RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/01 p. 4
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 4/01 p. 4

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna April naMay: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Kunenge kwawanikwa kufarira pakushanyazve, goverai bhuku rinonzi Zivo kana kuti bhurocha rinonzi Anodei, nepfungwa yokutangisa zvidzidzo zveBhaibheri. June: Mwari Anodei Kwatiri? kana kuti Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Isai pfungwa dzose pakutanga zvidzidzo zveBhaibheri. July: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringashandiswa; Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here?, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” Utatu, uye Zita raMwari Richagara Nokusingaperi.

◼ Ungano dzinofanira kuodha iye zvino mabheji ekokorodzano ya2001. Zvakafanira kuodha zvibatiso zvepurasitiki kuitira vapi nevapi vari muungano vanozvida.

◼ Hurukuro Nha. 3 neNha. 4 mu“Chikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari cha2001” dzinotorwa mumapeji nendima dzakaratidzwa dziri mubhuku rinonzi Kurangarira. Pakuverenga ndima mubhuku iri, dziya dzine mutsetse wokutanga wakatangira nechomukati chete ndidzo dzinoverengwa.

◼ Sosaiti inoda kugara nekero nenhamba dzorunhare zvevatariri vanotungamirira nevanyori vose zvinenge zvichishanda panguva iyoyo. Kana zvikachinja panguva ipi neipi, munyori anofanira kuzadzisa fomu rinonzi Chinjo Yekero Yomutariri Anotungamirira/Munyori (S-29) oritumira kuSosaiti nokukurumidza.

◼ Vanyori veungano vanofanira kuchengeta mafomu akakwana anoti Fomu Rokukumbira Basa Roupiyona Hwenguva Dzose (S-205) neFomu Rokukumbira Basa Roupiyona Hwebetsero (S-205b). Ongororai mafomu ose okukumbira basa roupiyona hwenguva dzose muve nechokwadi chokuti akanyatsozadziswa. Kana vari kukumbira vasisayeuki musi chaiwo wavakabhabhatidzwa, vanofanira kufungidzira vounyora pasi.

◼ Bhuku rinonzi Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I riri kugadzirwa rine mabhii makuru kuitira kubatsira vane chinetso chokuona. Iri bhuku rinenge riine butiro rakapfava rakaenzana nemagazini richange riine mapeji 512 risina mifananidzo, uye mabhii acho achange akakura sezvakaita eNharireyomurindi yemabhii makuru ine nyaya dzokudzidza mbiri. Odhai kana raziviswa muUshumiri.

◼ Kutanga vhiki inotanga naJuly 30, 2001, tichadzidza bhuku rinonzi Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I paChidzidzo Chebhuku Cheungano. Tapota odhai mugove weungano yenyu iye zvino.

◼ Zuva Chairo Remagazini: Gore rino Zuva Chairo Remagazini muZimbabwe richava musi woMugovera April 14. Tinokurudzira vose kuronga zvinhu zvavo kuitira kuti vaitewo basa iri rinokosha sezvo richava zororo renyika. Vatariri vebasa vari kukurudzirwa kuronga misangano yebasa yakati kuti panguva dzakasiyana-siyana pazuva racho kuitira kuti vazhinji vevaparidzi vapindewo. Vaya vane gungano vanofanira kuronga kuitawo basa remagazini Mugovera unotevera, April 21.

◼ April mwedzi webasa unokosha unokurudzirwa vaparidzi vose kuti vashandewo zvizere mubasa rokuparidza kupfuura zvavanoita mumimwe mwedzi. Uyewo, tiri kukurudzira VOSE kushuma basa ravo nokukurumidza kupera kwomwedzi. Kana vose vakateerera chiziviso chino, tinotarisira kuva nenhamba yepamusoro mwedzi uno.

◼ Mutariri Webasa: Tinokukurudzira kukurukura nevakuru kuti zvinobvira here kuti ungano yenyu ishande ndima isina kugoverwa gore rino. Kana ungano yenyu ichikwanisa kudaro, ivai nechokwadi chokukumbira Sosaiti ndima yokushanda. Kana muchida kubatsira ungano isingawanzoshanda ndima yayo yose, muchafanira kutaura nomutariri anotungamirira weungano iyoyo nokukurumidza sezvinobvira kuti mumuzivise kuti muchasvika rini uye kuti muchauya muri vangani.

◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha mabhaundi vhoriyamu eNharireyomurindi neMukai! a2000. Mabhaundi vhoriyamu acho achawanikwa muchiRungu. Achaoneka papepa remabhuku atumirwa reungano akanzi “Zvakamirirwa,” kusvikira ava kuwanikwa uye atumirwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe