Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna November: Mwari Anodei Kwatiri? kana kuti Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Kana vanhu vachitova nawo, bhuku raNamata Mwari Wechokwadi Bedzi kana kuti rimwe bhuku rekare ringagoverwa. December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana musina iri, mungagovera Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, kana kuti Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. January: Bhuku ripi neripi rakabudiswa 1988 asati asvika iro ungano ingava naro. Kana musina mabhuku aya, tapota bvunzai kana ungano dziri pedyo dziine mamwe mabhuku ekare okuwedzera amungagona kushandisa. Ungano dzisina mabhuku ekare dzingagovera bhuku raKutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu. February: Swedera Pedyo naJehovha. Kana musina bhuku iri, mungagovera Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu waanosarudza anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi waDecember 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana izvi zvaitwa, zivisai ungano kana mushumo weakaunzi unotevera waverengwa.
◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha mabhaundi vhoriyamu eNharireyomurindi neMukai! a2003 neodha dzadzo dzemabhuku dzinotevera. Mabhaundi vhoriyamu aya achaoneka papepa remabhuku eungano atumirwa pakanzi “Zvakamirirwa,” kusvikira ava kuwanikwa uye atumirwa. Mabhaundi vhoriyamu zvinhu zveodha chaiyo.
◼ Tinofara kuzivisa kuti pakazopera July 2003, Dzimba dzoUmambo dzakapera kuvakwa dzikatsaurirwa muZimbabwe dzakasvika pa302 kubvira pakatanga chirongwa chokuvaka muna May 2000.
◼ Kana nguva yemisangano yeungano yenyu ichichinja musi waJanuary 1, munyori weungano anofanira kuzivisa hofisi yebazi nezvokuchinja kwacho nokutumira fomu reMashoko Emisangano Yeungano (S-5). Odha itsva yemahendibhiri ingaodwa pafomu iroro, kana achidiwa. Mahendibhiri anofanira kuodwa pachine dzinenge vhiki sere musati mava kuda kuagamuchira.
◼ Ungano dzisati dzaodha makadhi eAdvance Medical Directive/Release neIdentity Card neodha dzadzo dzemabhuku dzaDecember dzinofanira kuita kudaro. Tapota odhai ari 20, 40 60, zvichingodaro. Musapa vaparidzi makadhi aya. Achengetei kusvikira magamuchira mimwe mirayiridzo muUshumiri Hwedu hwoUmambo.
◼ Vatariri vebasa uyewo vaya vanotungamirira muungano dzisina vakuru vanofanira kugadzirira iye zvino nokuda kwebasa chairo mumwaka weChirangaridzo waMarch kusvika May. Tapota odhai mafomu Okukumbira Basa Roupiyona Hwebetsero (S-205b) akakwana nokuda kwevakawanda vangangokumbira kupayona panguva iyi. PaMusangano Webasa uye pamunoshanyira mapoka eChidzidzo Chebhuku Cheungano, itai kuti vakawanda vave nechido chokushanda mubasa romumunda.