Kusunungurwa Kwatinoitwa Nechokwadi
1 Pane imwe nguva, Jesu akati kuvaJudha vakanga vamutenda: “Muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.” (Joh. 8:32) Aitaura nezvorusununguko runodarika rusunungukowo zvarwo rwevanhu, rusununguko runogona kuwanikwa nevose—vapfumi kana varombo, vakadzidza kana vasina kudzidza. Jesu akadzidzisa chokwadi chaizounza rusununguko pauranda hwechivi norufu. Sezvakatsanangura Jesu, “munhu wose anoita chivi muranda wechivi.” (Joh. 8:34) Tinotarisira zvikuru nguva apo vanhu vose vanoteerera ‘vachasunungurwa muuranda hwokuora ndokuva norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari’!—VaR. 8:21.
2 Chokwadi pamusoro paJesu nebasa rake mukuzadzika chinangwa chaMwari chinounza rusununguko irworwo. Chinosanganisira kuziva chibayiro chorudzikinuro chaakapa nokuda kwedu. (VaR. 3:24) Kunyange iye zvino, kubvuma uye kuzviisa pasi tichiteerera chokwadi cheBhaibheri kunoita kuti tikwanise kuti sunungukei pakutya, kuora mwoyo, uye pamiitiro yose inokuvadza.
3 Kusununguka Pakutya uye Kuora Mwoyo: Hatifaniri kuora mwoyo nemamiriro ezvinhu zvenyika nokuti tinonzwisisa chikonzero nei uipi huripo uye tinoziva kuti munguva pfupi iri kutevera huchabviswa pasi pano. (Pis. 37:10, 11; 2 Tim. 3:1; Zvak. 12:12) Uyezve, chokwadi chinotisunungura padzidziso dzenhema pamusoro pevakafa. Tinoziva kuti vakafa havagoni kutikuvadza, kuti havasi kutambudzwa nokusingagumi, uye kuti Mwari haaurayi vanhu kuti angova navo munyika yomudzimu.—Mup. 9:5; Mab. 24:15.
4 Chokwadi chakadaro chakatsigira vamwe baba naamai mwana wavo paakaurayiwa mutsaona. “Tinonzwa kusurukirwa zvikuru muupenyu hwedu kusingagoni kupedzwa kusvikira taonazve mwanakomana wedu murumuko,” vakadaro amai vacho. “Asi tinoziva kuti kurwadziwa kwedu kunongova kwenguva pfupi.”
5 Kusununguka Pamiitiro Inokuvadza: Chokwadi cheBhaibheri chingashandura mafungiro uye unhu hwomunhu, zvichiguma nokusununguka pazvinetso zvinodzivisika. (VaEf. 4:20-24) Kutendeka uye kushanda zvakaoma zvingabatsira kuderedza urombo. (Zvir. 13:4) Kuratidza rudo rwokuzvipira kunovandudza ukama nevamwe. (VaK. 3:13, 14) Kuremekedza ari musoro kwechiKristu kunoderedza zvinetso zvemhuri. (VaEf. 5:33–6:1) Kurega kudhakwa, unzenza, fodya, uye zvinodhaka zvinopinda muropa kunobatsira kuva noutano hwakanaka.—Zvir. 7:21-23; 23:29, 30; 2 VaK. 7:1.
6 Mumwe murume wechiduku akanga asingakwanisi kurega kupindwa muropa nezvinodhaka kwakanga kwava nemakore mapfumbamwe. Rimwe zuva akasangana nomuparidzi aipupurira mumugwagwa. Akagamuchira bhuku, uye zvirongwa zvakaitwa zvokumushanyira kumba kwake. Akatanga kudzidza Bhaibheri. Mwedzi miviri gare gare murume wacho akarega kushandisa zvinodhaka zvachose, uye papera mwedzi misere achidzidza, akabhabhatidzwa. Kumuona achisiya tsika yagara muropa kwakaita kuti mukoma wake naamaiguru vake vatange kudzidza Bhaibheri.
7 Batsira Vamwe Kuwana Rusununguko: Vaya vave vari nhapwa kwenguva yakareba kudzidziso dzenhema vangaona zvakaoma kunzwisisa rusununguko runopiwa neShoko raMwari. Kusvika pamwoyo yavo kungatoda kuti mudzidzisi wacho ashingaire chaizvo uye agadzirire zvakanaka. (2 Tim. 4:2, 5) Ino haisi nguva yokuderera mubasa redu ‘rokuzivisa rusununguko kune vaya vakatapwa.’ (Isa. 61:1) Rusununguko rwechiKristu runokosha. Kuruwana kunoreva upenyu husingaperi.—1 Tim. 4:16.