RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/01 p. 2
  • Purogiramu yoMusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu yoMusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naNovember 12
  • Vhiki Inotanga naNovember 19
  • Vhiki Inotanga naNovember 26
  • Vhiki Inotanga naDecember 3
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 11/01 p. 2

Purogiramu yoMusangano Webasa

Vhiki Inotanga naNovember 12

Rwiyo 170

8 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

15 min: “Purogiramu Itsva yeGungano Redunhu.” Hurukuro. Zivisa misi yegungano redunhu rinotevera. Kurudzira vaparidzi vasina kubhabhatidzwa kufunga nezvokuratidza kuzvitsaurira kwavo pagungano rinotevera.

22 min: “Tine Chishandiso Chitsva Chokutanga Nacho Zvidzidzo!” Kukurukurirana nevateereri kunoitwa nomutariri webasa. Ita kuti varindiri vape munhu wose aripo turakiti idzva rimwe chete raUnoda Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? kana riripo. Iva nemienzaniso yemharidzo mbiri, uchishandisa mazano ari mubhokisi rakanzi “Zvokutaura Maererano Nemagazini.” Mumwe muparidzi anogovera Nharireyomurindi yaNovember 15, uye mumwe wacho anogovera Mukai! yaDecember 8. Muchiitiko chimwe nechimwe, muparidzi anogumisa nokupa saimba turakiti raZiva Bhaibheri—kumunhu asina kugamuchira magazini acho uye kune agamuchira.

Rwiyo 191 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naNovember 19

Rwiyo 172

8 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.

15 min: “Vimba naJehovha Kuti Uwane Simba.”a Taurawo mashoko mashoma kubva muNharireyomurindi yaOctober 1, 1999, mapeji 18-19, ndima 6-8.

22 min: “Kudziridza Masimba Ako Okunzwisisa.”b Mukuru anotungamirira kudzokororwa kune upenyu kwepurogiramu yezuva regungano chairo rakaitwa gore rebasa rapera.

Rwiyo 195 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naNovember 26

Rwiyo 177

15 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuisa mishumo yebasa romumunda yaNovember. Uchishandisa mazano ari pakanzi “Zvokutaura Maererano Nemagazini,” enzanisira mharidzo mbiri dzemagazini dzakanyatsogadzirirwa—imwe yacho uchishandisa Nharireyomurindi yaDecember 1 uye imwe yacho uchishandisa Mukai! yaDecember 8. Ipapo tsanangura mawanirwo emharidzo dzokushandisa pakugovera bhuku raMunhu Mukurusa kana kuti rimwe remabhuku anogoverwa muna December.

15 min: “Ndingawana Kupi Nguva Yacho?” Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Taurawo pfungwa huru dziri muNharireyomurindi yaOctober 1, 2000, mapeji 20-1, ndima 9-10, pasi pomusoro muduku unoti “Mawanire Anoita Vamwe Mukana Wokudzidza.” Kumbira vateereri kuti varondedzere nzira dzinoshanda dzavakawana nadzo nguva yezvinhu zvinokosha zvikuru nokurega zvinhu zvisingakoshi. Simbisa kukosha kwokuronga nguva yako yokudzidza uri woga uye semhuri, yemisangano yeungano, youshumiri hwomumunda, uye yokuverenga Bhaibheri zuva nezuva.

15 min: Vechiduku Vari Kurumbidza Jehovha. Kukurukurirana nevateereri. Ungano dzakawanda dzine vechiduku vakawanda vanoita basa rokuparidza. Zvakafanira kuti vadaro, kunyange kana zvichireva kupupurira zvikurukuru vanhu vakuru. (Pis. 148:12, 13; Mat. 21:15, 16) Apo vabereki nevamwe vaparidzi vanoratidza kufarira, vachirovedza uye vachikurudzira, vechiduku vanowana mufaro mukuru mubasa romumunda. Kumbira vateereri kuti vafunge nzira dzokubatanidza vechiduku mubasa repasuo nesuo uye rokudzokerazve. Kumbira vabereki kuti varondedzere zvavakaita kuti vabatsire vana vavo kuziva kugovera magazini, kushandisa Bhaibheri mumharidzo dzavo, uye kutaura pasuo vaine chivimbo. Simbisa kuti zvakanakirei kurumbidza vana. Bvunzurudza muparidzi muduku mumwe kana vaviri, uye ita kuti vataure zviri kuvanakidza nezvebasa rokuparidza uye nei.

Rwiyo 198 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naDecember 3

Rwiyo 179

8 min: Zviziviso zveungano.

17 min: Zviri muBhuku raKurangarira. Kukurukurirana nevateereri. Kurukura mienzaniso inotevera yezvinhu zvakasiyana-siyana zviri mubhuku racho kuti zvinoshanda sei pakutsanangura dzidziso dzeBhaibheri: Sumo, dzakadai sa“Umambo” (mapeji 366-7) kana kuti “mudzimu” (mapeji 247-8); kushandura kunoenzaniswa neshanduro dzakasiyana-siyana kunoratidza kuti ndepapi uye kuti zita raMwari rinoshandiswa sei muBhaibheri (mapeji 87-9) kana kuti chokwadi pamusoro pehero (mapeji 76-7); rinoronga zvatinotenda zvinotisiyanisa nezvimwe zvitendero (mapeji 427-9) kana kuratidza maziviro angaita munhu kuti chitendero chakarurama ndechipi (mapeji 316-7); nhoroondo yezvakaitika, rinozivisa mavambo eKirisimasi (mapeji 199-201) kana kuti kusava nekwavakarerekera kwevaKristu vepakuvamba (mapeji 143-6); uchapupu hwesayenzi, kutsigira zvakasikwa (mapeji 60-2) kana kuti rinoratidza kukuvadza kunoita kuputa mbanje uye fodya (mapeji 229-33).

20 min: “Zvikomborero Zvinobva Mukuonga Rudo rwaJehovha—Chikamu 1.”c Pakukurukura ndima 3-6, kumbira ungano kuti irondedzere zvakaitika zvinokurudzira zvayakava nazvo mubasa repaimba neimba, kupupurira mumugwagwa, uye pakudzokerazve nepakuitisa chidzidzo cheBhaibheri.

Rwiyo 200 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe