Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna August: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringagoverwa: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu—Unogona Sei Kuriwana?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza?, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Unofanira Kudavira Utatu Here? uye Zita raMwari Richagara Nokusingaperi. September: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi kana kuti Mwari Anodei Kwatiri? October: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Kunenge kwawanikwa kufarira pashanyo yokudzoka, kuzvinyoresa kungagoverwa. Kuvambira panenge pava kunopera mwedzi wacho, Mashoko oUmambo turakiti Nha. 36, rinonzi “Mireniyumu Itsva—Nguva Yemberi Yakakuchengeterei?,” richagoverwa. November: Kugoverwa kwaMashoko oUmambo turakiti Nha. 36 kuchapfuurira. Ungano dzinopedza ndima dzadzo nokukurukura navagari vapamusha mumwe nomumwe kana imba nekopi yaMashoko oUmambo turakiti Nha. 36 dzingagovera bhurocha rinonzi Anodei kana kuti bhuku rinonzi Zivo.
◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu anosarudzwa naye anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi waSeptember 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana izvi zvaitwa, zivisai ungano kana mushumo weakaunzi unotevera waverengwa.
◼ Kuverenga kwapagore negore kwamabhuku ose namagazini aripo kunofanira kuitwa musi waAugust 31, 2000, kana kuti pedyo nomusi wacho sezvinobvira. Kuverenga uku kwakafanana nokuverenga chaiko kunoitwa mwedzi nomwedzi nomutarisiri wedhipatimendi ramabhuku, uye zvose zvinofanira kunyorwa paFomu Rokuverengwa Kwemabhuku (S-18). Nhamba yose yamagazini aripo angawanikwa kuvatarisiri vamagazini vari muungano imwe neimwe iri muboka ramabhuku. Ungano imwe neimwe inotarisira ichawana Mafomu Okuverengwa Kwemabhuku matatu (S-18). Tapota tumirai fomu rokutanga kuSosaiti musi waSeptember 6 usati wapfuura. Chengetai kopi yakanyorwa nekabhoni nokuda kwamafaira enyu. Kopi yechitatu ingashandiswa sepepa rokushandira. Munyori weungano inotarisira anofanira kutarisira kuverengwa kwacho. Munyori nomutariri anotungamirira weungano inotarisira vachasaina fomu racho.
◼ Gadziriro Itsva Yamapepa Emabhuku Atumirwa: Munguva yakapfuura, ungano dzaigamuchira mapepa emabhuku atumirwa maviri; pepa risina nhamba raitumirwa namabhuku uye rechipiri rine nhamba raitumirwa namasitatimendi, kuti dzizotarisa. Munguva yemberi, ungano dzichagamuchira pepa remabhuku atumirwa rimwe chete. Iri richatumirwa namabhuku uye richava namashoko ose anodiwa, kusanganisira nhamba yepepa remabhuku atumirwa. Musi nenhamba yepepa remabhuku atumirwa zvichaonekwa pasitatimendi yeungano inotarisira uye zvinofanira kushandiswa pakubvunza kuSosaiti mibvunzo ipi neipi ine chokuita namabhuku acho.
Mukuwedzera, maFomu Okuodha Mabhuku maviri (S-14) aitumirwa kuungano inotarisira nguva dzose paitumirwa pepa remabhuku atumirwa nesitatimendi yadzo. Sezvo pepa remabhuku atumirwa rechipiri iri riri kubviswa, ungano dzinotarisira zvino dzingada kuodha chitsama chakati chamafomu aya neodha yadzo yamabhuku yomwedzi nomwedzi inotevera.
◼ Mabhuku Matsva Aripo:
Jehovha—Iye Ndiani? (Turakiti Nha. 23)—Chichewa, chiNgezi, chiPutukezi, chiShona, Zulu
Jesu Kristu—Iye Ndiani? (Turakiti Nha. 24)—Chichewa, chiNgezi, chiPutukezi, chiShona, Zulu