Zvikomborero Zvinobva Mukuonga Rudo rwaJehovha—Chikamu 2
1. Maererano nemisoro miduku, kuonga rudo rwaJehovha muushumiri kungaratidzwa munzira dzipi shanu?
1 Muchikamu chokutanga chenyaya ino, tataura nzira ina dzokuratidza kwatingaita kuonga kwedu rudo rwaJehovha muushumiri. (1 Joh. 4:9-11) Pano tichawedzera dzimwezve nzira shanu dzokuita izvi. Patinoshanda zvakazara kubatsira vamwe mune zvokunamata, tinokomborerwa.
2, 3. Nei zvichida ushingi kupupurira zvisina kurongwa, uye mumwe mumishinari akakomborerwa sei nokuita kudaro?
2 Kupupurira Zvisina Kurongwa: Iyi inzira inobudirira yokuwana vanhu vane nzara nenyota yokururama uye yokuvagovera mabhuku anobatsira. Zvakanaka ‘kutenga nguva yakafanira’ ndokupupurira panguva dzose uye kumunhu upi noupi watinosangana naye. (VaEf. 5:16) Tingatofanira kushinga kuti tipupurire munzira iyi, asi kana tichinzwisisa rudo rwaMwari uye zvinodiwa nevanhu, tichapupurira pamikana yose.—2 Tim. 1:7, 8.
3 Mumwe mumishinari akakomborerwa zvikuru paakatanga kukurukurirana nomumwe munhu waaiva naye mutekisi. Murume wacho akafarira. Akadzokerazve kanoverengeka, uye akatanga kudzidza naye Bhaibheri. Murume wacho akawana chokwadi uye akafambira mberi kusvika pakuva mukuru muungano!
4. Mazano api anopiwa pakupupurira netsamba?
4 Kunyora Tsamba: Zvimwe hatikwanisi kuenda paimba neimba nemhaka youndonda kana kuti mamiriro okunze akashata. Tinogona kunyora tsamba, tichipupurira zvishomanana netsamba kune vanhu vatinoziva, vaya vakafirwa nevadiwa vavo, kana kuti vaya vakanga vasiri pamba mundima yacho. Tingaisa rimwe rematurakiti edu rakakodzera mutsamba yacho, rine shoko reBhaibheri rinofadza uye rinokurudzira munhu wacho kuti apindure kana aine mibvunzo ipi neipi. Shandisa kero yako kana kuti yeImba yoUmambo; tapota usashandisa kero yehofisi yebazi.
5, 6. Tsanangura kuti kupupurira norunhare kwakashandiswa zvinobudirira sei neimwe hanzvadzi.
5 Kupupurira Norunhare: Iyi inzira yakanaka kwazvo yokutaura nevanhu vatisingakwanisi kuona mubasa repaimba neimba. Kana tikazviita nokuchenjera, nomutsa, nokunzwisisa, uye nounyanzvi, tingabudirira zvikuru. Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary 2001, pamapeji 5-6, hune mazano anoshanda emawanirwo emigumisiro yakanakisisa.
6 Imwe hanzvadzi payaipupurira norunhare, yakabvunza mumwe mukadzi kana ainge ambofungisisa nezvenguva yake yemberi neyemhuri yake. Mukadzi wacho akati ainge adaro. Akataura kuti nokuda kwokupera mwoyo, akanga azviita zindoga kumba. Akurudzirwa nokuva nehanya kwechokwadi kwehanzvadzi yacho, mukadzi wacho akabvuma kusangana nehanzvadzi iyi pamusika uri pedyo. Somugumisiro, mukadzi wacho akabva abvuma kudzidza Bhaibheri!
7. Nei tichifanira kucherechedza zviso zvitsva pamisangano yedu?
7 Kugamuchira Vatisingazivi: Kana tichida vavakidzani vedu, tichava vakagadzirira kucherechedza munhu upi noupi watisingazivi anoshanyira nzvimbo yedu yemisangano uye tichaita kuti anzwe kuti anogamuchirwa. (VaR. 15:7) Muite kuti aone kuti ari pakati pevaya vanofarira zvepachokwadi kubudirira kwake mune zvokunamata. Kuva kwedu nehanya kwechokwadi uye kuti tinoda kudzidza naye Bhaibheri zvingamuita kuti abvume kubatsirwa nesu.
8. Maererano na1 Petro 2:12, tingaita sei kuti kupupurira kwedu kuwedzere kufadza vanhu?
8 Mufambiro Wedu Wakanaka: Nomufambiro wedu wakanaka, tinoshongedza chokwadi. (Tito 2:10) Vaya vari munyika pavanotaura zvinhu zvakanaka nezvedu seZvapupu zvaJehovha, vanounza rukudzo kuna Mwari wedu. (1 Pet. 2:12) Izvi zvingabatsirawo vamwe kuti vatange kufamba munzira inoenda kuupenyu.
9. Zvatadzokorora nzira shanu dzokuwedzera kuonga rudo rwaJehovha, tichiri kufanira kuitei?
9 Tadii kudzokorora nzira shanu idzi dzokuratidza kuonga kwatinoita rudo rukuru rwaJehovha nokuda kwedu tobva tadzishandisa? (1 Joh. 4:16) Patinoita izvi, tichawana zvikomborero zvakawanda.