RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/03 p. 2
  • Purogiramu Yomusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yomusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naApril 14
  • Vhiki Inotanga naApril 21
  • Vhiki Inotanga naApril 28
  • Vhiki Inotanga naMay 5
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 4/03 p. 2

Purogiramu Yomusangano Webasa

Vhiki Inotanga naApril 14

Rwiyo 20

15 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Uchishandisa mazano ari papeji 8, iva nemienzaniso miviri yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaApril 1 uye Mukai! yaApril 8. Mumuenzaniso mumwe nomumwe, magazini acho ose ari maviri anofanira kugoverwa pamwe chete, kunyange zvazvo imwe iriyo iri kuratidzirwa.

10 min: Bhokisi Remibvunzo. Hurukuro inopiwa nomukuru.

20 min: “Kupenya Sezvivheneko.”a Gumisa nehurukuro yemaminitsi mashanu inobva muNharireyomurindi yaJune 1, 1997, mapeji 14-15, ndima 8-13. Simbisa chikonzero nei pasina chatinovanza kana toreva nezveshoko roUmambo.

Rwiyo 134 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naApril 21

Rwiyo 25

10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.

15 min: Mapiyona Anoramba Achibatsira Vamwe. Mutariri webasa anokurukurirana nomutariri weChidzidzo Chebhuku Cheungano, piyona, uye muparidzi. Mutariri webasa anodzokorora purogiramu yeMapiyona Anobatsira Vamwe iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 1998 papeji 4. Zvadaro anokurukura nomumwe nomumwe ari muboka racho basa rake mupurogiramu yacho uye kuti iri kuita sei chinangwa chayo. Chii chave chichiitwa kuti ibudirire? Mutariri webasa anokumbira vaparidzi vose kuti vamuzivise kana vachida kubatsirwa muushumiri. Vaya vakabatsirwa munguva yakapfuura vangabatanidzwa zvekare kuti vabatsirwezve mune rumwe rudzi rwoushumiri.

20 min: “Kuwanire nzvimbo.”b Bvunzurudza mumwe chete kana vaviri vari kushandisa zvakanaka kusaroora kwavo kufambisira mberi zvinhu zvoUmambo. Ita kuti vataure zvinovabatsira kugutsikana mubasa ravo.

Rwiyo 35 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naApril 28

Rwiyo 51

10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuendesa mishumo yebasa romumunda yaApril. Uchishandisa mazano ari papeji 8, iva nemienzaniso miviri yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaApril 15 uye Mukai! yaApril 8.

15 min: Kushandira Kuponesa Vana Vako. Mukuru ane unyanzvi anokurukura ndima 17-22 dziri papeji17 kusvika ku19 dzeNharireyomurindi yaJune 1, 2000. Batsira vabereki vose kuona kukosha kwokushingairira kuitisa zvidzidzo zvemhuri zvine musoro. Bvunzurudza mubereki mumwe kana vaviri. Vakumbire kurondedzera kuti vanodzidza nevana vavo rini uye sei.

20 min: “Kudzokerazve Kunoita Kuti Tive Nevadzidzi veBhaibheri.”c Inopiwa nomukuru, achishandisa mibvunzo iripo. Kumbira vateereri kutaura muchidimbu zvakaitika mubasa romumunda zvinotsigira pfungwa dziri kutaurwa. Pakukurukura ndima 5, enzanisira semaitikiro azvakaita chiitiko chakaitika mundima yeungano umo chidzidzo cheBhaibheri chakatangwa.

Rwiyo 89 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMay 5

Rwiyo 120

5 min: Zviziviso zveungano.

25 min: “Kutungamirira Vadzidzi Kusangano Rine Zita Redu.”d Kana nguva ichibvumira, verenga ndima 5 ne6 uye magwaro arimo. Rondedzera zvakaitika pamusoro pezvakaita vadzidzi veBhaibheri pavakaona vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name. Ita kuti mudzidzisi anokwanisa aenzanisire kukurukurirana kwomwoyo wose kune mutsa nomudzidzi nezvokukosha kwokupinda misangano.

15 min: Mushumo Wakanaka—Chikonzero Chokufara. (Zvir. 15:30) Kukurukurirana nevateereri kunoratidza zvakaitwa neungano somugumisiro wokuedza chaiko kwakaitwa muna March naApril. Kumbira vaparidzi kurondedzera zvavakasangana nazvo zvinokurudzira pane izvi: (1) kubatsira munhu anofarira kupinda Chirangaridzo, (2) kushumira sapiyona webetsero, (3) kukurudzira muparidzi asingachaiti basa kuitazve basa rake neungano, (4) kubatsira munhu mutsva kutanga kuparidzira, uye (5) kukudziridza kufarira kwevaya vakapinda Chirangaridzo. Fanoronga dzimwe dzetsanangudzo idzi. Rumbidza, uye kurudzira vose kuenderera mberi mumabasa aya munguva yemberi.

Rwiyo 126 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe