Purogiramu yoMusangano Webasa
Vhiki Inotanga naFebruary 11
12 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Kurudzira munhu wose kuverenga kana kudzokorora Genesi 6:1 kusvika ku 9:19 uye kuona vhidhiyo inonzi Noah—He Walked With God pakugadzirira kukurukurirana kuchaitwa paMusangano Webasa wevhiki inotanga naFebruary 25.
20 min: “Paridza Shoko raMwari Kwazvo.”a (Ndima 1-13) Inopiwa nomutariri anotungamirira. Kukurukurirana zvine upenyu kwezvatinoda kuita muna March uye mumwedzi inotevera. Munhu wose anofanira kushandisa karenda iri muwedzero pakuronga purogiramu inoshanda yokuti aite nepaanogona napo muushumiri muna March. Kurudzira vose vanokwanisa kuti vaite upiyona hwebetsero mwedzi wacho. Pakukurukura ndima 7-8, kumbira vaya vakapayona mwaka weChirangaridzo wapfuura kuti vataure zvikomborero zvavakava nazvo. Zivisa kuti mafomu okukumbira upiyona hwebetsero achawanikwa musangano uno wapera.
13 min: “Zvokutaura Maererano Nemagazini.” Kumbira vaparidzi kuti vataure kuti chikamu ichi chiri muUshumiri Hwedu hwoUmambo chakavabatsira sei kuva vakagadzirira zviri nani kubatanidza nyaya dzine zviitiko zvinotambudza munguva ino yakaoma. Vamwe vakasangana nechii pakunyaradza vanhu uye pakuvabatsira kuwana mhinduro dzinobva muBhaibheri dzemibvunzo inovhiringidza? Mumienzaniso mipfupi miviri, ratidza kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaFebruary 15 uye Mukai! yaMarch 8.
Rwiyo 49 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naFebruary 18
8 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.
12 min: “Vanhu Vanofara Kupfuura Vose Pasi Pano.”b Taurawo zvishoma nezve“Matanho Okuwana Nawo Mufaro,” ari papeji 6 muNharireyomurindi yaOctober 15, 1997.
25 min: “Paridza Shoko raMwari Kwazvo.”c (Ndima 14-23) Inopiwa nomutariri webasa. Taura zvirongwa zvinokosha zviri kuitwa muungano zvebasa rakawedzerwa muna March. Taura purogiramu yose yemisangano yebasa romumunda yakarongerwa mwedzi wacho. Simbisira pakumutsidzirazve vaya vasingachaiti basa uye pakubatsira vana uye vadzidzi veBhaibheri kuti vakwanise kuva vaparidzi vasina kubhabhatidzwa. Zivisa mazita evaya vakanyoresa kuita upiyona hwebetsero muna March, uye kurudzira vakawanda kunyengetera nomwoyo wose kuti vabatane navo.
Rwiyo 143 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naFebruary 25
15 min: Zviziviso zveungano. Enzanisira mharidzo mbiri pfupi dzemagazini—imwe yacho uchishandisa Nharireyomurindi yaMarch 1 uye imwe yacho uchishandisa Mukai! yaMarch 8. Ita kuti imwe yacho ipiwe nepwere. Yeuchidza vaparidzi kuisa mishumo yebasa romumunda yaFebruary.
15 min: “Migumisiro Yemavhidhiyo Anopa Uchapupu.” Kukurukurirana nevateereri. Kusvikira panguva ino, taongorora mavhidhiyo edu masere papurogiramu yoMusangano Webasa. Pashure pokukurukura zvishoma mienzaniso iri munyaya yacho, kumbira vaparidzi kuti varondedzere kubudirira kwavakava nako pakuratidza vamwe mavhidhiyo acho.
15 min: “Munhu Wose Anogona Kudzidza Kubva Pavhidhiyo Inonzi Noah—He Walked With God.” Tanga zvakananga kukurukurirana nevateereri vhidhiyo yaNoah, uchingoshandisa bedzi mibvunzo iri mubhokisi riri papeji 11. Muna April tichakurukura vhidhiyo inonzi Young People Ask—How Can I Make Real Friends? [Kana kuti, mukuru anokwanisa anopa hurukuro inobva muNharireyomurindi yaOctober 1, 2001, papeji 20, panyaya inoti “Zvinorevei Kuva Akavimbika?”]
Rwiyo 215 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMarch 4
5 min: Zviziviso zveungano.
15 min: “Kokorodzano Yoruwa yeZvapupu zvaJehovha ye‘Vazivisi voUmambo Vanoshingaira’ Ya2002.”d Inopiwa nomunyori, achinyanya kusimbisira ndima 4-7. Rumbidza ungano noushamwari nokuda kwokuita zvirongwa zvavo zvekokorodzano nokukurumidza sezvavanogona.
10 min: Shandisa Bhuku raZivo Kutanga Zvidzidzo. Muna March tinoda kuedza kupfuura zvatinosiita kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. Rondedzera nokupfupikisa chakaitika chiri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaAugust 1998, papeji 4, ndima 8. Kana mumwe munhu achangotanga chidzidzo mubhuku raZivo, ita kuti aenzanisire semaitiro aakazviita. Yeuchidza munhu wose nezve“Mazano Okugovera Bhuku raZivo,” ari muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2002. Uchishandisa bhuku racho, enzanisira rimwe remazano ari papeji 6 yewedzero yacho pasi pomusoro wakanzi “Kusvika Kwakananga.”
15 min: “Nei Tichifanira Kuramba Tichiparidza?”e Gumisa nokubvunzurudza muparidzi mumwe kana vaviri vakaramba vachiparidza kwemakore akawanda. Ita kuti vataure manzwiro avo nei vakaramba vachiita basa iri uye kubatsirwa kwavakaitwa naro.
Rwiyo 223 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
e Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.