Kudzokorora Tichinyora Kwechikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari
Kudzokorora tichinyora kunoitwa mabhuku akapfigwa pamusoro pemashoko anofukidzwa mumigove yeChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari nokuda kwemavhiki aJanuary 1 kusvikira kuna April 23, 2001. Shandisai pepa riri roga rokunyorera mhinduro zhinji dzemibvunzo seyamunogona munguva yakagoverwa.
[Onai: Mukati mokudzokorora tichinyora, Bhaibheri bedzi ringashandiswa kupindura mubvunzo upi noupi. Nongedzero dzinotevera mibvunzo ndedzenzvero yenyu mumene. Nhamba dzemapeji nendima dzingasaoneka panongedzero dzose dzeNharireyomurindi.]
Pindura mutsetse woga woga unotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:
1. Kunyange zvazvo tisingambofaniri kurega pfungwawo zvadzo dzichitiita kuti tisaona kutadza kwakakomba, tinogona kutevedzera muenzaniso waJosefa nokukanganwira nengoni munhu anopfidza anenge atitadzira. (Gen. 42:21; 45:4, 5) [w99-CA 1/1 p. 31 ndima 2-3]
2. Kunze kwemadzinza akarongwa mariri, 1 Makoronike rinongovawo zvaro nokudzokororwa kwemashoko anowanikwa mumabhuku aSamueri naMadzimambo. [si-CA p. 75 ndima 1]
3. Bhaibheri rinotaura nezve“anopesana naKristu” mumwe chete, uyo achaonekwa pane imwe nguva munguva yemberi. [rs-CA map. 28-9]
4. Jesu akaratidza kuzvininipisa kwake nokubvuma basa rakasiyana nemamwe rokuuya pasi pano kubva kunzvimbo yokudenga uye kuva munhu akaderera, ari pasi pengirozi. (VaF. 2:5-8; VaH. 2:7) [w99-CA 2/1 p. 6 ndima 3]
5. Kupinda nechisimba muJudha kwakaita Shishaki uye kupambwa kwe“pfuma yeimba yaJehovha, nepfuma yeimba yamambo” kunosimbiswa nesayenzi yezvinocherwa mumatongo. (2 Mak. 12:9) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 2/1 p. 26 ndima 3.]
6. Rubhabhatidzo rwevacheche rwakanga rwusingaitwi nevaKristu vomuzana remakore rokutanga. [rs-CA p. 306]
7. Munhu anofanira kushumira Mwari asingafungi nezvomubayiro. [w99-CA 4/15 p. 16 ndima 1]
8. Paaitaura nezve“zviito” zvaJehovha, sezvakanyorwa pana Pisarema 103:2 (NW), Dhavhidhi aifunga nezvezvisikwa zvaJehovha zvinoonekwa. [w99-CA 5/15 p. 21 ndima 5-6]
9. Temberi dzakavakwa naSoromoni, Zerubhabheri, uye Herodhi, uyewo tabhenekeri yakavakwa naMosesi, dzose dzinomirira chinhu chimwe. [si-CA p. 87 ndima 16]
10. Mitsara yemadzinza inowanikwa muna 1 Makoronike yakanga isingabatsiri zvikuru ungano yechiKristu yepakuvamba. [si-CA p. 78 ndima 23]
Pindura mibvunzo inotevera:
11. Nei Jehovha akatonga zvikuru imba yaAhabhi? (1 Madz. 16:31; 2 Madz. 9:7, 26) [si-CA p. 74 ndima 34]
12. Sezvinoratidzwa pana Mateu 24:45-51, vaya vakaramba kutenda vane unhu hwakadini? [rs-CA p. 174]
13. Chidzidzoi chemano chinoita kuti tifungisise chatingadzidza munyaya yaMambo wevaJudha Uzia? (2 Mak. 26:15-21) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w99-CA 12/1 p. 26 ndima 1-2.]
14. Pane kutanga tsika, chidzidzoi chine simba chatakapiwa naJesu nokugeza tsoka dzavaapostora vake? (Joh. 13:4, 5) [w99-CA 3/1 p. 31 ndima 1]
15. Nei nhoroondo iri pana 1 Makoronike 14:8-17 yaikosha muzuva raIsaya, uye nei ichifanira kuva inokosha muchiKristudhomu nhasi? (Isa. 28:21) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w91-CA 6/1 p. 21 ndima 2-3.]
16. Zvinhui zvokunamata Bhaari zvaikwezva vaIsraeri vakawanda? [w99-CA 4/1 p. 29 ndima 3-6]
17. Chidzidzoi chinoshanda chingadzidzwa pabasa raHezekia rokudzivirira nokuwedzera mvura yeJerusarema? (2 Mak. 32:3, 4) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w96-CA 8/15 p. 6 ndima 1-2.]
18. Muenzaniso waJosia ungakurudzira sei vechiduku nhasi kuti vashumire Mwari ndokumira vakasimba mukurwisana nokunamata kwenhema? (2 Mak. 34:3, 8, 33) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w90-CA 8/1 p. 5 ndima 2.]
19. VaJudha vose vakasara vari muBhabhironi vaiva vasina kutendeka here, uye chidzidzoi chinoshanda chingadzidzwa pavari? (Ezra 1:3-6) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86-CA 2/15 p. 27 ndima 4, 5, (w86 1/15 p. 8 ndima 4, 5 yechiRungu).]
20. Munhoroondo iri pana 2 Makoronike 5:13, 14, chii chinoratidza kuti Jehovha aiteerera kuimba kwokurumbidza kwaiitwa nevanhu vake uye kuti akafadzwa nakwo? [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w94-CA 5/1 p. 10 ndima 7.]
Ipa (ma)shoko kana kuti chitsama chemashoko anodiwa kupedzisa mutsetse woga woga unotevera:
21. Munhu anopa zano mumwe muKristu anofanira kuva nechokwadi chokuti zvichataurwa ndezvo-․․․․․․․․ hwaMwari, kwete ․․․․․․․․ nevanhu uye ․․․․․․․․. (VaK. 2:8) [w99-CA 1/15 p. 22 ndima 1]
22. Hazvizobviri ․․․․․․․․ pahondo ye-․․․․․․․․. (Mat. 12:30; 2 VaT. 1:8) [rs-CA p. 33]
23. Seminzwa inogona kudzivisa nhondo kukura zvakanaka, ․․․․․․․․ kusingadzorwi uye simba rinonyengera re-․․․․․․․․ zvingadzivisa munhu kufambira mberi mukukura mumudzimu. (Mat. 13:19, 22) [w99-CA 3/15 p. 22 ndima 5]
24. “Kubhabhatidzwa kuti vave vakafa,” sezvakanyorwa naPauro pana 1 VaKorinde 15:29, kunoreva kunyudzwa mumufambiro woupenyu uchakonzera ․․․․․․․․ sorwuya rwaKristu uye ipapo ․․․․․․․․ kuupenyu hwomudzimu sezvaakaitwa. [rs-CA p. 308]
25. Kuti muKristu wechokwadi abudirire pane zvakatadzwa naSoromoni, anofanira kuisa parutivi ․․․․․․․․ wose kana kuti ․․․․․․․․ mukunamata kwaanoita ndokuita maererano nemashoko a- ․․․․․․․․ o‘kuda Jehovha Mwari wake nemwoyo wake wose.’ (Mat. 22:37; 1 Mak. 28:9) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86-CA 11/15 p. 19 ndima 17-18, (w86 6/1 p. 19 ndima 17-18 yechiRungu).]
Sarudza mhinduro yakarurama mumutsetse woga woga unotevera:
26. Nhoroondo iri pana 2 Madzimambo 17:5, 6 inorondedzera mapindire akaita (Tigrati-pireseri; Sharmaneseri V; Esari-hadhoni) nechisimba muumambo hwokumusoro hwendudzi gumi dzaIsraeri ndokutanga kukomba Samariya kwemakore matatu, iyo yakazokundwa nevaAsiriya muna (740; 607; 537) B.C.E. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 2/15 p. 27 ndima 1.]
27. Nokurondedzera zviitiko zvakaitika muJerusarema kutapwa muBhabhironi kwatanga, 2 Madzimambo chitsauko 25 inotaura zvisina kunanga kuti (Dhanieri; Ezekieri; Jeremia) ndiye munyori webhuku racho uye inoratidzawo kuti rakapedza kunyorwa munenge muna (580; 537; 455) B.C.E. (2 Madz. 25:27) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona si-CA p. 64 ndima 3.]
28. Sezvinoratidzwa pana Eksodho 4:11, Jehovha Mwari ‘anoita mbeveve, matsi, unoona zvakanaka, uye bofu’ mukuti (anofanira kupiwa mhosva yourema hwevanhu; anosarudza vakasiyana-siyana nokuda kweropafadzo dzebasa; akabvumira urema hwomuviri kuti huve muvanhu). [w99-CA 5/1 p. 28 ndima 2]
29. Nguva yemakore 70 inotaurwa pana 2 Makoronike 36:17-23 yakaguma muna (537; 607; 677) B.C.E. [si-CA p. 84 ndima 35]
30. Paviri panongotaurwa zvakananga nezvemhemberero dzemazuva okuzvarwa muBhaibheri (panoita kuti aonekwe zvakanaka; panoita kuti aonekwe zvisina kunaka; hapambojekesi mhemberero dzemazuva okuzvarwa). (Gen. 40:20-22; Mat. 14:6-10) [rs-CA p. 425]
Wiriranisa Magwaro anotevera nemitsetse yakarongwa pasi apa:
Eks. 21:22, 23; Zvir. 25:11; VaR. 12:2; 2 Pet. 3:15, 16; Zvak. 16:13, 14
31. Kuita chimwe chinhu uchida kunodiwa kuti tichinje mafungiro edu ndokuzadza pfungwa dzedu nechokwadi chaMwari. [w99-CA 4/1 p. 22 ndima 2]
32. Pakupa zano, zvinokosha kusarudza mashoko akarurama. [w99-CA 1/15 p. 23 ndima 1]
33. Jehovha akaratidza kuti munhu aizozvidavirira nokuda kwokukuvadza mwana asati aberekwa. [rs-CA p. 116]
34. Kupesvedzera kwaSatani Dhiyabhorosi kuri kusundira vanhu kumamiriro ezvinhu enyika achakonzera kurwisana naMwari. [rs-CA p. 33]
35. Kumonyanisa Magwaro kuti akodzere pfungwa dzedu pachedu kunogona kukuvadza zvechigarire. [rs-CA p. 46]