Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Kudzokororwa kwezvakadzidzwa muChikoro chaMwari Choushumiri muhurukuro dzevhiki dzaSeptember 2 kusvika kuna December 23, 2002. Izvi zvinoitwa mabhuku akavharwa. Iva nepepa rokunyorera mhinduro dzose dzaunokwanisa munguva yakapiwa.
[Ona: Paunenge uchinyora mhinduro, Bhaibheri bedzi ndiro ringashandiswa kupindura chero mubvunzo. Mabhuku anoratidzwa panoperera mubvunzo ndeokuti utsvakurudze mashoko uri woga. Nhamba dzemapeji uye ndima dzingasaratidzwa muNharireyomurindi imwe neimwe inenge yaratidzwa.]
Pindura mibvunzo yose inotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:
1. Kufungisisa unhu hwaJehovha hunoshamisa idanho rinokosha pakuswedera pedyo naye. (Pis. 143:5) [w00-CA 10/15 p. 4 ndima 6]
2. Kubatanidzwa kwematanda maviri kunotaurwa pana Ezekieri 37:15-24 kunoenderana nemazuva ano mukuti muna 1919 vakazodzwa vakatendeka vakabatanidzwa pasi paKristu, ‘mambo wavo mumwe’ no“mufudzi mumwe.” [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 9/15 p. 25 ndima 13.]
3. Kunyange zvazvo vatsoropodzi vakuru veBhaibheri vakanga vasina chokwadi nokuti bhuku raDhanieri nderenhau, zvakawanikwa pakuchera matongo kwemakore ose aya zvakakurira zvachose kutaura kwavo. [si-CA p. 138 ndima 4]
4. Kana zvatinonzwa zvichiita sezvinobva kune chiremera kana kuti kune mumwe munhu anozviti ane ruzivo rwakakura, hapana chikonzero chakasimba chokuzviti ndezvenhema. [w00-CA 12/1 p. 29 ndima 7-8]
5. Mashoko okuti “vaprofita vakaderera” anorondedzera zvakakodzera kuti mabhuku 12 okupedzisira eMagwaro echiHebheru haanyanyi kukosha. [si-CA p. 143 ndima 1]
6. Amosi aiva mumwe we“vanakomana vavaprofita” paakadanwa naJehovha ndokutumwa kunoprofita kuJudha neIsraeri. (2 Madz. 2:3) [si-CA p. 148 ndima 1]
7. Obhadhia 16 inofanotaura kuparadzwa kworudzi rwose rwevanhu veEdhomi nemhaka yokuvenga kwavo vaJudha. (Obha. 12) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 4/15 p. 30 bhokisi.]
8. “Mutauro wakachena,” NW unotaurwa nezvawo pana Zefania 3:9 unosanganisira kunzwisisa zvakarurama chokwadi chaMwari nezvinangwa zvake. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w01-CA 2/15 p. 27 ndima 18.]
9. Chikonzero chakaita kuti Jesu ashushikane zvikuru mupfungwa paaiva mubindu reGetsemane chaiva chokuti ainetseka nokuti rufu rwake segororo rinozvidzwa rwaizozvidzisa sei Jehovha uye zita Rake dzvene. (Mat. 26:38; Ruka 22:44) [w00-CA 11/15 p. 23 ndima 1]
10. “MuFiristia” akaita “somuchinda paJudha,” sezviri pana Zekaria 9:6, 7, nenzira youprofita anorondedzera nhengo dzemamwe makwai dzemazuva ano idzo dzakarovedzwa no“muranda akatendeka, akangwara” uye dzakapiwa chiremera sezvinodiwa. (Mat. 24:45) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 7/1 p. 23 ndima 14.]
Pindura mibvunzo inotevera:
11. Basa redu rokuparidza ringaenzaniswa sei nebasa raEzekieri senharirire? (Ezek. 33:1-11) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 1/1 p. 28 ndima 13.]
12. Zvakaratidzwa Ezekieri maererano nemapfupa akaoma zvakafanana pakudini nezvakaonekwa munguva dzazvino uno? (Ezek. 37:5-10) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 9/15 p. 24 ndima 12.]
13. Ndohupi uchapupu hunogutsa zvikuru hwokufuridzira kwakaita Mwari bhuku raZekaria? [si-CA p. 169 ndima 5]
14. Chii chinomiririrwa neguta rezvakaratidzwa Ezekieri? (Ezek. 48:15-17) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w99-CA 3/1 p. 18 ndima 22.]
15. Kubva pana Isaya 2:2-4, zvingataurwa sei kuti zviitiko zviri kuitika muIsraeri nhasi hazvizadziki uprofita hweBhaibheri zvakananga? [rs-CA p. 408 ndima 4]
16. Chii chingadzidzwa kubva pane zvakaitwa naDhanieri kuchirevo chamambo chokuti hapana anofanira kukumbira chinhu kuna mwari upi noupi kana munhu upi noupi kunze kwokuna mambo kwemazuva 30? (Dhan. 6:7-10) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona dp-CA p. 125 ndima 25-8.]
17. Uprofita hwokuti vakasara vaizova vakashinga se“shumba pakati pemhuka dzomudondo” hwakatanga kuzadzika rini? (Mika 5:8) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w01-CA 11/1 p. 11 ndima 12.]
18. Mashoko okuti “makabvoora misoro yavarwi vake namapfumo ake,” ari pana Habhakuki 3:14 anorevei? [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w00-CA 2/1 p. 22 ndima 15; w82-CA 2/1 p. 29 ndima 4-5.]
19. Kushandiswa kweshoko rokuti “zvimwe” pana Zefania 2:3 kunoratidzei? [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w01-CA 2/15 p. 19 ndima 8.]
20. Maererano naZekaria 8:6, mumakore ose kubvira muna 1919, Jehovha akaita sei izvo zvingave zvakaratidzika kuva zvakanyanyooma zvikuru mukuona kwevanhu? [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w96-CA 1/1 p. 16 ndima 18-19.]
Ipa (ma)shoko kana kuti chitsama chemashoko anodiwa kupedzisa mutsetse mumwe nomumwe unotevera:
21. Tinotaura kuna Jehovha ․․․․․․․․, unova nzira yokuremekedza yokutaura naMwari; uyewo, nzira huru yaanoshandisa kutaura nayo kwatiri i․․․․․․․․. (Pis. 65:2; 2 Tim. 3:16) [w00-CA 10/15 p. 5 ndima 2-3]
22. Jesu Kristu anogona kuzivikanwa saMikayeri nokuenzanisa Judha 9 na1 VaTesaronika 4:16 (Revised Standard), umo murayiro waJesu Kristu wokuti rumuko rutange unorondedzerwa so“․․․․․․․․”; uyezve, zita rokuti Mikayeri rinoreva kuti “․․․․․․․․ ․․․․․․․․,” sezviri pachena rinoratidza kuti Jesu ndiye anotungamirira mukutsigira uchangamire hwaJehovha nomukuparadza vavengi vaMwari. [rs-CA p. 104 ndima 3-4]
23. “Kutemwa kwomurayiro wokuvandudza nokuvaka Jerusarema” kwakaitika muna ․․․․․․․․, zvichitara kutanga kwevhiki 69 dzemakore, idzo dzakaguma nokuonekwa kwaMesiya muna ․․․․․․․․. (Dhan. 9:25) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona dp-CA p. 190 ndima 20–p. 191 ndima 22.]
24. Joere 2:31, iyo inotaura nezvokushanduka kwezuva kuva rima, inoenderana naMateu 24:29, 30, ․․․․․․․․ paanorondedzera kuuya kwake soMwanakomana womunhu ane ․․․․․․․․. [si-CA p. 147 ndima 13]
25. Uprofita hwa․․․․․․․․ maererano neAsiria neguta rayo guru, ․․․․․․․․, hunokwidziridza kururamisira uye ukuru hwaJehovha uye hunotipa chivimbo chokuti Jehovha acharuramisira uipi hwose. [si-CA p. 160 ndima 11]
Sarudza mhinduro yakarurama mumutsetse mumwe nomumwe unotevera:
26. Bhuku raEzekieri rinosimbisa kuti Jehovha (ane rupo; anozvininipisa; mutsvene) uye rinozivisa kuti (kuvandudzwa kwounhu hwako; kutsveneswa kwezita raJehovha; kuva muvakidzani akanaka) kunokosha zvikuru kupinda chimwe chinhu chipi nechipiwo zvacho. [si-CA p. 137 ndima 33]
27. Ezekieri, uyo akararama panguva imwe chete naDhanieri, anosimbisa kuti Dhanieri aiva munhu chaiye, achimududza pamwe chete na(Noa naJobho; Mosesi naJoshua; Eriya naErisha). [si-CA p. 138 ndima 2]
28. Maererano naDhanieri 2:34, 35, 45, ibwe rinorova chifananidzo ndokuchiputsa-putsa rinomiririra (Amagedhoni; mashoko akananga okutonga anoziviswa nevanhu vaMwari; Umambo hwaMesiya). [si-CA p. 142 ndima 20, 23]
29. Rudzi rwemhashu dzokufananidzira runotaurwa pana Joere 1:4-6 runomirira (rudzi rwaIsraeri; vaKristu vakazodzwa; mauto eRoma). (Mab. 2:1, 14-17) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w98-CA 5/1 p. 9 ndima 9.]
30. “Umambo hweMwanakomana wake waanoda” hunotaurwa pana VaKorose 1:13 (Umambo hwaMesiya; kutonga kwaKristu paungano yechiKristu kubva paPendekosti ya33 C.E. zvichienda mberi; Kutonga Kwemakore ane Chiuru kwaKristu). [rs-CA p. 373 ndima 4]
Wiriranisa Magwaro anotevera nemitsetse yakarongwa pasi apa:
Hos. 6:6; Joe. 2:32; Zek. 4:6, 7; 13:3; VaR. 12:2
31. Hatifaniri kurega zvinodiwa netsika kana kuti nenyika ino zvichiumba mafungiro edu. [w00-CA 11/1 p. 21 ndima 6]
32. Chinofadza Mwari, hazvisi zvibayiro zvakawanda zvinopiwa nguva dzose, asi mashoko orudo rwakavimbika runobva pakumuziva. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona si-CA p. 145 ndima 16.]
33. Kuziva, kuremekedza, uye kuvimba nomunhu ane zita raMwari kunokosha kuti tiponeswe. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 3/15 p. 30 bhokisi.]
34. Chinangwa chaMwari hachiitwi nesimba romunhu upi noupi, asi nomudzimu wake, unoita kuti vashumiri vake vakurire zvipingamupinyi zvakaita semakomo uye kuti vatsungirire mubasa raMwari. [si-CA p. 169 ndima 2]
35. Kuvimbika kunoratidza sangano raJehovha kunodarika ukama hwose hwevanhu, hwakadai sohuya hwehama dzokunyama dzomumba chaidzo. [si-CA p. 171 ndima 24]