Purogiramu yoMusangano Webasa
Vhiki Inotanga naMarch 11
13 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Uchishandisa mazano ari papeji 8, iva nemienzaniso miviri yakasiyana yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaMarch 15 uye Mukai! yaApril 8. Muchinoitika chimwe nechimwe, ratidza nzira yakasiyana yokubata nokudzivisa kukurukurirana kwokuti, “Ini handifariri.”—Ona bhuku raKurangarira, papeji 16.
12 min: Kuramba Tisina Kwatakarerekera sevaKristu. Hurukuro inopiwa nomukuru anokwanisa. Vaparidzi vakawanda pasi pose vari kumanikidzwa kupindira mune zvematongerwe enyika. Mashoko omukuru wacho anofanira kubva mubhuku raKurangarira, mapeji 146-47. Batsira vose kunzwisisa kuti Magwaro anoti chii panhau iyi. Pfungwa dziri mubhuku raVakabatana, papeji 62 dzingabatanidzwawo. Misoro yemhuri inofanira kuzvikurukura nemhuri yadzo kuitira kuti vanzwisise pfungwa dzaMwari zvakazara panhau iyi. Patinotsanangurira vamwe nounyanzvi nei tisingabatanidzwi muzviito zvourudzi, tinofanirawo kuvaudza nyaradzo netariro zvatakawana muShoko raMwari. Simbisa kukosha kwokuzvipira kwakazara kuna Jehovha, panguva imwe chete uchiremekedza chiremera chehurumende.
20 min: ”Ivai Vapfumi Pamabasa Akanaka Kwazvo.“a Inopiwa nomutariri webasa. Kurudzira vose kushanda zvakazara muushumiri mukugadzirira kuchengetwa kweChirangaridzo musi waMarch 28. Kurukura kuti masiripi okukoka akadhindwa angashandiswa sei zvakanakisisa. Kumbira vaparidzi kuti vataure kugona kwavakaita kuita kuti hama dzavo dzokunyama, vavakidzani, vadzidzi veBhaibheri, uye vamwe vanofarira vapinde Chirangaridzo gore rapera uye mufaro wakwakaunza. Kurudzira vose vanokwanisa kuti vaite upiyona hwebetsero muna April uye kuti vawane fomu rokukumbira kupayona musangano wacho wapera.
Rwiyo 82 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMarch 18
10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Kurukura “Zviyeuchidzo zveChirangaridzo.” Kurudzira vose kutevera purogiramu yokuverenga Bhaibheri kweChirangaridzo kwaMarch 23-28, sezviri muna Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva—2002.
15 min: “Kubatana Nomufaro naJehovha noMwanakomana Wake.” Hurukuro ine Magwaro anokurudzira inopiwa nomukuru. Kurudzira munhu wose kuedza kuwedzera pane zvaanosiita kukoka vanhu vakawanda sevaangagona kubva iye zvino kusvikira musi waMarch 28 kuti vazopinda Chirangaridzo pamwe nesu.
10 min: “Tsamba Inobva kuDare Rinodzora.” Hurukuro nokukurukurirana nevateereri.
10 min: Mutariri webasa anokurukura basa roupiyona hwebetsero reungano romuna March kusvikira panguva ino. Taura nhamba chaiyo yevari kupayona. Ita kuti mumwe kana vaviri varondedzere mufaro wavari kuwana. Kurudzira vose kuti vapayone muna April. Kumbira vaparidzi kuwana mafomu okukumbira kupayona panopera musangano wacho.
Rwiyo 45 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMarch 25
14 min: Zviziviso zveungano. Tsanangura kuti mukana uchiripo wokuunza fomu rokukumbira kuita upiyona hwebetsero muna April. Uchishandisa mazano ari papeji 8, ita kuti mukuru aenzanisire kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaApril 1 uye pwere iratidze kugoverwa kungaitwa Mukai! yaApril 8. Muenzaniso mumwe nomumwe kana wapera, taura zvinhu zvakanaka pamharidzo yacho.
15 min: Zvinodiwa muungano.
16 min: Shandisa Bhuku raKurangarira Kupa Kurudziro. Kurukurirana nevateereri. Munhu wose anoda kurudziro yorudo nguva nenguva. Naizvozvo, tose tinofanira kunzwa tichida ‘kutaura nenzira inonyaradza’ kune vamwe, kusanganisira vaya vakasuruvara vatinoona muushumiri. (1 VaT. 5:14) Uchishandisa bhuku raKurangarira, kumbira vateereri kutaura kurudziro yeMagwaro yavangapa mumwe munhu ari mumumwe wemiedzo iri pamapeji 138-42. Taura kuti mumwe nomumwe aedze kukurudzira mumwe munhu nguva nenguva pazvinenge zvichidiwa.—VaG. 6:10.
Rwiyo 131 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naApril 1
7 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuisa mishumo yebasa romumunda yaMarch.
18 min: “‘Zvipo Zviri Varume’ Zvinofudza Boka raMwari Nomwoyo Wose.” Hurukuro inopiwa nomukuru. Kurukura magwaro akaiswa. Ratidza kuti zvinhu zvakanaka zvingaguma sei nokufudza vasingachaiti basa uye nokubatsira ndonda kuita zvavanogona. Vafudzi vane rudo vanoonga kuedza kwavo kwose kwomwoyo wose kuramba vachishingaira mubasa raJehovha.
20 min: “Wedzera Mufaro Wako Mukuparidza.”b Pakukurukura ndima 5, kumbira mazano anobatsira okuita zvakanakisisa mundima yenyu. Iva nomuenzaniso mumwe kana miviri yematangiro atingaita kutaura nomumwe munhu kuti timupupurire kwenguva pfupi. Kurudzira munhu wose kuti atsvake mikana yokupupura vhiki ino.
Rwiyo 15 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.