Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga naAugust 11
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Uchishandisa mazano ari papeji 8, iva nemienzaniso miviri yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaAugust 1 uye Mukai! yaAugust 8. Mumuenzaniso mumwe nomumwe, magazini acho ose ari maviri anofanira kugoverwa pamwe chete, kunyange zvazvo imwe iriyo iri kuratidzirwa. Mune mumwe wemienzaniso yacho, ratidza kuti ungabata sei nomunhu angangodzivisa kukurukurirana achiti “Ndakabatikana.”—Ona bhuku raKurangarira, papeji 19.
15 min: “Tevedzera Kunaka kwaJehovha.”a Kumbira vateereri kurondedzera zvakaitika zvipfupi zvinoratidza kuti mabasa omutsa akazarura sei nzira yokupupurira. Rumbidza vaparidzi nokuda kwezvavakaedza kuita kuti vabatsire vavanonamata navo.
20 min: “Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona.”b Shandisa mibvunzo iripo. Kumbira piyona mumwe kana maviri kuti ataure zvikomborero zvaakawana kubva mukupayona. Taura kuti munhu wose anofarira kupayona angawana fomu racho kumunyori.
Rwiyo 11 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naAugust 18
12 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Kurukura “Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo.” Zivisa musi wezuva regungano chairo rinotevera, uye kurudzira vose kuti vapinde. Kana gungano racho richizoitwa mumwedzi mishomanana iri kutevera, taura kuti vaya vanoda kubhabhatidzwa vanofanira kutaurira mutariri anotungamirira.
15 min: “Basa Rinozorodza.”c Fanoronga kuti vaviri kana kuti vatatu vataure kuti ushumiri hwechiKristu hunovazorodza sei.
18 min: “Ngatichengetei Nzvimbo Yedu Yokunamatira Yakanaka.”d (Ndima 1-5) Shandisa mibvunzo iripo. Pakukurukura ndima 3 ne4, taura urongwa hweungano hwokuchenesa Imba yoUmambo. Taura zvinhu zvipi nezvipi zvingada kuitwa nokukurumidza. Rumbidza ungano nokuda kwokushanda kwayo nesimba kuchengetedza nzvimbo yakakodzera yokunamata kwechokwadi.
Rwiyo 114 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naAugust 25
10 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa mazano ari papeji 8, iva nemienzaniso miviri yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaAugust 15 uye Mukai! yaSeptember 8. Mumuenzaniso mumwe nomumwe, magazini acho ose ari maviri anofanira kugoverwa pamwe chete, kunyange zvazvo imwe iriyo iri kuratidzirwa. Ratidza mubereki nomwanakomana kana kuti mwanasikana achiri kuyaruka vachidzidzira kugadzirira basa remagazini. Vanoongorora kwenguva pfupi mharidzo imwe neimwe yomuenzaniso vasati vaienzanisira.
15 min: Zvinodiwa muungano.
20 min: Usatya Kuparidza. (1 VaT. 2:2) Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Tsanangura kuti nei vakawanda vachitya kuparidzira vamwe shoko roUmambo. Izvi zvinoitika kunyange kune vaya vave vachishingaira kwemakore akawanda. Rondedzera zvimwe zvezvakaitika zvinowanikwa muNharireyomurindi yaDecember 1, 1999, papeji 25; yaDecember 15, 1999, papeji 25; uye yaApril 1, 1996, papeji 31. Kumbira vateereri kuti vataure kuti vakava sei vasingatyi kuudza vamwe mashoko akanaka panguva dzavainzwa kutya. Gumisa nekurudziro yokuwana simba kuna Jehovha, iri muNharireyomurindi yaDecember 15, 1999, pamapeji 23-4.
Rwiyo 125 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naSeptember 1
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuendesa mishumo yebasa romumunda yaAugust. Taura mabhuku anogoverwa muna September. Fanoronga kuti mumwe kana vaviri varondedzere zvakaitika zvinokurudzira zvavakasangana nazvo pavaipupurira zvisina kurongwa pakuenda nokudzoka kukokorodzano, pavaiva pazororo, kana kuti pane imwe nguva mumwedzi yechirimo.
15 min: Unoita Zvaunovimbisa Here Kuti Uchadzoka? Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva muNharireyomurindi yaSeptember 15, 1999, pamapeji 10-11, pasi pomusoro unoti “Dzimwe Nzira Dzekuita Nadzo Zvatinovimbisa.” Patinowana vanhu muushumiri hwedu vanoratidza kufarira, kazhinji tinoronga kupfuudzira kukurukurirana kwacho pane imwe nguva. Nokutendeka, tinodzoka here sezvatakavimbisa? Taura nhungamiro dzeBhaibheri dzinofanira kutikurudzira kuchengeta zvatinovimbisa. Kumbira vateereri kuti varondedzere zvakaitika zvinoratidza kuti vakakomborerwa sei nokukurumidza kudzokera.
20 min: “Ngatichengetei Nzvimbo Yedu Yokunamatira Yakanaka.”e (Ndima 6-12) Shandisa mibvunzo iripo. Simbisa zvinokoshera kutarisira Imba yoUmambo zvakanaka, uchitaura zviri mubhokisi riri papeji 5. Taurawo mushumo mupfupi wezvakaita Imba yenyu yoUmambo, uye taura zvirongwa zvipi nezvipi zvokuigadzirisa kana kuti kuinatsiridza.
Rwiyo 41 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
e Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.