Purogiramu yoMusangano Webasa
CHERECHEDZAI: Ushumiri Hwedu hwoUmambo hucharonga Musangano Webasa wevhiki imwe neimwe mumwedzi inotevera. Ungano dzingagadziridza zvinodiwa kuti dzigone kupinda kokorodzano yoruwa. Pazvakakodzera, shandisai maminitsi 15 paMusangano Webasa wokupedzisira musati mapinda kokorodzano kudzokorora mazano akakodzera ari muwedzero yomwedzi uno ayo anoshanda muungano yenyu. Mumwedzi waOctober, mumwe Musangano Webasa wose ucharongerwa kudzokorora pfungwa huru dzekokorodzano. Pakugadzirira, tose zvedu tinganyora pfungwa huru pakokorodzano, kusanganisira pfungwa chaidzo dzatinoda kushandisa isu pachedu muupenyu hwedu. Zvadaro tinogona kutsanangura mashandisire atave tichiita mazano iwayo kubvira patakapinda kokorodzano. Zvichatikurudzira tose zvikuru kunzwa munhu mumwe nomumwe achitaura kubatsirwa kwaakaitwa nemirayiridzo yakanaka yaakawana.
Vhiki Inotanga naJuly 8
15 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Uchishandisa mazano ari papeji 8, iva nemienzaniso miviri yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJuly 15 uye Mukai! yaAugust 8. Mumuenzaniso mumwe nomumwe, ratidza nzira yakasiyana yokukurukura nomunhu anoramba kukurukurirana achiti “Isu tinotova vaKristu pano.”—Ona bhuku raKurangarira, papeji 19.
15 min: “Kukurudzirana Kunokosha.” Hurukuro. Ita kuti vateereri vanzwe vachifarira kupinda kokorodzano yoruwa. Kurudzira vose kuti vapinde purogiramu imwe neimwe, kubva musi weChishanu mangwanani kusvika Svondo masikati.
15 min: ‘Rambai Muchiita Zvakanaka.’a Simbisa kudiwa kwokushandira pamwe nourongwa hwepokugara hwakatangwa kuti isu tibatsirwe. Simbisa zviyeuchidzo zvina zviri mundima 2. Tsanangura kuti nei mufambiro wakanaka unoitwa nomunhu mumwe nomumwe uchikosha.
Rwiyo 139 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 15
9 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.
18 min: “Gutsa Chinodiwa Chako Chomudzimu.” Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Kurukura zvikonzero nei tose tichifanira kunyatsoteerera purogiramu yekokorodzano. Simbisa kudiwa kwokushandisa zvatinodzidza pane kungonzwa chete. Taura nezvemashoko ari pamusoro maererano nezviri kurongerwa Musangano Webasa muna October, pakuchava nokudzokororwa kwepfungwa huru dzekokorodzano yoruwa. Kurudzira vose kunyora pfungwa huru. Kumbira kuti vataure mashoko mashoma okubatsirwa kwatakaitwa nepurogiramu yegore rapera.
18 min: “Kuva Nomwero Mumupfekero.”b Inopiwa nomukuru, uyo achaverenga ndima imwe neimwe pashure pokunge yakurukurwa. Batsira vose kunzwisisa chikonzero nei zvichikosha kungwarira chitarisiko chedu pachedu patinenge tiri pane vanhu vakawanda.
Rwiyo 215 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 22
12 min: Zviziviso zveungano. Mubereki nomwana vari kushanda vose muushumiri vanoenzanisira kushandiswa kungaitwa mazano ari papeji 8 pakugovera magazini aAugust 1 naAugust 8. Mumwe anogovera Nharireyomurindi, uye mumwe wacho anogovera Mukai! Kurudzira vabereki kuti varovedze vana vavo zvishoma nezvishoma muushumiri.
15 min: Kugadzirira Kupupurira Kusina Kurongwa. Kukurukurirana nevateereri bhuku raHushumiri Hwedu, mapeji 93-4. Uchishandisa mazano ari papeji yokutanga yewedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2002, enzanisira kwenguva pfupi nzira mbiri kana nhatu dzokupupurira kusina kurongwa kumuenzi, muvakidzani, hama yokunyama, kana kuti kumunhu watinozivana naye.
18 min: Zvikonzero Zvakanaka Zvokushandisa Bhaibheri muUshumiri Hwedu. Hurukuro nokukurukurirana nevateereri. Jesu aiziva Magwaro uye aigaroataura paaidzidzisa. (Ruka 24:27, 44-47) Zvaaidzidzisa zvakanga zvisiri zvomumusoro make. (Joh. 7:16-18) Zvinokosha kuti nesuwo tishandise Shoko raMwari. Rine simba kupinda chinhu chipi nechipi chatingataura isu pachedu. (Joh. 12:49, 50; VaH. 4:12) Vanhu vane mwoyo yakatendeseka vanokwezvwa nenyaradzo uye tariro inopiwa neMagwaro. Vavarira kuverenga runenge rugwaro rumwe rweBhaibheri mumharidzo dzako. Taura kuti magwaro akaiswa mumharidzo dzingangoshandiswa mwedzi uno pakugovera magazini. Kumbira vateereri kuti vataure mashandisire avave vachiita Bhaibheri muushumiri uye migumisiro yakavapo pavari uye kune vaya vavakaparidzira.
Rwiyo 61 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 29
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuendesa mishumo yebasa romumunda yaJuly.
10 min: “Purogiramu Itsva yeGungano Redunhu.” Hurukuro. Zivisa misi yegungano redunhu rinotevera. Kurudzira vose kuti vavepo uye kuti vanyatsoteerera purogiramu yacho. Kurudzira vaparidzi vasina kubhabhatidzwa kufunga nezvokusvitsa zvinodiwa kuti vabhabhatidzwe. Edza nepaunogona napo kukoka vadzidzi veBhaibheri.
25 min: “Ivai Vakanyatsobatanidzwa Pamwe Chete.”c Pakukurukura ndima 3, taurawo mashoko ari muMukai! yaMay 8, 2000, mapeji 17-18. Pandima 4, batanidza mashoko ari muNharireyomurindi yaApril 1, 1995, mapeji 16-17, ndima 4-6.
Rwiyo 81 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naAugust 5
5 min: Zviziviso zveungano.
10 min: Ndingadzivisa Sei Njodzi dzeIndaneti? Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva muMukai! yaFebruary 8, 2000, mapeji 19-21. Taura misungo yokushandisa Indaneti kusingadzorwi, uye tsanangura kuti tingarega sei kupinda mumisungo yacho. Kumbira vateereri kuti vataure kubatsirwa kwavakaitwa nokushandisa zano iri.
20 min: “Kuunganidza Vanhu Kubva Mumitauro Yose.”d Taurawo mashoko ari muNharireyomurindi yaApril 1, 2002, peji 24. Kana zvichishanda, tsanangura kwenguva pfupi zviri kuitwa kubatsira vaya vari mundima yeungano vanotaura mitauro yokumwe, uye enzanisira mharidzo iri mundima 4.
10 min: Bhokisi Remibvunzo. Hurukuro inopiwa nomukuru, achiita kuti mashoko acho ashande muungano. Taurawo zvakaitika muungano. Kumbira vateereri kurondedzera zvakaitika zvinovaka zvine chokuita nokupinda kokorodzano yoruwa, upiyona hwebetsero, kana kuti pakuita mamwe mabasa omudzimu kusvikira panguva ino gore rino.
Rwiyo 184 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.