwa ari maviri. Mune mumwe muenzaniso wacho, ratidza zvingaitwa kumunhu anoramba kukurukurirana achiti “Ini ndine chitendero changu.”—Ona bhuku raKurangarira, mapeji 18-19.

10 min: “Batsirwa Nokudzidza Bhuku raSwedera Pedyo naJehovha.” Hurukuro inopiwa nomutariri weChidzidzo Chebhuku Cheungano kubva panyaya yacho. Pakukurukura ndima 2, taurawo nezvepurogiramu yacho yokudzidza. Pakukurukura ndima 3, verenga uye kurukura ndima 23 iri papeji 25 yebhuku racho.

25 min: “Ramba Uchizivisa Mabasa aJehovha Anoshamisa.”a (Ndima 1-10) Inopiwa nomutariri webasa. Shandisa mibvunzo iripo. Ita kuti pave nechido chokuita basa romumunda rakawedzerwa mumwaka weChirangaridzo.

Rwiyo 90 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naFebruary 16

Rwiyo 41

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

15 min: “Basa Rinotsigirwa naMwari.”b Taurawo zviri mubhuku raVazivisi, mapeji 547-8.

20 min: “Ramba Uchizivisa Mabasa aJehovha Anoshamisa.”c (Ndima 11-17) Shandisa mibvunzo iripo. Iva nomuenzaniso mupfupi womuparidzi ari kukoka munhu waadzokera kunoona kuti azopinda Chirangaridzo.

Rwiyo 75 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naFebruary 23

Rwiyo 118

10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Uchishandisa mazano ari papeji 8, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaFebruary 15 uye Mukai! yaMarch 8. Mumienzaniso yacho, taura nezvemagazini imwe chete asi ogoverwa ari maviri. Pamugumo womumwe muenzaniso wacho, bvunza mubvunzo unotokonya pfungwa ungagona kupindurwa pauchashanyazve uchishandisa bhurocha raAnodei.

15 min: “Kupinda Misangano Nguva Dzose—Chinhu Chokutanga.”d Fanoronga kuti mumwe kana kuti vaviri vatsinhire zvavakaita kuti vave pamusangano mumwe nomumwe weungano.

20 min: Rumbidza Jehovha “Pakati Peungano.” Kukurukurirana nevateereri kubva muNharireyomurindi yaSeptember 1, 2003, mapeji 19-22. (1) Pisarema 22:22, 25 rinoratidza sei chikonzero chedu chokutsinhira pamisangano? (2) Nei munyengetero uchibatsira? (3) Nei kugadzirira kuchidiwa? (4) Tose tinofanira kuva nechinangwa chipi pamisangano? (5) Nei zvichibatsira kuti tigare nechepamberi? (6) Nei zvichikosha kuteerera zvinotaurwa nevamwe? (7) Tingapindura sei nemashoko edu pachedu? (8) Tingakurudzira vamwe sei nemhinduro dzedu? (9) Muitisi ane mutoro wei?

Rwiyo 81 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMarch 1

Rwiyo 156

10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuendesa mishumo yebasa romumunda yaFebruary. Taura mabhuku anogoverwa muna March, uye dzokorora muchidimbu imwe yemharidzo dziri muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2002.

15 min: Kurukura “Misi yeKokorodzano Dzoruwa Dza2004.” Kurukurawo tsamba yebazi yomusi waJanuary 22, 2004 yakanyorerwa kuungano dzose.

20 min: “Tinogona Kuita Zvinodiwa naJehovha.”e Shandisa mibvunzo iripo. Kana nguva iripo, kurukura magwaro arimo.

Rwiyo 98 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

e Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe