Purogiramu yoMusangano Webasa
Vhiki Inotanga naAugust 12
13 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Uchishandisa mazano ari papeji 8, iva nemienzaniso miviri yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaAugust 15 uye Mukai! yaSeptember 8. Mumuenzaniso mumwe nomumwe, ratidza nzira yakasiyana yokukurukura nomunhu anodzivisa kukurukurirana achiti “Neiko vanhu imi muchishanya kakawanda zvikuru.”—Ona bhuku raKurangarira, papeji 20.
20 min: “Ronga Zvinhu Zvaunoda Kuita Mune Zvokunamata.”a Pakukurukura ndima 5, taurawo mashoko anokurudzira pamusoro pokuita upiyona hwenguva dzose uye basa roumishinari nerepaBheteri kubva mubhuku raHushumiri Hwedu, mapeji 114-16.
12 min: Zvakaitika. Kumbira vaparidzi kurondedzera zvakaitika zvavakava nazvo pakushandisa turakiti raUnoda Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? Pane zvidzidzo zveBhaibheri zvakatangwa here? Kana zviripo, tsanangura kuti sei kana kuti enzanisira chakaitika chimwe kana zviviri semaitikiro azvakaita. Kurukura bhokisi rakanzi “Mikana Yokuparadzira Turakiti Racho” riri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2001, papeji 4.
Rwiyo 123 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naAugust 19
12 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Kurukura “Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo.” Zivisa musi wezuva regungano chairo rinotevera, uye kurudzira vose kusvika nokukurumidza ndokunyatsoteerera purogiramu yose. Kurudzira vaparidzi kukoka vatsva vanofarira uye vadzidzi veBhaibheri.
15 min: Chii Chinoita Kuti Vazeze? Kukurukurirana nevateereri uye muenzaniso. Muushumiri hwedu tinowanzosangana nevanhu vanozengurira kukurukura zvavanotenda. Izvi zvinopa chinetso chinogona kuita kuti tisataura mashoko oUmambo. Kana tikaziva chikonzero nei munhu achizeza, izvi zvingatibatsira kugadzirira kusvika kwatichaita kunoita kuti munhu wacho ataure zvaanofunga. Kurukurai machinjiro atingaita mharidzo yedu patinosangana nevanhu ava: (1) Vaya vasingakendengi nezvechitendero, kunyange chavo pachavo. (2) Vaya vanoda zvikuru tsika dzechitendero dzinoitwa nemhuri yavo uye nemadzitateguru. (3) Vaya vasinganzwi vakasununguka kutaura zvavanotenda nemhaka yokuti vanoziva Magwaro mashomanana okutsigira zvavanotenda. (4) Vaya vanotifungira zvakaipa nemhaka yemashoko enhema anotaurwa nevanotishora. Gadziridza izvi kuti zvienderane nendima yenyu, uchinyanya kuisa pfungwa pamaitiro amunogara muchisangana nawo. Ivawo nomuenzaniso mupfupi unoratidza zvingaitwa kuti uite kuti munhu ade kukurukurirana kwakavakirwa paMagwaro.
18 min: “Ratidza Kuvimbika kwechiKristu Kana Mumwe Munhu Woukama Akadzingwa.”b (Ndima 1-8) Inopiwa nomukuru anonyatsokwanisa, achishandisa mibvunzo iripo. Ita kuti ndima imwe neimwe iverengwe zvinonzwika nehama inogona kuverenga zvakanaka.
Rwiyo 136 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naAugust 26
10 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa mazano ari papeji 8, ita kuti piyona wenguva dzose kana kuti webetsero aenzanisire kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaSeptember 1 uye ita kuti muparidzi weungano aratidze kugoverwa kungaitwa Mukai! yaSeptember 8. Kurudzira vaparidzi vose kuverenga rugwaro mumharidzo dzavo.
17 min: “Iva Munhu Anogona Kukurukura Nevamwe!”c Pakugumisa, kurudzira vaparidzi kuongorora chitsauko chinoti “Mavandudzirwo Ounyanzvi Hwokukurukurirana” chiri mubhuku raBatsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri, mapeji 62-5. (Kana risipo, kurudzira vose kuongorora nyaya inoti, “Kukurukurirana Mukati Memhuri Nomuungano” inobva muNharireyomurindi yaSeptember 1, 1991, mapeji 20-4.)
18 min: “Ratidza Kuvimbika kwechiKristu Kana Mumwe Munhu Woukama Akadzingwa.”d (Ndima 9-14) Inopiwa nomukuru anonyatsokwanisa, achishandisa mibvunzo iripo. Ita kuti ndima imwe neimwe iverengwe zvinonzwika nehama inogona kuverenga zvakanaka.
Rwiyo 125 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naSeptember 2
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuendesa mishumo yebasa romumunda yaAugust. Kurukura zvishoma nyaya inoti “Rava Nevana Vako” iri muNharireyomurindi yaMay 1, 1999, peji 25.
20 min: Gadzirira Usati Waenda. Kukurukurirana uye muenzaniso. Kuronga kwakanaka kunoita kuti tibudirire muushumiri. Naizvozvo, pachine nguva mberi: (1) Tora mabhuku auchada. (2) Iva nechokwadi chokuti une zvinyorwa zvepamba nemba uye chinyoreso. (3) Kana uchida chokufambisa, ita zvirongwa zvakakodzera zvechokufambisa. (4) Funga nezvokushanya kwokudzoka kwaunoronga kuita. (5) Gadzirira zvauchataura. Kana uchizoitisa musangano webasa romumunda, iva nendima yakakwana. Kurukura nevateereri nzira mbiri kana nhatu dzokugovera nadzo bhuku raZivo muushumiri muna September. Enzanisira imwe yemharidzo dzacho, uye taurawo rugwaro mukukurukurirana kwacho.
15 min: Zvinodiwa muungano. Kana kuti kumbira vaparidzi kurondedzera zvakaitika zvavakava nazvo pavaipupurira zvisina kurongwa, zvichida pakukurukura mashoko akanaka nevanhu vaiva munzvimbo dzokupaka motokari, vaifamba nezvifambiso zvavose, vaiva panzvimbo dzinomirirwa mabhazi, panzvimbo dzokutenga (kana dzichibvumirwa), panzvimbo dzinomira marori, uye mune dzimwe nzvimbo dzavose. Enzanisira chinoitika chimwe kana zviviri semaitikiro azvakaita.
Rwiyo 99 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.