“Zvipo Zviri Varume” Zvinofudza Boka raMwari Nomwoyo Wose
1 Jehovha akaita urongwa hworudo hwakazonaka achishandisa Mwanakomana wake mukupa “zvipo zviri varume”! (VaEf. 4:8, 11, 12) Vane mitoro yakawanda, kusanganisira wokufudza boka raMwari nokushingaira uye nomwoyo wose. (1 Pet. 5:2, 3) Tose tinobatsirwa nourongwa uhwu hunodiwa zvikuru. Vamwe vangangova vari kusangana nezvinetso, vachangotanga kusonganirana neungano, vakaneta mune dzimwe nzira, kana kuti vakatsauka, varume ava vanofarira nomwoyo wose kubudirira mumudzimu kwedu tose.—VaF. 2:4; 1 VaT. 5:12-14.
2 Zvinoitika zvenyika zvinovhiringidza pazvinokonzera kutya kwakati kuti, vafudzi ava vanova “soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura.” Vanotizorodza patinenge takaneta kana kuti takaremerwa uye tichinzwa kuda kunyaradzwa. Muzviitiko zvakadaro vanova “senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma” kana kuti “somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.”—Isa. 32:2.
3 Kukurudzira Vasingachaiti Basa: Vakuru vanoedza zvose zvavangagona kukurudzira vaya vasisiri venguva dzose kana kuti vasingachaiti basa, vachivabatsira kuitazve mabasa ose eungano nguva dzose. Kushanya kwokufudza kune rudo kwakabatsira vakawanda kuti vapinde misangano yeungano nguva dzose uye kuti vavakwe mumudzimu kusvika pakuitazve ushumiri hwomumunda. Kushingaira kwose kwakadaro kunoitwa nevakuru kunoratidza kuva nehanya kwaJehovha kune rudo uye utungamiriri hwokushingaira hwaJesu Kristu. Ndiye akatanga kuratidza kuva nehanya kwakadaro nokuda kwemakwai ake api neapi angava akatsauka kana kurasika.—Mat. 18:12-14; Joh. 10:16, 27-29.
4 Vafudzi vacho vanotarira zviratidzo zvinoratidza kana vamwe vangava vari kuderera mumudzimu. Vapi nevapi vane zviratidzo zvokuora mwoyo, vasisiri venguva dzose pakupinda misangano yeungano, kana kuti vaderera mubasa romumunda vangangoda kubatsirwa mumudzimu. Vakuru vanoda kubatsira chero vapi nevapi vanotanga mapfekero nokutsvinda zvinoitwa nevanhu venyika kana kuti vanotanga kushora ungano. Vachifarira zvepachokwadi uye vaine rudo rukuru, vatariri vane hanya ‘vanopa mweya yavo’ nokuzvidira mukuedza kubatsira vakadaro kumutsidzira kuda kwavanoita Jehovha.—1 VaT. 2:8.
5 Munguva yakapfuura, vamwe vaKristu vakazvitsaurira vakarega kusonganirana neungano, vachimboti dererei mumabasa omudzimu nemhaka yokukurirwa nezvinetso zvoutano, zvipingamupinyi zvemari, kana kuti zvinetso zvemhuri. Vasingatsoropodzi, vakuru vacho vanovimbisa norudo kuti Jehovha anotarisira makwai ake ose uye achaatsigira munguva dzakaoma. (Pis. 55:22; 1 Pet. 5:7) Vafudzi vakangwaririra veboka vangavabatsira kuziva kuti kana ‘vakaswedera pedyo naMwari, achaswedera pedyo navo,’ achivanyaradza nokuvazorodza.—Jak. 4:8; Pis. 23:3, 4.
6 Kuva Nehanya Nendonda: Vafudzi vane rudo vane hanyawo nevaya vanogona kukanganwika. Ungano dzose dzine ndonda, vakaiswa kumisha inochengeta vakwegura, kana kuti zvimwe vakaremara. Zvinonzwisisika kuti kushanda kwavanoita mukuzivisa mashoko oUmambo kushoma nemhaka yemamiriro avo ezvinhu. Zvichida mukana wavo wokupupurira ungangouya pavanoonana nevaenzi, vamwe varwere, kana kuti vanovatarisira. Kunyange zvakadaro, zvose zvavanokwanisa kuita zvinoonekwa sokutsigira kunokosha kubasa rose rokuparidza. (Mat. 25:15) Kunyange kana vakapupurira kwemaminitsi 15 chete, iwaya anofanira kushumwa, uye vacharamba vachiverengwa sevaparidzi voUmambo venguva dzose.
7 “Zvipo zviri varume” zvinoziva zvikuru zvinodiwa zvomudzimu zvehama dzazvo panguva ino yegore—mwaka weChirangaridzo. Inguva yakazonaka yokuti vakuru vaedze zvose zvavanokwanisa kubatsira vose vakatsauka kuti vavezve nomufaro uye rugare rwepfungwa runouya nokusonganirana noushamwari muungano! Tinofara patinoona vakadaro “vane ukama nesu mukutenda” vari pamisangano yeungano uye muushumiri, vachisimbisazve kutenda kwavo chibayiro chorudzikinuro.—VaG. 6:10; Ruka 15:4-7; Joh. 10:11, 14.