RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/01 pp. 5-6
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 12/01 pp. 5-6

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Kudzokororwa kwezvakadzidzwa muChikoro chaMwari Choushumiri muhurukuro dzevhiki dzaSeptember 3 kusvika kuna December 24, 2001. Izvi zvinoitwa mabhuku akavharwa. Iva nepepa rokunyorera mhinduro dzose dzaunokwanisa munguva yakapiwa.

[Ona: Paunenge uchinyora mhinduro, Bhaibheri bedzi ndiro ringashandiswa kupindura chero mubvunzo. Mabhuku anoratidzwa panoperera mubvunzo ndeokuti utsvakurudze mashoko uri woga. Nhamba dzemapeji uye ndima dzingasaratidzwa muNharireyomurindi imwe neimwe inenge yaratidzwa.]

Pindura mibvunzo yose inotevera Chokwadi kana kuti Nhema:

1. Sezvo kutenda kuri chibereko chomudzimu waMwari, vanhu vasina kutenda havasi kutsvaka mudzimu iwoyo, kana kuti vari kuutsvaka nokuda kwechinangwa chisina kururama kana kuti vari kuramba kushanda kwawo muupenyu hwavo. (Ruka 11:13; VaG. 5:22) [rs-CA p. 169 ndima 1]

2. Pisarema 63:6 rinoratidza kuti nguva yakakodzera bedzi yatinga‘fungisisa’ Shoko raMwari nenhau dzinoenderana i‘nguva yousiku.’ [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w00-CA 12/1 p. 11 ndima 10.]

3. Vakadzi havaiti basa rinokosha mukunamata kwechokwadi sezvo vasingagoni kugadzwa sevakuru uye vashumiri vanoshumira. (Pis. 68:11) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w94-CA 9/1 p. 27 ndima 4.]

4. Kudai nguva uye mafire omunhu mumwe nomumwe zvakanga zvakafanotemwa panguva yokuberekwa kana kuti asati aberekwa, paisazova nechikonzero chokudzivisa mamiriro ezvinhu ane ngozi kana kutarisira utano hwomunhu, uye kudzivirira njodzi kwaisazochinja uwandu hwevanhu vanofa. [rs-CA p. 162 ndima 1]

5. Mashoko aPauro okuti “ngaparege kuva nomunhu anombozvidza uduku hwako” anoratidza kuti Timoti akanga achiri kuyaruka kana kuti achangoti pfuurei makore 20. (1 Tim. 4:12) [w99-CA 9/15 p. 29 ndima 1-3; p. 31 ndima 3]

6. Sezvakanyorwa pana Pisarema 110:1, “She wangu” ndiJesu. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w94-CA 6/1 p. 28 ndima 5.]

7. Mubhuku reMapisarema, zita rokuti Jehovha rinowanikwa kanenge ka700, uye rakadimburirwa kuti “Jah,” (NW) ka43, zvokuti pamwe chete zita raMwari rinotaurwa kanenge ka5 paavhareji, muPisarema roga roga. [si-CA p. 105 ndima 23]

8. Kunyange zvazvo Jesu achitaurwa nezvake muMagwaro sa“mwari,” kunyange sa“Mwari Ane Simba,” asi hapana pamwe panotaurwa nezvake sewemasimba ose. (Joh. 1:1; Isa. 9:6; Gen. 17:1) [rs-CA p. 264 ndima 3]

9. Kudzidza bhuku raZvirevo kunongova kudzidza uchenjeri hwaSoromoni pachake. [si-CA p. 106 ndima 1]

10. Zano reBhaibheri rinowanikwa pana Zvirevo 21:17, rokurega “kufarira zvinofadza” rinoratidza kuti kufara kwakaipa nokuti kunopedzera nguva zvinhu zvinokosha zvikuru. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w97-CA 10/1 p. 27 ndima 7.]

Pindura Mibvunzo Inotevera:

11. Zano rounyoro raJesu kuna Marita rakanga richiratidzei? (Ruka 10:40, 41) [w99-CA 9/1 p. 30 ndima 7]

12. Chaizvoizvo zvingataurwa sei kuti vakaipa vari ‘panotedza?’ (Pis. 73:18) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w99-CA 9/1 p. 21 ndima 10.]

13. Munyori wepisarema anoratidza kuti anoona sei ropafadzo dzake dzebasa sezvakanyorwa pana Pisarema 84:1-3? [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w97-CA 3/15 p. 8 ndima 5-7.]

14. Zvakazarurwa 22:17 uye VaRoma 2:4, 5 anoratidza sei kuti Jehovha haafanoziva kana kufanogadza zvinhu zvose zvinoitwa nevanhu? [rs-CA p. 164 ndima 3-4]

15. Sezvo vaKristu vepakuvamba vaitenda Kutonga kwemakore Ane Chiuru kwaJesu sezvakataurwa mubhuku raZvakazarurwa, zvii zvakakonzera kuti vaKristu vakaramba kutenda varambe iyi dzidziso yaMwari? [w99-CA 12/1 p. 6 ndima 3–p. 7 ndima 5]

16. VaKristu vanofanira kugumira papi pakuva ‘nehanya somunhu oga’ nevamwe vanhu? (VaF. 2:4) [w99-CA 12/1 p. 29 ndima 1]

17. Chii chinorehwa nokududzwa kwevanakomana vakaita “semiti yemiorivhi” vakakomberedza tafura yomurume pana Pisarema 128:3? [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w00-CA 8/15 p. 30 ndima 4.]

18. Kana tichiona basa raMwari serinotyisa, richaita kuti tinzwe sei? (Pis. 139:14) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w93-CA 10/1 p. 15 ndima 18.]

19. Nei Zvirevo 5:3, 4 ichitaura nezvemigumisiro younzenza sei“novava segavakava” uye sei“nopinza somunondo une nhivi mbiri dzinocheka”? [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w00-CA 7/15 p. 29 ndima 2.]

20. Maererano naZvirevo 14:29, nzwisiso ingatibatsira sei kudzivisa migumisiro yokusashivirira uye hasha dzisingadzorwi? [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w97-CA 3/15 p. 13 ndima 7-8.]

Ipa (ma)shoko kana kuti chitsama chemashoko anodiwa kupedzisa mutsetse woga woga unotevera:

21. Vaprofita vechokwadi vaitaura ․․․․․․․․ uye vakazivisa ․․․․․․․․. (Dheut. 18:18-20; 1 Joh. 4:1-3) [rs-CA p. 415 ndima 3; p. 416 ndima 2]

22. Chinangwa cheZvirevo chiri paviri—kupa ․․․․․․․․ uye kugovera ․․․․․․․․. (Zvir. 1:1-4) [w99-CA 9/15 p. 13 ndima 2]

23. Maererano nePisarema 91:1, kuchengeteka kwedu pa- ․․․․․․․․ kunotsamira pakugara mu-․․․․․․․․ yo-․․․․․․․․. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w96-CA 12/15 p. 13 ndima 18.]

24. ‘Kusakanganwa zviito zvaJehovha zvose’ kunobatana zvakajeka no-․․․․․․․․ ‘zviito zvake,’ mabasa ake omutsa worudo seakarondedzerwa muPisarema rechi103. (Pis. 103:2) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w99-CA 5/15 p. 21 ndima 5-6.]

25. Chirevo kutaura kupfupi kunoshandisa ․․․․․․․․ uye kunoitirwa kuti ․․․․․․․․. [si-CA p. 107 ndima 6]

Sarudza mhinduro yakarurama mumutsetse woga woga unotevera:

26. Kunyange zvazvo aiva nechikonzero chokutsamwa pamusoro pokubatwa kwaaiitwa naSauro, Dhavhidhi akazvidzora nokuti (aiziva kuti Sauro akanga asina kukwana uye kuti vashumiri vaMwari vanofanira kukanganwira; ainyatsofunga nezvoukama hwake naJehovha; aiziva kuti zvakanga zvakaipa kuva anotonga). (1 Sam. 24:6, 15) [w99-CA 8/15 p. 8 ndima 7]

27. (Uchenjeri; Chirango; Kururama) mubatanidzwa wezvinhu zvakawanda, zvinosanganisira kunzwisisa, njere, kungwara, uye mano okufunga; (kunaka; kunzwisisa; kufunga zvakanaka) ndiwo mano okuona nhau ndokunzwisisa zvairi nokuona kubatana kwakaita mativi acho nenhau yacho yose, kwava kuwana pfungwa yacho. (Zvir. 1:1-4) [w99-CA 9/15 p. 13 ndima 3]

28. Simba raJosefa rokuramba miitiro younzenza yomudzimai waPotifari rakabva (muzivo yake yoMutemo waMosesi, uyo waishora ufeve; mukutya zvikuru kwaaiita chinzvimbo chepamusoro chomurume wake; mukukoshesa kwaaiita ukama hwake naJehovha). (Gen. 39:7-9) [w99-CA 10/1 p. 29 ndima 3]

29. Zvakajeka kuti munyori wePisarema rechi119 aionga zvikuru (shoko, kana kuti mutemo waMwari unotaurwa; chipo choupenyu chinotaurwa; tariro yokuponeswa inotaurwa), mundima dzinenge dzose dzepisarema racho. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w99-CA 11/1 p. 9 ndima 5; w87-CA 3/15 p. 24 ndima 2.]

30. Muzvitsauko zviviri zvokutanga zvetsamba dzaPauro ku(vaRoma; vaGaratiya; vaHebheru), tinowana mashoko akati kuti akatorwa muMapisarema pamusoro pe(nzvimbo yakakwirira ya-; rubhabhatidzo rwa-; ushumiri hwepasi hwa-) Jesu Kristu. [si-CA p. 105 ndima 28]

Wiriranisa Magwaro anotevera nemitsetse yakarongwa pasi apa:

Zvir. 2:19; 14:15; 18:17; VaR. 10:17; VaH. 13:18

31. Kuti ave nokutenda, munhu anofanira kutanga kuwana zvinotaura Bhaibheri onyatsozviongorora. [rs-CA p. 170 ndima 2]

32. VaKristu havagoni kuita miitiro yebhizimisi isina kutendeseka kana kuti isinei nezvinofarirwa nevamwe zvakarurama. [w99-CA 9/15 p. 10 ndima 2]

33. Vaya vanoita unzenza vangangosvika pachinhanho chisingadzokwi, kureva rufu, zvisati zvabvira kuti vapore. [w99-CA 11/15 p. 27 ndima 4-5]

34. Munhu akachenjera uye anonzwisisa anoona migumisiro yezviito zvake uye haateveri asingazivi mimwe miitiro mitsva nokuda kwokungoti inoitwa nevakawanda. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w00-CA 2/1 p. 5 ndima 6.]

35. Kunyange zvazvo kutaura kwomunhu kungaita sokune musoro uye kwakarurama, kuchenjera kunzwa mativi ose enhau munhu asati asvika mhedziso. [si-CA p. 111 ndima 36]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe