RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/02 p. 2
  • Purogiramu yoMusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu yoMusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naDecember 9
  • Vhiki Inotanga naDecember 16
  • Vhiki Inotanga naDecember 23
  • Vhiki Inotanga naDecember 30
  • Vhiki Inotanga naJanuary 6
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 12/02 p. 2

Purogiramu yoMusangano Webasa

Vhiki Inotanga naDecember 9

Rwiyo 193

12 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Uchishandisa mazano ari papeji 8, iva nemienzaniso yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaDecember 15 uye Mukai! yaJanuary 8.

15 min: “Zivisa Mashoko oUmambo.”a Pakukurukura ndima 3, taurawo mazano okuverenga zvakananga kubva muBhaibheri kungaitwa pakukurukura mashoko akanaka.—km-CA 12/01 p. 1 ndima 3.

18 min: Iva Nezvibereko Mubasa Rose Rakanaka. Hurukuro, nokukurukurirana nevateereri. Inopiwa nomukuru. Kurukura nhoroondo uye kufambira mberi kweungano yenyu, kusanganisira zvakaitwa kuti ungano yacho iumbwe. Fanoronga kuti vamwe vaivapo panguva iyoyo varondedzere zvakaitika zvinokurudzira. Taura zvimwe zvingaita kuti pave newedzero, uye kurudzira vose kutsigira nokushingaira mabasa eungano.

Rwiyo 119 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naDecember 16

Rwiyo 29

10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Zivisa zvirongwa chaizvo zvebasa romumunda zvomusi waDecember 25 naJanuary 1.

15 min: Vaya Vane Njere Ndivo Vachanzwisisa. (Dhan. 12:3, 10) Muenzaniso. Munhu anofarira anobvunza kuti: “Ndingava sei nechokwadi chokuti mune nzwisiso yakarurama yezvinodzidziswa neBhaibheri?” Muparidzi anotsanangura mashandisirwo emisoro pakuita tsvakurudzo yeBhaibheri. (w96-CA 5/15 map. 19-20) Achishandisa muenzaniso mumwe kana miviri iri mubhuku raKurangarira, mapeji 286-90, anoratidza kusvika kwatakaita pakunzwisisa chinangwa chaMwari nokuda kwepasi nokunyatsoongorora ndima dzeMagwaro. Muparidzi anotsanangura mashandisirwo angaitwa nzira yakadaro kunzwisisa zvakarurama dzimwe dzidziso dzeBhaibheri ndokutaura nezvokudzidza Bhaibheri.

20 min: “Yeuka Vanhu Vakwegura Vakatendeka.”b Taurawo mashoko ari muNharireyomurindi yaAugust 1, 1994, papeji 29. Taura urongwa hwokuti ndonda dzinogona kushuma maminitsi 15 ebasa romumunda. Ita kuti vashomanana varondedzere zvakaitika zvinoratidza kuti kushamwaridzana nevakadaro kunounza sei zvikomborero kuvose vari vaviri.

Rwiyo 154 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naDecember 23

Rwiyo 148

10 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa mazano ari papeji 8, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJanuary 1 uye Mukai! yaJanuary 8. Kurudzira vaya vanokwanisa kuona vhidhiyo inonzi No Blood—Medicine Meets the Challenge pakugadzirira kukurukurirana kuchaitwa paMusangano Webasa wevhiki inotanga naJanuary 6.

15 min: Zvinodiwa muungano.

20 min: “Unobatsira Kuti Pave Nomushumo Wakarurama Here?”c Pakukurukura ndima 2, taurawo mashoko ari mubhuku raHushumiri Hwedu, mapeji 106-8.

Rwiyo 165 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naDecember 30

Rwiyo 152

10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuendesa mishumo yebasa romumunda yaDecember. Kana ungano yenyu ichichinja nguva yemisangano yegore idzva, kurudzira nomutsa munhu wose kuti apinde nguva dzose panguva yacho itsva. Taura mabhuku achagoverwa muna January, uchisimbisa mabhuku ayo ungano inawo.

15 min: Kurukurai Bhuku raNamata Mwari. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Tsanangura urongwa hwokuti bhuku idzva iri richashandiswa sebhuku rechipiri rokudzidza. (km-CA 6/00 p. 4 ndima 5-6) Kumbira vateereri kuti vataure zvikamu zvebhuku racho zvinovafadza. Taura kuti zvimwe zvikamu zvebhuku racho zvinoshandisa mibvunzo uye magwaro kuita kuti mudzidzi afungisise Shoko raMwari. Taura muenzaniso unowanikwa pamapeji 47-9, ndima 13.

20 min: “Shumira Jehovha Pasina Chinotsausa.”d Kukurukura wedzero nemibvunzo nemhinduro.

Rwiyo 147 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJanuary 6

Rwiyo 67

13 min: Zviziviso zveungano.

15 min: Kubatsirwa Mukuteerera Mutemo waMwari Pamusoro Peropa. Hurukuro inopiwa nomukuru anokwanisa, inobva papepa rehurukuro rakagoverwa nehofisi yebazi. Munyori anofanira kuva nezvinhu zvinotevera zvakakwana kuti ape vaparidzi: Makadhi eAdvance Medical Directive/Release, nemaIdentity Card. Magwaro aya achapiwa vaparidzi vakabhabhatidzwa musangano wacho wapera, asi HAAFANIRI kuzadzwa pakarepo. Kusaina, kupupurira, uye kuisa musi pamakadhi acho zvingaitwa kuChidzidzo Chebhuku Cheungano chinotevera, mutariri wechidzidzo chebhuku achibatsira panodiwa. [MaIdentity Card, kana achishandiswa munyika yacho, anofanira kupiwa vabereki kuitira vana vavo.] Vaya vanosaina sezvapupu vanofanira kunyatsoona muridzi achisaina gwaro racho. Vachiita kuti mutauro uri pakadhi iri uwirirane nemamiriro avo ezvinhu nezvavanodavira, vaparidzi vasina kubhabhatidzwa vanganyora magwaro avo okushandisa ivo nevana vavo.

17 min: “Unofanira Kuona Vhidhiyo Inonzi No Blood—Medicine Meets the Challenge.” Inopiwa nomukuru anokwanisa. Tanga zvakananga kukurukurirana nevateereri vhidhiyo yaNo Blood, uchishandisa mibvunzo iri mubhokisi riri papeji 7. Pashure pacho, verenga ndima yokupedzisira iri mubhokisi racho. [Kana kuti, mukuru angakurukura musoro unoti “Kuisirwa Ropa” kubva papeji 301-5 mubhuku raKurangarira.]

Rwiyo 79 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe