RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/03 pp. 3-4
  • Paridza uye Pupurira Kwazvo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Paridza uye Pupurira Kwazvo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Ari Kudikanwa—Mapiyona Ebetsero 4 000
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Tichazviita Zvekare Here? Kumwe Kukumbira Mapiyona Ebetsero
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Zivisai Kwose Kwose Kunaka kwaJehovha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Chinangwa Chinokosha Chegore Rebasa Idzva
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 2/03 pp. 3-4

Paridza uye Pupurira Kwazvo

1 So‘mutungamiriri uye mukuru mukuru,’ Jesu akagadzirira vadzidzi vake nokuda kwebasa guru rokuparidza raiva mberi. (Isa. 55:4; Ruka 10:1-12; Mab. 1:8) Muapostora Petro akarondedzera basa ravakapiwa naJesu mumashoko aya anoti: “Akatirayira kuparidzira vanhu nokupupurira kwazvo kuti Uyu ndiye akagadzwa naMwari kuva mutongi wevapenyu nevakafa.” (Mab. 10:42) Chii chinobatanidzwa pakupupurira kwazvo?

2 Tinogona kudzidza zvakawanda nokufunga muenzaniso womuapostora Pauro. Pakusangana nevarume vakuru veungano yeEfeso, akavayeuchidza kuti: “Handina kurega kukuudzai zvinhu zvaikubatsirai kana kukudzidzisai pachena uye pamba nemba. Asi ndakapupura kwazvo kuvaJudha nevaGiriki pamusoro pokupfidza kuna Mwari nokutenda munaShe wedu Jesu.” Pasinei nokutarisana nemiedzo kwaakaita, Pauro akatsvaka kutaurira mashoko akanaka vakawanda sevaaikwanisa. Haana kugutsikana nokungoudza vateereri vake chokwadi chinokosha, asi akatsvaka kuvapa “zvose zvinodiwa zvaMwari.” Kuti aite izvi, aiva akazvipira kushanda nesimba uye kurega zvimwe zvinhu. Akatizve: “Handirangariri mweya wangu sounokosha kwandiri, kudai bedzi ndikapedza basa rangu noushumiri hwandakagamuchira hwaShe Jesu, kuti ndipupurire kwazvo mashoko akanaka omutsa usina kufanirwa waMwari.”—Mab. 20:20, 21, 24, 27.

3 Tingatevedzera sei muenzaniso waPauro nhasi? (1 VaK. 11:1) Nokutsvaka vanasaimba vakafanira kunyange isu pachedu tiri kutarisana nemiedzo, nokuedza kusvika nemashoko akanaka kune vanhu vemadzinza ose nemitauro yose, uye nokushingaira kubatsira vanhu vanofarira vatinowana. (Mat. 10:12, 13) Izvi zvinoda nguva, simba, uye rudo nokuda kwevanhu.

4 Ungashanda Sapiyona Webetsero Here? Ungava mukana wakanaka zvikuru wokuti upupurire kwazvo kuburikidza nokuita upiyona hwebetsero muna March naApril. Zvaikurudzira zvikuru gore rapera kuona vakawanda kwazvo vachiedza zvose zvavaigona kuti vaite upiyona hwebetsero!

5 Imwe hanzvadzi ine makore 80 yaiva nezvinetso zvoutano zvakawanda yakanzwa manyukunyuku payakanzwa kurudziro yakapiwa nesangano raJehovha. Yakanyora kuti: “Zvakapfutidza moto wagara uri mumwoyo mangu kwenguva refu, uye zvakaita kuti ndifunge kuti ndaifanira kuita upiyona hwebetsero zvekare.” Yakasarudza kupayona muna March. “Chinhu chokutanga chandakaita kwaiva kugara pasi ndokuverenga zvinodiwa. Ndakataura nomwanasikana wangu nezvazvo nokuti ndaizoda kuti andibatsire. Akandishamisa nokutorawo fomu rokupayona,” yakadaro. Mumwedzi wacho, hanzvadzi yacho yakwegura yakapedzera maawa 52 muushumiri. “Kakawanda ndainyengetera kuna Jehovha kuti amutsiridze simba rangu pandainzwa kuti rava kupera. Pakupera kwomwedzi wacho, ndakafara uye ndakagutsikana, uye ndakatenda Jehovha kakawanda nokundibatsira. Ndingada kuedza kupayona zvekare.” Zvakaitika kwairi zvinofadza zvingakurudzira vamwe vanonyatsoda kuita upiyona hwebetsero pasinei nezvinetso zvoutano zvakanyanya.

6 Imwe hama yakangokaruka yabudiswa basa rayo rokunyika yakashandisa mamiriro acho ezvinhu kuita upiyona hwebetsero. Mwedzi zvawakafambira mberi, yakazadzwa neshungu dzokuparidza, uye pakazopera mwedzi wacho, yakanga yatanga chidzidzo cheBhaibheri chitsva. Ichifunga nezvezvakaitika zvacho, yakati: “Waiva mwedzi wakazonaka!” Yakafara kwazvo nokutungamirirwa uye kubatsirwa naJehovha! Hungu, Jehovha akadururira hama yacho zvikomborero zvikuru nokuda kwokuwedzera basa roushumiri kwayakaita, uye achakuitirawo izvozvo.—Mar. 3:10.

7 Kune vakawanda, kuita upiyona hwebetsero hakusi nyore. Kunyange zvakadaro, pasinei nemitoro yokunyika neyemhuri uyewo zvinetso zvomunhu oga, hama nehanzvadzi dzakawanda dzakakwanisa kupayona. Kupupurira kwazvo kunowanzoda kupa nguva yedu inokosha uye simba redu, asi zvikomborero zvacho hazvienzaniswi.—Zvir. 10:22.

8 March naApril inguva yakanaka yokuita upiyona hwebetsero. March une kupera kwevhiki kushanu. Kushandisa izvi uye kushandisa zvakanaka nguva yemanheru kungabatsira vamwe vanoshanda nguva yakazara kuti vaite upiyona hwebetsero. Uyezve, ungakwanisa kushandisa mazororo mumwedzi waApril. Vamwe vangava vari pazororo rechikoro uye rebasa rokunyika, zvingavabatsira kusvitsa maawa 50 anodiwa. Kuti uite maawa 50 muushumiri muna March kana April, ungashandisa imwe yepurogiramu dzomuenzaniso woupiyona hwebetsero iri munyaya ino here? Kurukura purogiramu yako nevamwe; pasina mubvunzo vamwe vachakurudzirwa kushanda newe muushumiri. Kana usingakwanisi kuita upiyona hwebetsero, iva nechinangwa chaicho nokuda kwemwedzi iyi, uye tsigira vaya vanokwanisa kupayona. Ita zvirongwa zvako iye zvino zvokuwedzera basa muna March naApril.

9 Ratidza Kuonga Chirangaridzo: Gore rimwe nerimwe mumwaka weChirangaridzo, kuonga rudzikinuro kunokurudzira zviuru ‘kutenga nguva’ yokuita upiyona hwebetsero. (VaEf. 5:15, 16) Gore rapera muZimbabwe maiva nemapiyona ebetsero 3 508 muna April. Tingaedza kuva nevamwe vakatowanda here vanonyoresa gore rino? Mwaka uno weChirangaridzo ndomumwe mukana wakaisvonaka wokuratidza kuonga kwedu nomwoyo wose chibayiro chaKristu chorudzikinuro nokuwedzera basa redu muushumiri hwomumunda.

10 Sezvo April 16 anosvika, fungisisa zvinorehwa neChirangaridzo kwauri. Funga nezvezviitiko zvakatungamirira kurufu rwaKristu uye zvinhu zvaimutambudza zvikuru mupfungwa dzake nomumwoyo. Fungisisawo mufaro wakaiswa pamberi paJesu uye kubatsira kwawakamuita kutsungirira kusabatwa zvakanaka kwakadaro. Funga nzvimbo yaari iye zvino soMusoro weungano, achitarisira basa rokuparidza nerokuita vadzidzi. (1 VaK. 11:3; VaH. 12:2; Zvak. 14:14-16) Zvadaro ratidza kuonga kwako zvose zvakaitwa naKristu nokushanda zvakazara mubasa rokuparidza sezvinobvumirwa nemamiriro ako ezvinhu.

11 Kurudzira Vamwe Kupupurira Kwazvo: Vakuru nevashumiri vanoshumira vane mukana wakanaka wokukurudzira vamwe kuburikidza nokuita basa roupiyona hwebetsero. Pavanoshanda nevaparidzi muushumiri hwomumunda uye pavanoenda kunofudza, vane mikana yakaisvonaka ivo pachavo yokubatsira vamwe kushanda zvakazara mubasa iri rinokosha. Tose zvedu ngatinyengeterere izvi, nokudaro tichisimbisa kushingaira kwedu takabatana mukupupurira kwazvo.

12 Kunyange vakuru nevashumiri vanoshumira vose vachashandira pamwe nezvirongwa zveungano zvebasa rakawedzerwa mumwedzi yaMarch naApril, zvikurukuru mutariri webasa anofanira kuva nehanya nokutarisira basa racho rokuparidza evhangeri. Anofanira kuronga nzvimbo dzokuitira musangano webasa romumunda, mazuva acho, uye nguva yakanakira vaparidzi vakawanda oita kuti izvi zviziviswe nguva nenguva. Zvirongwa zvingaitwa zvokuungana nguva dzakasiyana-siyana dzinoverengeka pazuva, zvichipa vose vari muungano mukana wokushanda munzira dzakasiyana-siyana dzokupupura. Izvi zvingasanganisira kushanda ndima yemabhizimisi, kupupurira pamugwagwa, kuenda pamba nemba, kudzokerazve, uye kupupurira norunhare. Uyezve, anofanira kuronga kuti pave nemabhuku akakwana, magazini, uye ndima mumwedzi iyoyo.

13 Muna March tichagovera bhuku raZivo, nechinangwa chokutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Mazano akaisvonaka okugovera bhuku raZivo ari muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2002. Muna April tichagovera magazini eNharireyomurindi neMukai! Edza kushandisa mharidzo dziri pakanzi “Zvokutaura Maererano Nemagazini.” Tose tinofanira kuzvipa nguva yokunyatsogadzirira kuti tipupure kwazvo.

14 Tine chikomborero chikuru chokushanda pasi penhungamiro yoMusoro weungano, Kristu Jesu, uye tine ropafadzo yokuudza vamwe mashoko akanaka! Sezvo mwedzi yaMarch naApril inosvika, ngatiedzezve kuita kuti ive mwedzi yedu yakanakisisa sezvatinoteerera murayiro waKristu wokuparidza uye kupupura kwazvo.

[Bhokisi riri papeji 4]

Nzira Dzakasiyana Dzokuita Upiyona Hwebetsero Muna March naApril 2003

Musi Maawa

Muvhuro 1 2 ​— —​ 2 ​—

Chipiri 1 ​— 3 —​ ​— —​

Chitatu 1 2 ​— 5 —​ ​—

China 1 ​— 3 —​ ​— —​

Chishanu 1 2 ​— —​ ​— —​

Mugovera 5 4 3 5 6 7

Svondo 2 2 3 2 2 3

March 56 56 54 55 50 50

April 50 50 51 53 ​— —​

Imwe yepurogiramu idzi ichashanda kwauri here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe