RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/02 pp. 2-7
  • Purogiramu yoMusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu yoMusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naApril 8
  • Vhiki Inotanga naApril 15
  • Vhiki Inotanga naApril 22
  • Vhiki Inotanga naApril 29
  • Vhiki Inotanga naMay 6
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 4/02 pp. 2-7

Purogiramu yoMusangano Webasa

Vhiki Inotanga naApril 8

Rwiyo 39

13 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Kurudzira munhu wose kuona vhidhiyo inonzi Young People Ask—How Can I Make Real Friends? pakugadzirira kukurukurirana kuchaitwa paMusangano Webasa wevhiki inotanga naApril 22. Uchishandisa mazano ari papeji 8, iva nemienzaniso miviri yakasiyana yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaApril 15 uye Mukai! yaMay 8. Mumuenzaniso mumwe nomumwe, ratidza nzira yakasiyana yokubata nayo nokudzivisa kukurukurirana kwokuti, “Ini ndinorudzidziso rwangu.”—Ona bhuku raKurangarira, mapeji 18-19.

12 min: Zvinodiwa muungano.

20 min: “Mufaro Webasa Renguva Yakazara.”a Kurudzira pwere kuti dzikumbire kuita upiyona hwebetsero pazororo rechikoro mwedzi uno.

Rwiyo 157 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naApril 15

Rwiyo 101

10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.

15 min: Mapiyona Anoramba Achibatsira Vamwe. Mutariri webasa anokurukurirana nomutariri weChidzidzo Chebhuku Cheungano, piyona, uye muparidzi. Mutariri webasa anodzokorora purogiramu yeMapiyona Anobatsira Vamwe iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 1998 papeji 4. Zvadaro anokurukura nomumwe nomumwe ari muboka racho basa rake mupurogiramu yacho uye kupedza kwairi kuita chinangwa chayo. Chii chave chichiitwa kuti ibudirire? Mutariri webasa anokumbira vaparidzi vose kuti vamuzivise kana vachida kubatsirwa muushumiri. Vaya vakabatsirwa munguva yakapfuura vangabatanidzwa zvekare kuti vabatsirwezve mune rumwe rudzi rwoushumiri.

20 min: ‘Itirai Vose Zvakanaka.’b Wapedza kukurukura nemibvunzo nemhinduro, bvunzurudza muparidzi mumwe kana vaviri avo vanotaura kuwedzera kwavari kuita ushumiri hwavo.

Rwiyo 199 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naApril 22

Rwiyo 90

10 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa mazano ari papeji 8, ita kuti mushumiri anoshumira aenzanisire kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaMay 1 uye hanzvadzi iratidze kugoverwa kungaitwa Mukai! yaMay 8. Muenzaniso mumwe nomumwe wapera, taurazve mutsetse wokutanga kana kuti miviri yashandiswa kuita kuti saimba afarire.

10 min: Svika Nenguva! Hurukuro. Mabasa ane chokuita nokunamata kwedu anokosha, anoda ‘nguva yawo.’ (Mup. 3:1) Tinoda kubatsirwa zvikuru nezvinhu zvatinopiwa naMwari. Misangano yeungano nemisangano yebasa romumunda inofanira kutanga panguva chaiyo yakasarudzwa. Jehovha haambofi akanonoka kuita basa rake. (Hab. 2:3) Tinoda kuvandudza munhau iyi here? Pano neapo, vanhu vangawana chinovanonotsa. Asi nokuronga zvakanaka, hatidi kugara tichinonoka, tichisvika nziyo nomunyengetero zvokutanga zvomusangano wacho zvapera kana kuti zvirongwa zvebasa romumunda zvatoitwa kare. Kurukura nzira dzinobatsira kukudziridza miitiro iri nani ichaita kuti tive nechokwadi chokukurumidza muzvinhu zvose zvomudzimu.—Ona Nharireyomurindi yaJune 15, 1990, papeji 29.

25 min: “Mashoko Okufarira!”c Mundima 1, ita kuti ungano iwedzere mashoko mashoma pamusoro pevhidhiyo inonzi Young People Ask—How Can I Make Real Friends? Zvadaro ibva watanga kukurukurirana nevateereri mubvunzo mumwe nomumwe uri mundima 2-7. [Kana vakawanda vasingakwanisi kuona vhidhiyo iyi, mukuru anokwanisa anopa hurukuro inoti, “Ndinogona Sei Kuita Shamwari Chaidzoidzo?” inobva pachitsauko 8 chebhuku raVechiduku. Ivawo nomuenzaniso wemaminitsi mana unoratidza kuti amai vangava sei shamwari chaiyo yomwanasikana wavo ari kuyaruka. Amai vacho vanoratidza kumufarira nokutsaura nguva yokugara pasi vachitaura naye, yokuteerera kunzwa kwake kunobva pamwoyo pamusoro pevanhurume, zvikurukuru varume vechiduku vokunyika. Mwanasikana wacho anotaura chido chake chokuda kuroorwa pane rimwe zuva, asi hapana kana hama dzechiduku dziri musangano dzinoita sedzinomufarira, nepo vokunyika vakawanda vachimufarira. Amai vacho vanoratidza kumunzwira tsitsi asi nokungwarira vanokurukura naye kukosha kwokuteerera zano reBhaibheri ‘rokuroorwa munaShe bedzi.’ Kana akaramba achikudziridza unhu hwechiKristu uye ari rudzi rwomukadzi urwo murume wechiKristu angada, Jehovha achamukomborera. Mwanasikana wacho anotenda amai vake uye anovaonga nokuti ishamwari yechokwadi uye ine hanya.] Muna June tichakurukura vhidhiyo inonzi Our Whole Association of Brothers.

Rwiyo 191 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naApril 29

Rwiyo 162

10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kupa Mutariri weChidzidzo Chebhuku Cheungano mishumo yebasa romumunda yaApril.

15 min: “Kuparidza Umambo Kunoponesa Upenyu!”d Batanidza mashoko anobva muvateereri okushanda kunoita magwaro arimo.

20 min: Tsvakurudza Uchishandisa Bhuku raKurangarira. Kukurukurirana nevateereri. Mibvunzo inowanzomuka muushumiri nezvemisoro isina kurongwa pasi pe“Misoro Mikuru” (mapeji 5-6) iri mubhuku raKurangarira. “Ratidziro” (mapeji 439-45) inoshanda zvikuru kuwana Magwaro anotsigira zvatinodavira. Kumbira vateereri kubatanidzwa mukuwana mhinduro dzemibvunzo inotevera kuburikidza nokutarira zviri paratidziro pasi peshoko rimwe nerimwe rakatsveyamiswa: MuKristu anoona sei nziyo dzourudzi uye mireza? Nei Mwari achibvumira ngwavaira? Ungatsanangura sei maonero anoita Bhaibheri kuchatanura? Nei hanzvadzi pane dzimwe nguva dzichifanira kupfeka chifukidziro chomusoro uye ndiriini? Zuva raMai rakavamba sei? Tinoziva sei kuti 144 000 inhamba chaiyo iri muBhaibheri? Mufananidzo womupfumi naRazaro unorevei? Kurudzira munhu wose kushandisa bhuku raKurangarira muushumiri.

Rwiyo 28 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMay 6

Rwiyo 141

10 min: Zviziviso zveungano. Kurukura nyaya inoti “Ramba Uchibatsirwa neNharireyomurindi uye Mukai!”

10 min: Kufanorongera Mwedzi Inouya. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Taura mabasa anowanzorongerwa May kusvika August: kupinda kokorodzano yoruwa yose, kuita upiyona hwebetsero kwomwedzi mumwe kana kupfuura. Kana ungano iine ndima isingawanzoshandwa, zivisa zvirongwa zviri kuitwa zvokunyatsoishanda yose mumwedzi iri kuuya. Yeuchidza vose kuti vave nechokwadi chokuti mutariri wavo weChidzidzo Chebhuku Cheungano agamuchira mishumo yavo yebasa romumunda, pasinei nokuti vari pamusha kana kuti vakafamba.

25 min: “Mhuri Dzakasimba Mumudzimu—Sei?”e Wapedza kukurukura nyaya yacho, rondedzera zvakaitika zvinobatsira zviri muNharireyomurindi yaFebruary 15, 1999, mapeji 10-12.

Rwiyo 17 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

e Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe