RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/02 p. 1
  • Ronga Zvinhu Zvaunoda Kuita Mune Zvokunamata

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ronga Zvinhu Zvaunoda Kuita Mune Zvokunamata
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Pwere—Ndedzipi Dziri Vavariro Dzenyu Dzomudzimu?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Kuzadzisa Kwaungaita Zvinangwa Zvako Zvokunamata
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Shandisa Zvinangwa Zvokunamata Kukudza Musiki Wako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Ndingaitei Kuti Ndizadzise Zvinangwa Zvangu?
    Mukai!—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 8/02 p. 1

Ronga Zvinhu Zvaunoda Kuita Mune Zvokunamata

1 Ichava ropafadzo yakakura zvikuru kurumbidza Jehovha nokusingaperi! Kuti tibatsirwe kuita kudaro, tinogona kuronga zvinhu zvine chokuita nokunamata zvenguva ino ndokuvavarira kuzviwana. Izvi zvinotibatsira kushandisa simba redu nokuchenjera. (1 VaK. 9:26) Zvinhu zvipi zvinonzwisisika zvaunogona kuronga kuita?

2 Kudzidza Bhaibheri: Unogadzirira musangano weungano umwe noumwe here? Kana uchidaro, unozvipa nguva yokutsvakurudza nokufungisisa paunenge uchidzidza here? Somuenzaniso, pakugadzirira Chidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki nevhiki uye Chidzidzo Chebhuku Cheungano, unongotara mhinduro chete here kana kuti unotarira magwaro arimo ndokufungisisawo zvikonzero zvetsanangudzo dzakapiwa? Ungagona kuvavarira kutsvakurudza pfungwa shomanana vhiki imwe neimwe kubva pachikamu chakagoverwa chokuverenga Bhaibheri kweChikoro chaMwari Choushumiri here? Kuchera kwomudzimu kwakadaro kunoda nguva nokutamburira, asi kunounza mibayiro yakawanda.—Zvir. 2:4, 5.

3 Misangano yeUngano: Chimwe chaungaronga kuita ndechokupinda misangano yeungano yose iri mishanu nguva dzose. Kukurumidza kusvika kuti tikurukure nevatinonamata navo uye kuvapo parwiyo rwokutanga nomunyengetero kunobatsira kusimbisa chinzwano cheungano. Tingaedzawo kupindura pamusangano mumwe nomumwe uye kuvavarira kuvandudza mhinduro dzedu. Zvimwe unogona kuratidza kuti rugwaro ruri mundima runowirirana sei nezviri kukurukurwa kana kutaura kuti zviri kudzidzwa zvinoshanda sei muupenyu hwezuva nezuva.—VaH. 10:24, 25.

4 Basa Romumunda: Ushumiri hwedu hunovandudzika zvikuru kana tikava nezvatinovavarira kuita. Iwe pachako wakaronga maawa aunoda kupedzera mubasa romumunda mwedzi mumwe nomumwe here? Vamwe vanoona izvozvo zvichibatsira. Kana kuti unogona kuvandudza humwe hwoushumiri hwako here, zvakadai sokushandisa Bhaibheri mubasa repamba nemba, kuita shanyo dzokudzoka dzine chinangwa, kuedza kutanga chidzidzo cheBhaibheri, kana kuti kudzidzisa zvinobudirira zvikuru pazvidzidzo zveBhaibheri?

5 Vabereki, muri kukurudzira vana venyu kuva nezvavanoronga kuita mubasa raJehovha here? Vabatsirei kuona kuti kushanda sapiyona, mumishinari, kana kuti nhengo yemhuri yeBheteri inzira yakanakisisa yokuratidza kuonga kukuru kwavanoita Jehovha.—Mup. 12:1.

6 Sezvatinoongorora mabasa edu, zvatinoronga zvinhu zvokuita mune zvokunamata, tobva tashandira kuzviwana, tichawana mufaro mukuru mubasa redu uye tova vanokurudzira vamwe.—VaR. 1:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe