RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/03 p. 3
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Vaparidzi veMashoko Akanaka
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Purogiramu Yemhuri—Kudzidza Semhuri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Kuratidza Kufarira Vamwe Kunoitwa Nevatariri veChidzidzo Chebhuku Cheungano
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 11/03 p. 3

Bhokisi Remibvunzo

◼ Chidzidzo cheBhaibheri chemhuri chinofanira kushumwa kuungano here?

Kana mubereki wechiKristu achiitisa chidzidzo cheBhaibheri chemhuri uye painewo vana vasina kubhabhatidzwa, mubereki wacho angashuma isingapfuuri awa imwe chete pavhiki, kudzokerazve kumwe chete pavhiki, uye chidzidzo cheBhaibheri chepamusha chimwe chete pamwedzi. Izvi ndizvo zvinofanira kuitwa kunyange kana chidzidzo chacho chichipfuura awa imwe chete, chichiitiswa kanodarika kamwe chete pavhiki, kana kuti kudzidza kwacho kuchiitwa nomwana mumwe nomumwe.—Ona bhuku raHushumiri Hwedu, p. 104.

Kana vose vomumhuri vari Zvapupu zvakabhabhatidzwa, ipapo nguva yacho kana chidzidzo chacho hazvishumwi sebasa romumunda (kunze kwokuti mwana wacho achiri kudzidza bhuku rechipiri pashure pokubhabhatidzwa). Zvinodaro nokuti mushumo webasa romumunda weungano unoratidza zvikurukuru zviri kuitwa pakuparidza mashoko akanaka nokudzidzisa chokwadi cheBhaibheri vaya vasiri vashumiri vaJehovha vakazvitsaurira uye vakabhabhatidzwa. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Zvisinei, izvi hazvimboderedzi kukosha kwokuitisa chidzidzo chakadaro nguva dzose.

Mutoro wevabereki vechiKristu kudzidza nevana vavo. Vaya vanoda kubatsirwa kutanga kana kuti kuvandudza chidzidzo chavo chemhuri vangakumbira rubatsiro kuvakuru. Kana mamiriro ezvinhu achida kuti mumwe muparidzi adzidze Bhaibheri nomwanakomana kana mwanasikana asina kubhabhatidzwa wemhuri yechiKristu inosonganirana neungano, mutariri anotungamirira kana kuti mutariri webasa anofanira kubvunzwa. Kana chidzidzo ichocho chikatenderwa, uya ari kuchiitisa angachishuma sokungoshuma kwaaizoita chimwe chidzidzo cheBhaibheri chipi nechipi.

Kudzidzisa vana munzira dzaJehovha kunoda nguva yakawanda kwazvo uye kushanda nesimba kupfuura zvinoshumwa sebasa romumunda. (Dheut. 6:6-9; Zvir. 22:6) Vabereki vechiKristu vanofanira kurumbidzwa nokuda kwokutarisira mutoro wavo unorema wokurera vana vavo “mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.”—VaEf. 6:4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe