RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/03 p. 2
  • Purogiramu Yomusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yomusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naMay 12
  • Vhiki Inotanga naMay 19
  • Vhiki Inotanga naMay 26
  • Vhiki Inotanga naJune 2
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 5/03 p. 2

Purogiramu Yomusangano Webasa

Vhiki Inotanga naMay 12

Rwiyo 1

15 min: Zviziviso zveungano uye zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo zvinopiwa nomutariri anotungamirira. Kurukura bhokisi rakanzi “Kushanya Kuzoona Bheteri.” Uchishandisa mazano ari papeji 8, iva nemienzaniso miviri yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaMay 1 uye Mukai! yaMay 8. Mumuenzaniso mumwe nomumwe, magazini acho ose ari maviri anofanira kugoverwa pamwe chete, kunyange zvazvo imwe iriyo iri kuratidzirwa. Taurawo urongwa hwomupiro.

15 min: Vabereki—Batsirai Vana Venyu Kufambira Mberi. Hurukuro inotaura pfungwa huru dziri mubhuku reChikoro Choushumiri, mapeji 9-12 uye 21-38. Kurudzira vabereki kushandisa mamwe emashoko aya pavanodzidza semhuri, vaine chinangwa chokudzidzisa vana vavo kufambira mberi muushumiri. Budisa pachena pfungwa chaidzo dzingagona kushandiswa kubatsira vechiduku kukudziridza unyanzvi hunodiwa.

15 min: “Kuronzeswa Mashoko Akanaka.”a Fanoronga kuti muparidzi mumwe kana vaviri vatsanangure muchidimbu kuti vakakwanisa sei kugadzirisa mamiriro avo ezvinhu kuitira kuti vawedzere zvavanoita mubasa rokuparidza.

Rwiyo 46 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMay 19

Rwiyo 62

15 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Kurukura “Kuvakwa kweDzimba dzoUmambo Pasi Pose Mune Dzimwe Nyika dzeEurope.” Taura kuti kuvakwa kweDzimba dzoUmambo munyika dzisina kupfuma uye mundima yebazi romuno kunotsigirwa nemipiro yeHomwe yeDzimba dzoUmambo.

15 min: Zvinodiwa muungano.

15 min: “Rumbidza Jehovha Nokupupurira Zvisina Kurongwa.” Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Pakukurukura ndima 3, bvunza vateereri zvingagona kutaurwa kutanga kukurukura nezveBhaibheri mune mamwe emamiriro ezvinhu anotevera: (1) wakamira mumutsetse wokubhadhara zvinhu muchitoro, (2) uchifamba nechifambiso chinoshandiswa nevanhu vose, (3) kumuvakidzani ari kushanda pachivanze, (4) kune waunoshanda naye kubasa kwako, (5) kune waunodzidza naye kuchikoro. Fanoronga chakaitika chinoratidza kuti muparidzi akabudirira sei kupupurira zvisina kurongwa.

Rwiyo 135 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMay 26

Rwiyo 174

10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vose kuendesa mishumo yebasa romumunda yaMay. Uchishandisa mazano ari papeji 8, iva nemienzaniso miviri yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaMay 15 uye Mukai! yaJune 8. Mumuenzaniso mumwe nomumwe, magazini acho ose ari maviri anofanira kugoverwa pamwe chete, kunyange zvazvo imwe iriyo iri kuratidzirwa. Pamhedziso yeimwe yemharidzo yacho, siyira saimba asina kutora magazini acho turakiti raUnoda Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here?

10 min: Kukurukura Bhokisi Remibvunzo tichiita mibvunzo nemhinduro.

25 min: “Shoko raMwari Ichokwadi.”b Shandisa mibvunzo iripo. Kumbira vateereri kutaura kuti vakabatsirwa sei kudzidza chokwadi apo vaparidzi vaishandisa Bhaibheri kupindura mibvunzo yavo. Pakukurukura ndima 4, ita kuti muparidzi ane unyanzvi aenzanisire kushandiswa kungaitwa Bhaibheri pakushanya kwokutanga, achishandisa mamwe emazano ari munyaya inoti “Bata Shoko raMwari Zvakarurama.”—km-CA 12/01 p. 1 ndima 3-4.

Rwiyo 188 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJune 2

Rwiyo 210

10 min: Zviziviso zveungano. Dzokorora zano rimwe kana maviri kubva muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2002 okugovera bhurocha raAnodei uye bhuku raZivo.

20 min: Muchato Unokudzwa—Unodiwa naMwari. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Munyika dzakawanda, zvakajairika kuti varume nevakadzi vagare vose vasina kuroorana zviri pamutemo. Vamwe vanotaura kuti zvine zvazvakanakira. Ratidza zvinotaura Bhaibheri, uchisimbisa kuti muchato wakatangwa naMwari. (rs-CA map. 293-4) Kugara pamwe chete pasina muchato ufeve. (fy-CA p. 17) Kusiyana nezvinotendwa nevakawanda, ongororo inoratidza kuti kugara pamwe chete musati maroorana kunoderedza mikana yokubudirira kunozoita muchato wacho. (g02-CA 02 2/8 p. 29; g92 9/8 p. 28; g91 5/8 p. 28) VaKristu vanokudza Jehovha nokuita maererano nezvaanoda. Mukuita kudaro, zvinobatsirawo ivo pachavo.—Isa. 48:17, 18.

15 min: Uri Kubatsirwa Sei? Kukurukurirana nevateereri kunoitiswa nomutariri wechikoro. Kutanga muna January, takatanga maitirwe matsva eChikoro chaMwari Choushumiri. Kurukura muchidimbu zvimwe zvezvikamu zvitsva zvechikoro. Taura migumisiro yakanaka yati yaonekwa kusvika panguva ino. Vakawanda vakanyoresa pachikoro here? Pave pane chido chikuru chokuitawo chimwe chinhu pachikoro here? Vadzidzi vari kubatsirwa sei nourongwa hutsva hwokupa zano? Kumbira vateereri kuti varondedzere kubatsirwa kwavati vaita kusvika panguva ino uye kuti vanofunga kuti purogiramu yacho itsva ichavabatsira sei munguva yemberi.

Rwiyo 225 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe