Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Dec. 15
“Panguva ino yegore, vanhu vakawanda vanofunga nezvaJesu Kristu, pasinei kuti vanotenda maari kana kuti kwete. Vamwe vanoti akanga asiri munhu chaiye. Ko imi munoti chii? [Apindura, verenga Mateu 16:15, 16.] Ndine chokwadi chokuti muchanakidzwa nokuverenga nyaya ino maererano na‘Jesu Chaiye’ kuti muone kuti anokuitirai chii nhasi uye achakuitirai chii munguva yemberi.”
Mukai! Jan. 8
“Hamubvumi here kuti kuita kuti upenyu hunake, tingada zvokudya zvakanaka, zvatinovimba nazvo? [Rega apindure.] Onai Mwari zvaakavimbisa vanhu vake kare munguva inotaurwa muBhaibheri. [Verenga Revhitiko 26:4, 5.] Mukai! inotaura zvinetso zviripo nhasi maererano nezvokudya zvedu. Inotaurawo nezvenguva apo Mwari achatichengetedza pasi pose.”
Nharireyomurindi Jan. 1
Munofunga kuti nei vamwe vanhu vachiita sevane upenyu huri nyore nepo vamwe vachitamburira kuti vararame? Bhaibheri rine chimwe chinhu chokutaura nezvazvo. [Verenga Jobho 34:19.] Magazini ino inotsanangura madiro anoita Mwari kuita kuti kusarurana kuve chinhu chomunguva yakapfuura.”
Mukai! Jan. 8
“Tose tinoziva nezvenjodzi iyi inotyisa yenyika. Kubvira ipapo, vanhu vave vachida kunyaradzwa uye kubatsirwa zvikuru. Nyaya iyi inotsanangura zvave zvichiitwa neZvapupu zvaJehovha kubatsira vakapona, vashandi vanobatsira nokukurumidza, uye vakafirwa.”