Purogiramu yoMusangano Webasa
Vhiki Inotanga naOctober 8
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Kurudzira vaya vane mavideo cassette recorder kuti vaone vhidhiyo inonzi United by Divine Teaching pakugadzirira hurukuro iri paMusangano Webasa wevhiki inotanga naOctober 22. Uchishandisa mazano ari papeji 8, enzanisira mharidzo mbiri pfupi dzemagazini, imwe yacho uchishandisa Nharireyomurindi yaOctober 15 uye imwe uchishandisa Mukai! yaNovember 8.
35 min: “Uri Kushandisa Zvawakadzidza paKokorodzano Yoruwa ye‘Vadzidzisi veShoko raMwari’ Here?” Kukurukurirana nevateereri purogiramu yekokorodzano, kunoitwa nomuitisi weChidzidzo cheNharireyomurindi. Wapa sumo yeminiti imwe, shandisa maminitsi 10-12 nokuda kwepurogiramu yezuva rimwe nerimwe. Taura nokupfupikisa pfungwa huru dziri pasi pomusoro muduku mumwe nomumwe, uye zvadaro kumbira vateereri kuti vataure (1) kuedza kwavakaita kushandisa murayiridzo wacho, (2) kubatsirwa kwavakaita nokuita kudaro, uye (3) zvimwe zvavanofunga kuti vanofanira kuita. Bvunza mibvunzo inotokonya pfungwa kuti pave nokukurukurirana kune upenyu.
Rwiyo 151 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naOctober 15
10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.
15 min: Une “Mwoyo Unoteerera” Here? (1 Madz. 3:9) Hurukuro inopiwa nomukuru, inobva muNharireyomurindi yaJuly 15, 1998, mapeji 29-31.
20 min: Shandisa Magazini Edu Zvakanaka. Mutariri webasa nomutarisiri wemagazini vanokurukura zvinovanetsa nezvokuparadzirwa kwemagazini muungano. Vanotaura kuti ungano inogamuchira magazini mangani mwedzi woga woga achienzaniswa nenhamba inoshumwa kuti agoverwa. Zviri pachena kuti akati wandei anochengetwa kana kuti anoraswa. Hama dzacho dzinokurukura pfungwa nomwe dziri muchikamu choMusangano Webasa chinoti “Ziva Magazini!” chevhiki yaOctober 4, 1999. Vanoongorora zvakaitika zviri muNharireyomurindi yaFebruary 15, 1998, mapeji 28-9, vokurukura mashandisirwo angaitwa mazano acho muungano.
Rwiyo 156 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naOctober 22
10 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa mazano ari papeji 8, enzanisira mharidzo mbiri pfupi dzemagazini, imwe yacho uchishandisa Nharireyomurindi yaNovember 1 uye imwe yacho uchishandisa Mukai! yaNovember 8.
10 min: Ungapindura Sei? Taura nokupfupikisa zviri papeji 433 mubhuku raKurangarira, panopiwa mhinduro yakajeka yomubvunzo wokuti, “Ko Zvapupu zvaJehovha zvinosvika sei pakutsanangura kwazvo Bhaibheri?”
25 min: “United by Divine Teaching—Kuona Kubatana Chaiko Kwehama.” Kukurukurirana nevateereri. Shandisa ndima yokutanga neyokupedzisira kusuma uye kugumisa chikamu chacho. Kuti pave nokukurukurirana kune upenyu kwevhidhiyo yacho, bvunza mibvunzo yose iripo. Kana pane vapi nevapi vari muungano vakapinda kokorodzano kune dzimwe nyika, ita kuti vataure manzwiro avo nezvemamiriro akaita sangano redu munyika dzakawanda uye kubatana kwarakaita. Kana kuti taura zvakaitika zvomwoyo wose zvakarondedzerwa mu1994 Yearbook, mapeji 7-9, uye 1995 Yearbook, mapeji 8-11. Muna December tichaongorora vhidhiyo inonzi To the Ends of the Earth. [Kana kuti, hurukuro inopiwa nomukuru inoti: “Unoshivirira Zvechokwadi Here?” inobva muNharireyomurindi yaJuly 15, 2001, mapeji 21-3.]
Rwiyo 47 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naOctober 29
12 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuisa mishumo yebasa romumunda yaOctober.
15 min: Zvinodiwa muungano.
18 min: “Unonyatsodya Mumudzimu Here?”a Kumbira kuti vateereri vape mashoko okuwedzera anobva muNharireyomurindi yaApril 15, 1997, mapeji 28-31, vachitsanangura kuti nei uye sei tichifanira kuzvishandisa kuti tirambe tiine muitiro wakanaka wokudya mumudzimu.
Rwiyo 181 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naNovember 5
10 min: Zviziviso zveungano.
18 min: Kugadzirira Misangano Kunoitwa neMhuri. Baba vanokurukura nemhuri yavo kugadzirira kwavangaita vose kuti vaitewo chimwe chinhu kumisangano. Vachishandisa mirayiridzo iri muNharireyomurindi yaJuly 1, 1999, mapeji 19-20, ndima 9, vanogadzirira mhinduro dzavachapa pavachaita Chidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki ino. (1) Mumwe nomumwe womumhuri anosarudza mubvunzo mumwe kana kuti miviri yaachapindura. (2) Vaongorora ndima dzacho, vanogadzirira mhinduro dzavo mumashoko avo pachavo. (3) Vanosarudza magwaro akaiswa anoenderana zvikuru nezviri kudzidzwa, vokurukura kuti rumwe norumwe runowirirana zvakadini nechidzidzo chacho, uye vanoronga zvokutaura pakuashandisira chidzidzo chacho. Vose vanoda zvikuru kupindura mumusangano wacho.
17 min: “Chinangwa Chedu Ndechei?”b Simbisa zvakanakira kubatsira vadzidzi kuona kukosha kwokupinda misangano yeungano. Iva nomuenzaniso wakanyatsogadzirirwa wemaitirwo eizvi, uchishandisa chitsauko 17, ndima 6-8, mubhuku raZivo.
Rwiyo 186 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.