Kuratidza Kufarira Vamwe Kunoitwa Nevatariri veChidzidzo Chebhuku Cheungano
1 Chidzidzo Chebhuku Cheungano chakarongwa kuti ‘zvive nyore kutarisira munhu mumwe nomumwe zviri nani kuti munhu wose akure mumudzimu. Uku ndiko kuratidzwa kwomutsa une rudo waJehovha uye kutarisira kune rudo kwaanoita vanhu vake.’ (om-CA p. 75; Isa. 40:11) Mutariri wechidzidzo chebhuku anoita basa rinokosha mukutarisira munhu mumwe nomumwe kwakadaro.
2 PaChidzidzo Chebhuku: Sezvo mapoka echidzidzo chebhuku achiregwa ari maduku paine chinangwa, mutariri wechidzidzo chebhuku anokwanisa kusvika pakuziva nhengo dzeboka rake zvakanaka. (Zvir. 27:23) Kazhinji kacho, pane mikana yokukurukura chidzidzo chisati chatanga kana kuti chapera vhiki imwe neimwe. Panozopera mwedzi, angave akwanisa kukurukura nomunhu wose ari muboka racho. Izvi zvinobatsira nhengo dzechidzidzo chebhuku kunzwa dzakasununguka kukurukura naye padzinenge dzichisangana nemiedzo kana kuti dzichida kukurudzirwa.—Isa. 32:2.
3 Mutariri wechidzidzo chebhuku anoedza kukurudzira vose vari muboka racho kupindura panguva yechidzidzo chacho. Imwe nzira yaanoita nayo izvi ndeyokuitisa chidzidzo chacho nomutsa, nounyoro. (1 VaT. 2:7, 8) Anotsvaka nzira dzokuita kuti vose vabatanidzwe mukukurukurirana kwacho, kusanganisira vechiduku. Kana vamwe vachizeza kupindura, angapa rubatsiro vasiri paruzhinji nokufanoronga kuti vazoverenga rugwaro kana kuti vapindure pane imwe ndima. Kana kuti angavaratidza kuti vangapindura sei nemashoko avo voga.
4 Kana mubatsiri womutariri wechidzidzo chebhuku ari mushumiri anoshumira, mutariri anoronga kuti aitise chidzidzo chacho kamwe chete mumwedzi miviri yoga yoga. Izvi zvichaita kuti mutariri acherechedze mubatsiri wacho obva apa mazano anobatsira. Uhwu urongwa hwakanaka zvikuru hwokubatsira hama kuti dzivandudze unyanzvi hwadzo hwokudzidzisa!—Tito 1:9.
5 Muushumiri Hwomumunda: Rimwe basa guru romutariri wechidzidzo chebhuku nderokutungamirira mukuparidza evhangeri. (Num. 27:16, 17) Anoita zvirongwa zvinoshanda zvokupupura seboka uye anoedza kubatsira vose vari muboka racho kuwana mufaro muushumiri hwavo. (VaEf. 4:11, 12) Kuti aite izvi, anoedza kushanda nomumwe nomumwe ari muboka racho. Anoshandawo nomutariri webasa kuronga nezvevaya vangada kuvandudza dzimwe nzira dzoushumiri hwavo kuti vabatsirwe nevaparidzi vane unyanzvi.
6 Somufudzi Ane Rudo: Mutariri wechidzidzo chebhuku ane hanyawo nevaya vanoshanda zvishomanana mubasa rokuparidza nemhaka yemamiriro avo ezvinhu. Anova nechokwadi chokuti vaya vasingaiti zvakawanda nemhaka yokukwegura kana kuti nemhaka yokuva ndonda uye vaya vasingakwanisi kuita basa kwenguva yakati nemhaka yourwere hwakakomba kana kukuvara vanoziva nezvourongwa hunovabvumira kushuma maminiti 15 mubasa romumunda kana vasingakwanisi kushuma awa yakazara mumwedzi mumwe chete. (Dare Rebasa Reungano rinosarudza kuti ndiani anokodzera urongwa uhwu.) Ane hanyawo nevaya vari muboka racho vangava vasingachaiti basa, achiedza kuvabatsira kutangazve kushanda neungano.—Ruka 15:4-7.
7 Tinofara zvikuru nokuda kworudo runoratidzwa nevatariri vechidzidzo chebhuku! Kutarisira munhu mumwe nomumwe kwavanoita kunotibatsira ‘tose kusvika pakuva vamwe mukutenda, tichiva nomwero woukuru hwokuzara kwaKristu.’—VaEf. 4:13.