RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/01 p. 2
  • Purogiramu yoMusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu yoMusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naJune 11
  • Vhiki Inotanga naJune 18
  • Vhiki Inotanga naJune 25
  • Vhiki Inotanga naJuly 2
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 6/01 p. 2

Purogiramu yoMusangano Webasa

Vhiki Inotanga naJune 11

Rwiyo178

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Kurudzira munhu wose kuona vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses Stand Firm Against Nazi Assault kugadzirira kukurukurirana kuchaitwa paMusangano webasa wevhiki inotanga naJune 25.

15 min: “Ramba Uchi‘ita Zvakanaka Kwazvo.’” Hurukuro inokurudzira inobva muMagwaro inopiwa nomukuru.

20 min: “Svika Pamwoyo Pomudzidzi Wako.”a Taurawo mazano anoshanda okubatsirwa kungaita vatsva kuti vave nokutenda uye vade Jehovha naJesu nemwoyo yavo. Shandisa pfungwa dzinokosha dziri muNharireyomurindi yaJuly 15, 1999, peji 14, ndima 18-20.

Rwiyo 184 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJune 18

Rwiyo 194

5 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.

10 min: Kupindura Vangangoramba Kukurukurirana. Kukurukura nevateereri. Dzokorora “Tsinhiro” dziri mubhuku raKurangarira, pamapeji 15-16. Kubva pamapeji 16-20, sarudza kutaura kwokuramba kwamunosangana nako mundima yenyu. Kumbira vateereri kuti varondedzere kuti imhinduro dzipi dzinonyatsovashandira uye nei.

30 min: “Ungada Kubatsira Here?” Hurukuro inokurudzira yakasangana nokutaura kwevateereri pavanenge vachipindura mibvunzo yakagadzirirwa pandima 13 uye 18 kusvika ku24. Kurudzira vabereki kuti vabatsire vana vavo vaduku kufunga nezvebasa repaBheteri. Kurudzira mhuri kuti dzidzidze pamwe chete wedzero ino pachidzidzo chadzo chemhuri.

Rwiyo 197 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJune 25

Rwiyo 2

15 min: Zviziviso zveungano. Taura nezvemabhuku achagoverwa muna July naAugust. Simbisa mabhurocha maviri ane ungano. Iva nemienzaniso yakanyatsogadzirirwa yokugoverwa kwaangaitwa muushumiri. Kuti uone mharidzo dzingashandiswa, ona peji yokupedzisira yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJuly naAugust 1995 kusvikira kune hwa1998.

30 min: “Ndinomira Ndakasimba! Ndinomira Ndakasimba! Ndinomira Ndakasimba!” Kukurukura nevateereri vhidhiyo inonzi Stand Firm, uchishandisa mibvunzo iri mundima 2. Zvadaro kurukura ndima 3-4. Verenga chiziviso chiri papeji 7 chinotaura nezvevhidhiyo inonzi Stand Firm yakapfupikiswa yokuratidza mukirasi. Gumisa nechakaitika chiri muMukai! yechiRungu yaNovember 22, 1999, peji 31. Muna August tichaongorora vhidhiyo inonzi The New World Society in Action. Kana kuti mutariri webasa anokurukura neungano mushumo wakapfuura womutariri wedunhu.

Rwiyo 29 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJuly 2

Rwiyo 5

13 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuisa mishumo yebasa romumunda yaJune. Kurukura bhokisi rakanzi “Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwomuRaibhurari yeHoro yoUmambo.”

15 min: Pwere—Ivai Vakachenjera Mukusarudza Basa Renyu. Ichi ndicho chikamu chokutanga chezvikamu zvitatu zvoMusangano Webasa zvichataura nheyo dzeMagwaro dzine chokuita nedzidzo yokuwedzera. Dzimwe pwere dzechiKristu dziri kudzinganisa mabasa okunyika nokuwana dzidzo yepamusoro, zviri kudzikuvadza mune zvokunamata. Chikamu chino ndechokukurukura kunoita vabereki vaviri nomwanakomana wavo kana kuti mwanasikana ari kuyaruka. Pwere yacho iri panguva inofanira kuitwa chisarudzo chakakomba nezvevavariro dzenguva yemberi. Kunyange zvazvo vamwe vangada kutsvaka mari, mukurumbira, kana kuti zvinofadza zvoupenyu, mhuri yacho inoongorora Bhaibheri kuti ione zvarinorumbidza. (Ona bhuku raVechiduku, mapeji 174-5; Nharireyomurindi, yaAugust 15, 1997, peji 21, uye September 1, 1999, mapeji 19-21, ndima 1-3 uye 5-6.) Pwere yacho inobvuma kuti kuchenjera kutsvaka nzira ichaibatsira zvikuru muupenyu kuita vavariro dzechiKristu kuti ifambisire mberi zvinhu zvoUmambo.

17 min: “Tarisira Kuwana Matsi Mundima Yako.”b Kana uchivaziva, taura kuti imatsi ngani dziri mundima yeungano yenyu.

Rwiyo 32 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe