Zvikomborero Zvinobva Mukuonga Rudo rwaJehovha—Chikamu 1
1. Jesu akatiratidza sei muenzaniso wokuonga zvaakaitirwa naJehovha?
1 Muapostora Johani akanyora kuti: “Kana tiri isu, tinoda, nokuti [Jehovha] akatanga kutida.” (1 Joh. 4:19) Patinofunga zvose zvatakapiwa naJehovha, tinonzwa tichida kumuonga zvikuru. Jesu akaratidza muenzaniso wokuita izvi nokupupurira zita raMwari noUmambo nenzira yokuteerera. (Joh. 14:31) Zvinganaka kana tikakurukura nzira dzatingaratidza nadzo kuonga rudo rwaJehovha uye zvikomborero zvatinowana.
2. Vadzidzi vaJesu vakaita sei basa rokuparidza Umambo, uye tingabatsirwa sei nokuitawo saizvozvo?
2 Kuenda Paimba Neimba: Jesu akadzidzisa vadzidzi vake maitirwo ebasa rokuparidza Umambo. Mirayiridzo yake inonyatsoratidza kuti vakaenda paimba neimba, vachiparadzira mashoko akanaka. (Ruka 9:1-6; 10:1-7) Zvinoda kuva norudo naMwari nomuvakidzani kuti tirambe tichienda pasuo nesuo nepo tichisangana nevanhu vasina hanya nezvatinotaura uye vanotishora. Zvisinei, patinodaro, tinobatsirwa isu pachedu nokuti kutenda kwedu nokutendiswa kwedu kunowedzera kusimba, uye tariro yedu inowedzera kujeka.
3. Chii chakaitika chinoratidza kuti basa rokuparidza rinotungamirirwa nengirozi?
3 Pakushanda tichitungamirirwa nengirozi, takawana vakawanda vane nzara nenyota yechokwadi. (Zvak. 14:6) Vanasaimba vakataura kuti vakanga vachinyengeterera kubatsirwa pakasvika Chapupu pasuo ravo. Zvapupu zviviri nekamwana zvakanga zvichiparidza paimba neimba pachitsuwa cheCaribbean. Vakuru vacho pavakasarudza kuti vachimbondozorora musi wacho, kamwana kacho kakaenda koga pasuo raitevera ndokugogodza. Mumwe mukadzi wechiduku akazarura musuo. Vakuru pavakaona izvi, vakaendapo ndokutaura naye. Mukadzi uyu akavakumbira kuti vapinde mumba ndokubva ati akanga achangobva kunyengetera kuna Mwari kuti atumire Zvapupu kuti zvimudzidzise Bhaibheri!
4. Ndedzipi dzimwe nzira dzokupupurira nadzo dzingashandiswa kana vanhu vasingawanikwi pamba?
4 Kupupurira Pamigwagwa: Sezvo zvakaoma zvikuru mune dzimwe nzvimbo kuona vanhu pamba, kupupurira pamugwagwa ndeimwe nzira inobudirira zvikuru. Uyezve, vanhu vakawanda vanogara munzvimbo dzine magedhi kana kuti muzvivako zvinochengetedzwa zvikuru matisingagoni kuenda pasuo nesuo. Zvisinei, kuonga kwedu rudo rwaJehovha kunotikurudzira kushandisa nzira ipi neipi inoita kuti titaure nevanhu shoko roUmambo, kusanganisira kupupurira pamugwagwa.—Zvir. 1:20, 21.
5. Nei zvichikosha kudzokera kune vaya vanofarira?
5 Kudzokerazve: Sezvo tiri kutsvaka vaya vano“ziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu,” tinoda kuita zvatinogona kugutsa zvinodiwa izvozvo. (Mat. 5:3) Izvi zvinoda kuti tidzokere kunodiridza mbeu dzechokwadi dzatakadyara. (1 VaK. 3:6-8) Imwe hanzvadzi yokuAustralia yakagovera turakiti mumwe mukadzi aiita seasinganyatsofariri. Kunyange zvakadaro, hanzvadzi yacho yakaramba ichiedza kuwanazve pamba pake. Payakazomuwana, hanzvadzi yedu yakaona kuti pashure pokunge yashanya kokutanga, mukadzi wacho akabva atenga Bhaibheri rinodhura. Hanzvadzi yacho yakatanga kudzidza naye!
6, 7. Zvikomborero zvipi zvingawanikwa pakuitisa chidzidzo cheBhaibheri chinobudirira?
6 Kuitisa Zvidzidzo zveBhaibheri: Uku kunogona kuva basa rinonakidza zvikuru uye rinopa mubayiro roushumiri hwedu. Chikomborero chikuru kubatsira vanhu kudzidza nezvaJehovha, kuvaona vachichinja muupenyu hwavo kuti vamufadze, uye ipapo kupupurira kubhabhatidzwa kwavo kwechiKristu vachiratidza kuzvitsaurira kuna Mwari!—1 VaT. 2:20; 3 Joh. 4.
7 Muchikamu chinotevera, tichakurukura dzimwe nzira dzatinokomborerwa nadzo nokuratidza kuonga rudo rwaJehovha.