RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/02 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 12/02 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana musina, mungagovera Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, kana kuti Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. January: Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakabudiswa 1988 asati asvika ringagoverwa. Kana musina mabhuku aya, tapota bvunzai kana ungano dziri pedyo dziine mamwe mabhuku ekare adzisingashandisi. Ungano dzisina mabhuku ekare ane mapeji 192 dzingagovera bhuku raKutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu. February: Bhuku idzva raSwedera Pedyo naJehovha richagoverwa. March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Tichaedza nepatingagona napo kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha.

◼ Tapota cherechedzai kuti Chirangaridzo chegore ra2004 chichavako musi weSvondo April 4, zuva ranyura. Ichi chiziviso chapiwa pachine nguva kuitira kuti hama dziite urongwa hunodiwa kana zvibvumirano nokuda kwedzimba dziripo, kana paine ungano dzinoverengeka dzinoshandisa Imba yoUmambo zvimwe zvivako zvichafanira kutsvakwa. Vakuru vanofanira kuva nechibvumirano nevatarisiri chinovimbisa kuti hapazovi nezvimwe zvinenge zvichiitwa muchivako chacho zvinodzongonyedza kuitira kuti kuchengetwa kweChirangaridzo kuitwe norugare uye zvakarongeka. Nemhaka yokukosha kwenguva yacho, pakuronga mukurukuri weChirangaridzo, dare revakuru rinofanira kusarudza mumwe wevakuru vanokwanisa zvikuru panzvimbo pokungoita madzoro kana kuti kushandisa hama imwe chete gore negore. Kana paine mukuru anokwanisa wevakazodzwa anogona kupa hurukuro yacho, anofanira kusarudzwa.

◼ Chikoro Chokurovedza Vashumiri: Vakuru nevashumiri vanoshumira vasina kuroora avo vanoda kupinda Chikoro Chokurovedza Vashumiri kuZambia vanokurudzirwa kupinda musangano unoitiswa nomutariri woruwa pagungano redunhu. Zvinodiwa kuti munhu apinde chikoro chacho zvichatsanangurwa pamusangano uyu. Hama dzakawanda dzichiri kudiwa dzingadzidziswa kuchikoro ichi.

◼ Kero yehofisi yebazi haifaniri kushandiswa pakupupurira netsamba, zvakadai sepakutumira zvinhu kune vanhu vanofarira, kune vasiri pamba, kana kuti kune vaya vanogara munzvimbo dzinonetsa kusvika. Tapota shandisai kero yenyu pachenyu kana kuti yeImba yoUmambo yeungano yenyu.

◼ Muna July naAugust, 2002, Dzimba dzoUmambo 28 dzakatsaurirwa. Izvi zvinoita kuti dzimba dzose dzakatsaurirwa kubvira muna May 2000 dzisvike pa227.

◼ Vaparidzi vose vakabhabhatidzwa vanenge varipo paMusangano Webasa wevhiki inotanga naJanuary 6 vangawana makadhi eAdvance Medical Directive/Release uye eIdentity Card evana vavo.

◼ Kuchinja kuri kuitwa mumaitisirwo achaitwa Chikoro chaMwari Choushumiri panoshanya mutariri wedunhu. Kutanga muna January 2003, pashure perwiyo rwokutanga nomunyengetero, chikoro chichaitwa kweanenge maminitsi 25. Pachava nehurukuro yemaminitsi mashanu paunyanzvi hwokutaura, hurukuro yokurayira yemaminitsi gumi, uye pfungwa huru dzinobva mukuverenga Bhaibheri dzemaminitsi gumi. Hurukuro Nha. 2, 3 ne4 hadzizoitwi. Chikoro chichateverwa noMusangano Webasa wehafu yeawa. Pashure porwiyo, pachava nepurogiramu yehafu yeawa yomutariri wedunhu, ichiteverwa norwiyo nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe