RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/02 p. 6
  • Tsamba Inobva Kudare Rinodzora

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsamba Inobva Kudare Rinodzora
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 3/02 p. 6

Tsamba Inobva Kudare Rinodzora

Sezvatinopinda mumakore okutanga ezana remakore rechi21, mufaro wedu kukunyorerai imi, “sangano rose rehama” pasi pose, tichikurumbidzai nokuda kwokushanda kwamunoita nesimba. (1 Pet. 2:17) Anenge makore 2 000 apfuura, Jesu akabvunza kuti: “Panosvika Mwanakomana womunhu, chaizvoizvo achawana kutenda pasi pano here?” (Ruka 18:8) Basa renyu rokushingaira mugore rebasa rapfuura rinopindura mubvunzo waJesu kuti hungu zvakasimba! Vamwe venyu makatukwa uye makasekerwa kutenda kwenyu. Munzvimbo dzakawanda, makatsungirira pasinei nehondo, njodzi, hosha, kana kuti nzara. (Ruka 21:10, 11) Nemhaka yokushingairira kwenyu mabasa akarurama, Jesu achiri kugona ku“wana kutenda pasi pano.” Chokwadi kudenga kune mufaro nemhaka yaizvozvo!

Tinoziva kuti hazvisi nyore kutsungirira. Chimbofungai miedzo yehama dzedu mune imwe nyika kumadokero kweAsia. Zvapupu zvaJehovha zvinogara zvichirwiswa munyika iyoyo. Nguva pfupi yapfuura, mapurisa akavhiringidza gungano raiva norunyararo revanhu vanenge 700. Marodhibhuroku akatadzisa vamwezve vanhu 1 300 kupinda. Mhomho yevanhu vakanga vakavhara zviso zvavo, vamwe vacho vari mapurisa, vakangoerekana vapinda munzvimbo yaiitirwa gungano, vakarova vaipinda vakawanda, uye vakatungidza moto pachivako chaifanira kupindirwa gungano racho. Pane dzimwe nguva, vanhu vanonyanyisa mune zvechitendero vakarova hama dzedu nenzira youtsinye vachishandisa tsvimbo dzakabayirirwa zvipikiri.

Kurwisa kwakadaro kunotyisa asi hakushamisi. Muapostora Pauro akafuridzirwa kunyora kuti: “Vose vanoda kurarama nokuzvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Tim. 3:12) Muzana remakore rokutanga, vaKristu vakatsungirira kutukwa uye kutambudzwa munyama, uye vamwe vakatourayiwa. (Mab. 5:40; 12:2; 16:22-24; 19:9) Ndozvakaitikawo muzana remakore rechi20, uye pasina mubvunzo zvicharamba zvakadaro mune rechi21. Kunyange zvakadaro, Jehovha anotiudza kuti: “Hakuna nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu.” (Isa. 54:17) Ivimbiso yakaisvonaka zvikuru! Chokwadi, tinokosha kwazvo kuna Jehovha zvokuti achishandisa muprofita wake Zekaria, akati: ‘Unokugunzvai imi, unogunzva mboni yeziso rangu.’ (Zek. 2:8) Vavengi vevanamati vaJehovha havakwanisi kukunda zvachose. Kunamata kwakachena kuchakunda!

Somuenzaniso, munyika yambotaurwa, Zvapupu zvaJehovha zvakava nenhamba mbiri dzepamusoro-soro dzevaparidzi mugore rebasa ra2001. Hungu, ikoko hama dzedu dzinotsungirira pasinei nezvinetso, sezvadzinoita kwose kwose. Pasi pose mugore rebasa rapfuura, 5 066 vaibhabhatidzwa vhiki imwe neimwe sechiratidzo chokuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha. Zvino vatsva ivava, pamwe nesu vamwe vose, takatsunga ‘kumira takakwana tichitendiswa zvakasimba mukuda kwaMwari kwose.’—VaK. 4:12.

Uyewo, fungai nezvezvichangobva kuitika muGreece. Pasinei nemakore akawanda okupikiswa zvakakomba neChechi yeGreek Orthodox, Zvapupu zvaJehovha zvino zvava kugamuchirwa nehurumende se“chitendero chinozivikanwa.” Gwaro rinopa kuzivikanwa uku rinotaurazve kuti zvivako zveBheteri yeGreece “inzvimbo tsvene uye inoyera, yakatsaurirwa kunamata Mwari.” Tinofarawo kukuzivisai kuti mugore rebasa rapfuura, matare akaita zvisarudzo zvakanaka zvepamutemo zvine chokuita nokunamata kwedu muBulgaria, Canada, Germany, Japan, Romania, Russia, neUnited States. Tinoonga Jehovha kwazvo nokuita kuti musuo webasa urambe wakazaruka munyika idzodzo!

Sezvatinofunga nzira iyo Jehovha anotsigira nayo vanhu vake mumazuva ano okupedzisira, tinoona kuti ndiye Shamwari yakanakisisa yatingava nayo. Tinofadzwa noukama hwedu naye, tichiziva kuti anotida, anotidzidzisa, uye anotiruramisa. Hungu, ticharamba tichisangana nemiedzo yokutenda kwedu. Asi kutenda kusingazununguki muna Jehovha kuchatitsigira. Jakobho akanyora kuti: “Zvose zvifungei kuva mufaro, hama dzangu, pamunosangana nemiedzo yakasiyana-siyana, sezvamunoziva kuti kutenda kwenyu uku kwakaedzwa kunoparira kutsungirira.” (Jak. 1:2, 3) Uyezve, kutsungirira kwedu kunoratidza kuda kwatinoita Jehovha, uye izvi zvinotiunzira mufaro mukuru! Hama dzinodiwa, ivai nechokwadi chokuti Jehovha achatsigira mumwe nomumwe wedu. Kana tikaramba takatendeka, haazotadzi kutibatsira kupinda munyika itsva. Anoda kuti tibudirire.

Nokudaro, tinokukurudzirai imi hama nehanzvadzi, vaduku nevakuru, kuti murambe muchinyatsofunga zvikomborero zvakaisvonaka zviri mberi. Mafungiro edu ngaave seaya omuapostora Pauro, uyo akanyora kuti: “Ndinorangarira kuti kutambura kuzhinji kwemwaka uno uripo hakumboenzaniswi nembiri ichazoratidzwa matiri.” (VaR. 8:18) Vimbai naJehovha pamunotarisana nedambudziko rorudzi rupi norupi. Tsungirirai, uye musamborega. Hamuzombozvidembi chero zvodini. Shoko raMwari rinotivimbisa kuti: “Wakarurama uchararama nokutenda kwake.”—Hab. 2:4.

Hama dzenyu

Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe