Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga naNovember 13
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Zivisa gadziriro chaidzo dzebasa romumunda dzokupera kwevhiki.
13 min: Bhokisi Remibvunzo. Hurukuro inopiwa nomukuru.
22 min: “Kukudziridza Kufarira Kwakakonzerwa neMashoko oUmambo Nha. 36.” Kurukura nemibvunzo nemhinduro ndima 1-5. Zivisa gadziriro dzeungano dzokupedza chero ndima ipi isati yashandwa. Kurukura mharidzo dziri mundima 7 ne8 dzokudzokerazve, uye ita kuti imwe neimwe ienzanisirwe. Simbisa kukosha kwokutevera kufarira kwose nokuedza kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Gumisa nokukurukura ndima 9 uye magwaro akaiswa.
Rwiyo 63 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naNovember 20
10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.
15 min: Zvakaitika Zvokuparadzira Mashoko oUmambo Nha. 36. Taura kubudirira kupedza ndima kwakaitwa. Pane upi noupi muungano akaita basa kwenguva yokutanga here? Rondedzera kutaura kwakanaka kwakaitwa navanasaimba. Vamwe vaparidzi vakakwanisa kutanga zvidzidzo zveBhaibheri here? Kana vakatanga, ita kuti vatsanangure kana kuti vadzokorore maitiro avakazviita. Yeuchidza vose kuti vakudziridze kufarira kwakawanikwa.
20 min: “Ramba Uchiparidza!” Hurukuro nokubvunzurudza. Vamwe vakanga vachisonganirana nesangano raJehovha uye vakapfuurira mubasa rokuparidza kwoupenyu hwavo hwose. Vaine pfungwa yakanaka, vakawana mufaro mukuita izvozvo. (Ona bhuku rinonzi Zivo, peji 179, ndima 20, uye Nharireyomurindi yaMay 1, 1992, mapeji 21-2, ndima 14-15.) Kumbira muparidzi ave achishingaira kwemakore akawanda kuti arondedzere zvikonzero nei apfuurira mubasa rokuparidza.
Rwiyo 141 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naNovember 27
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuisa mishumo yebasa romumunda yaNovember. Mabhuku achagoverwa muna December ibhuku rinonzi Zivo neShanduro Yenyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki. Tsanangura kuti Zvapupu zvaJehovha zvakava sei nebasa guru mukubudisa Bhaibheri racho mumitauro yakawanda.—Ona Nharireyomurindi yaOctober 15, 1997, mapeji 11-12.
20 min: Shandisa Zvakanaka Bhuku Rinonzi Kurangarira. Kurukura nemibvunzo nemhinduro mapeji 7-8. Ratidza kuti bhuku iri rakagadzirwa sei kuti ritibatsire kugadzirira kushanda zvinobudirira zvikuru muushumiri. Tsanangura mashandisirwe angaitwa bhuku racho pakupupura norunhare. Enzanisira mawanirwe amashoko anobatsira kupindura mubvunzo. Kurudzira vose kuti vajairane nebhuku iri, varichengete riri mubhegi ravo rokuuchapupu, uye varishandise nguva dzose.
15 min: Ndingadzora sei Miitiro Yangu Yokuona TV? Mukuru anotaura nehama yechiduku inopedza maawa anoverengeka pazuva ichiona TV. Pakutanga, hama yacho inoomerera kuti hazvikuvadzi. Inoti inongova nzira yokuzorora uye haiikuvadzi. Mukuru wacho anodzokorora pfungwa huru dziri muchitsauko 36 chebhuku rinonzi Vechiduku. Anotsanangura kuti kunyanyisa kuona TV kunopedza nguva inokosha ingadai yaishandiswa kuita chidzidzo chomunhu oga, kuenda kuushumiri, kana kuti kubatsira nezvinodiwa zveungano. Hama yechiduku inoonga zano racho ndokutaura kuti kuitira kuti ibatsirwe mumudzimu, ichachinja miitiro yayo yokuona TV. (Kana zviri pamusoro zvisingashandi kuungano yenyu, kurukura musoro unoti, “Unogadzirisa Sei Kusawirirana?” uri muNharireyomurindi yaAugust 15, 2000, peji 23.)
Rwiyo 175 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naDecember 4
10 min: Zviziviso zveungano. “Unotii Kumuchina Wokudavira?”
15 min: Zvinodiwa zveungano.
20 min: “Shoko Rinotaurwa Nenguva Yakafanira.” Kukurukurirana navateereri nemienzaniso. Vakawanda vanonzwa vasingakwanisi pavanoedza kutanga kukurukurirana, vachifungidzira zvisiri izvo kuti vanoda unyanzvi chaihwo kuti vabudirire. Tsanangura kuti tose zvedu, kusanganisira vaparidzi vatsva navaduku, tingatanga kukurukurirana nokuedza kwakanaka. Kurukura mharidzo dziripo, uchisimbisa kuva nyore kwadzo, uye ita kuti vaparidzi vaviri kana vatatu vadzienzanisire. Taura zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMarch 1998, peji 8, nokuda kwedzimwe mharidzo dzingashandiswa. Kurudzira vose kuva nechivimbo kuitira kuti vagowana mufaro wakawanda muushumiri hwavo.
Rwiyo 218 nomunyengetero wokugumisa.