Purogiramu yoMusangano Webasa
CHERECHEDZAI: Ushumiri Hwedu hwoUmambo hucharonga Musangano Webasa wevhiki yoga yoga mumwedzi yekokorodzano. Ungano dzingagadziridza zvinodiwa kuti dzigone kupinda Kokorodzano Yoruwa ye“Vadzidzisi veShoko raMwari.” Shandisai maminitsi 15 paMusangano Webasa wokupedzisira musati mapinda kokorodzano kudzokorora mazano ari muwedzero yomwedzi uno angava akakodzera muungano yenyu.
Vhiki Inotanga naJuly 9
8 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.
17 min: Mushumo Webasa waMarch. Hurukuro nokubvunzurudza zvinoitiswa nomutariri webasa. Kurukura mushumo webasa romumunda waMarch wenyika neweungano. Bvunzurudza vaparidzi vakasiyana-siyana vakawedzera kuita ushumiri mwedzi wacho. Ita kuti vataure nezvomufaro wavakawana mukushanda zvakazara uye zvavari kuita kuramba vakabatikana muushumiri.—Ona wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMarch 2001, ndima 28-30.
20 min: “Unganoshanda Kunodiwa Vaparidzi Zvikuru Here?”a Taurawo zvakaitika zvinokurudzira izvo vaparidzi veungano vakasangana nazvo mundima iri yoga kana kuti isingawanzoshandwa.—Ona bhuku raHushumiri Hwedu, mapeji 112-13.
Rwiyo 42 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 16
10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.
15 min: “Kokorodzano—Nguva Yokufara!” Hurukuro inopiwa nomukuru. Tsanangura kuti nei kuungana kukuru kwevanhu vaJehovha kwaiitwa munguva inotaurwa muBhaibheri uye kuti nei kuchibatsira zvakafanana nhasi. Nguva iyi inogovera ushamwaridzani hunosimbisa uye zvokudya zvomudzimu zvinokosha. Simbisa zvazvinokoshera kuti munhu wose apinde mazuva ose matatu ekokorodzano yoruwa.
20 min: Zvapupu zvaJehovha—Ndivanaani? Zvinodavirei? Kukurukura nevateereri uye muenzaniso. Ongorora bhurocha iri uye kurukura mashandisirwe aringaitwa kutaurira vamwe nezvedu uye nezvebasa redu. Rinozivisa kuti tiri vanaani (mapeji 3-5), rinosimbisa dzimwe dzenhau dzedu dzazvino uno uye mabasa edu (mapeji 6-11), rinoronga zvatinodavira zvinotisiyanisa nezvimwe zvitendero (mapeji 12-14), rinotsanangura mashoko akanaka atinoparidza uye kuparidza kwatinoaita (mapeji 15-21), rinoratidza kubatsirwa kunoita vanhu nebasa redu (mapeji 22-4), rinoratidza mamiriro akaita sangano redu munyika dzakawanda (mapeji 25-6), uye rinopindura mibvunzo inowanzobvunzwa pamusoro pedu (mapeji 27-31). Enzanisira muparidzi ari kushandisa bhurocha racho kuti apindure mumwe wemibvunzo iri papeji 29 iyo inobvunzwa nasaimba anoda kuziva, pashure pacho muparidzi anoratidza kukoka kuri pabutiro rokumashure. Kurudzira vose kushandisa bhurocha racho kuita kuti hama dzisiri Zvapupu dzizive nezvedu, kuwedzera kufarira pakudzokerazve, uye kutungamirira vadzidzi veBhaibheri kusangano.
Rwiyo 50 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 23
10 min: Zviziviso zveungano.
15 min: “Kurongwa ‘Nenzira Yakafanira uye Nokurongeka.’”b Rondedzera humwe hwourongwa hukuru hunofanira kuitwa kuti kokorodzano irongwe. Simbisa kukosha kwokunyatsoshandira pamwe nenzira dzakarongwa kuti tibatsirwe. Kurukura nzira idzo tose zvedu tingaratidza nadzo ruremekedzo rwakarurama ndokudzivisa zvinetso zvisingadikanwi.
20 min: “Gadzirira Kudzidza Uprofita hwaIsaya!”c Taura nokupfupikisa kuti tichabatsirwa sei nokudzidza bhuku raIsaya. (Ona chitsauko 1, ndima 10-12, mubhuku raUprofita hwaIsaya I.) Kurudzira vose kuti vapinde Chidzidzo Chebhuku Cheungano nguva dzose.
Rwiyo 53 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 30
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuisa mishumo yebasa romumunda yaJuly.
18 min: ‘Teerera uye Wedzera Kudzidza.’ Hurukuro nokukurukura nevateereri. Tsanangura kuti nei murayiridzo unopiwa pakokorodzano uri zvokudya zvomudzimu zvinokosha zvatinoda. Taura nezvenguva yakawanda zvikuru uye kushingairira zvinodiwa kuti pave nepurogiramu yakadaro. Kumbira vateereri kuti vatsanangure zvingaitwa nomumwe nomumwe kuti ave nechokwadi chokubatsirwa zvikuru iye pachake uye vamwe. Simbisa zvikonzero nei tose zvedu tichifanira kunge tagara pazvigaro zvedu panotanga purogiramu imwe neimwe.
17 min: “Itai Zvakanaka Murumbidzwe!”d Tsanangura kuti nei tichikwezva vakawanda patinopinda kokorodzano huru. Kutaura kwakanaka kunoitwa nevacherechedzi kunowedzera uchapupu hwoUmambo, nepo mashoko akaipa achigona kudzingira vanhu kure. Taura zvinhu chaizvo zvatinofanira kuita kuratidza kuti tine unhu hwechiKristu hunosanganisira kuva nehanya nevamwe kwechokwadi.
Rwiyo 57 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naAugust 6
10 min: Zviziviso zveungano.
15 min: “Vabereki—Muri Kudzidza Nevana Venyu Nguva Dzose Here?” Hurukuro nokukurukura nyaya yacho nevateereri. Bvunzurudza vabereki vaviri vari kuita zvakanaka munhau iyi. Ita kuti varondedzere maonero avanoita nhau yokudzidzisa vana vavo pachavo somutoro wavakapiwa naMwari. Kurudzira vabereki vose kushuma zvidzidzo zvavanoita nevana vavo mwedzi woga woga.
20 min: “Usazeza!”e Kana nguva ichibvumira, rondedzera zvakaitika zviri muNharireyomurindi yaDecember 15, 1999, peji 25.
Rwiyo 63 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
e Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.