Kudzokorora Tichinyora Kwechikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa Namwari
Kudzokorora tichinyora kunoitwa mabhuku akapfigwa pamusoro pamashoko anofukidzwa mumigove yeChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari nokuda kwamavhiki aMay 1 kusvikira kuna August 21, 2000. Shandisai pepa riri roga rokunyorera mhinduro zhinji dzemibvunzo seyamunogona munguva yakagoverwa.
[Onai: Mukati mokudzokorora tichikunyora, Bhaibheri bedzi ringashandiswa kupindura mubvunzo upi noupi. Nongedzero dzinotevera mibvunzo ndedzenzvero yenyu mumene. Nhamba dzamapeji nendima dzingasaoneka panongedzero dzose dzeNharireyomurindi.]
Pindura mutsetse woga woga unotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:
1. Kupindura kwakaita Gidheoni kutuka kusingapembedzwi kwavarume veEfraimi kwakaratidza unyoro nokuzvininipisa kwake nokudaro ndokudzivisa kushora kwavo kusina kunaka uye kwava kuita kuti rugare rurambe ruripo. (Vat. 8:1-3) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki]
2. Kunyange zvazvo Manoa akati “takaona Mwari,” chaizvoizvo iye nomukadzi wake vakaona mutauriri waMwari akanga ashanduka kuva munhu wenyama uye kwete Jehovha pachake. (Vat. 13:22) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 5/15 peji 23 ndima 3.]
3. Pana Vatongi 5:31, kutaura kwokuti “vanokudai” nenzira youprofita kunoreva vagari venhaka yoUmambo 144 000. [si-CA peji 50 ndima 28]
4. Hapana zvimedu zvebhuku raRute zvakawanwa paMipumburu yeGungwa Rakafa. [si-CA peji 51 ndima 3]
5. Vatongi 21:25 inotaura nezvenguva apo Jehovha akasiya rudzi rwaIsraeri rwusina nhungamiro ipi neipi zvayo. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 6/15 peji 22 ndima 16.]
6. Mifananidzo yamakerubhi aiva paareka yesungano yairatidza kuvapo muumambo kwaJehovha, uyo ainzi “ugere pamusoro [kana kuti, “pakati”] pamakerubhi.” (1 Sam. 4:4, NW, mashoko omuzasi) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w81-CA 6/1 peji 28 ndima 2.]
7. Varwi vaSauro pavakadya ropa mumamiriro ezvinhu okupererwa nezano uye vasina kurangwa, izvi zvakaratidza kuti kungangova kwaiva nezvikonzero zvakarurama zvokurega kuteerera mutemo waMwari kwenguva duku kuti munhu achengetedze upenyu hwake. (1 Sam. 14:24-35) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w94-CA 4/15 peji 31 ndima 7-9.]
8. Kunyange vamwe vachibatanidza shoko rokuti “kunyengetedza” nokupesvedzera uye kuchenjera, ringashandiswa mupfungwa yakanaka kupa pfungwa yokugutsa uye kuchinja pfungwa nokufunga kwakanaka, kune musoro. (2 Tim. 3:14, 15) [w98-CA 5/15 peji 21 ndima 4]
9. “Bhegi roupenyu” rinoreva gadziriro yaMwari yokudzivirira nokuchengetedza, yaizobatsira Dhavhidhi kudai akadzivisa mhaka yeropa mumaziso aMwari. (1 Sam. 25:29, NW.) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w91-CA 6/15 peji 14 ndima 3.]
10. Sungano yoUmambo yaDhavhidhi, inotaurwa nezvayo pana 2 Samueri 7:16, yakaita kuti mutsara weMbeu waitungamirira kuna Mesiya upfupike uye yaiva vimbiso yepamutemo yokuti mumwe munhu mumutsara waDhavhidhi aizotonga “nokusingaperi.” [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 2/1 peji 14 ndima 21–peji 15 ndima 22.]
Pindura mibvunzo inotevera:
11. Pisarema 34:18 rinovimbisa chii? [w98-CA 4/1 peji 31 ndima 2]
12. Chii chairatidzwa nokutumidzwa kwaJosefa zita rokuti Bhanabhasi? (Mabasa 4:36) [w98-CA 4/15 peji 20 ndima 3, mashoko omuzasi]
13. Nei nhoroondo yeBhaibheri ichiti Eri akaramba achikudza vanakomana vake kupfuura kukudza kwaakaita Jehovha? (1 Sam. 2:12, 22-24, 29) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w96-CA 9/15 peji 13 ndima 14.]
14. Nei bhuku raRute richifanira kusimbisa chivimbo chedu muzvipikirwa zvoUmambo? [si-CA peji 53 ndima 10]
15. Maererano na1 Samueri 1:1-7, mhuri yaSamueri yakagadza muenzanisoi mukuru? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w98-CA 3/1 peji 16 ndima 12.]
16. Mupfungwai mazvinganzi ‘simba repfuma rinonyengera’? (Mat. 13:22) [w98-CA 5/15 peji 5 ndima 1]
17. Jonatani mukuru akakudza sei akazodzwa waJehovha, Dhavhidhi, uye izvi zvinofananidzirei nhasi? (1 Sam. 18:1, 3, 4) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 1/1 mapeji 24, 26 ndima 4, 13.]
18. Kunyange zvazvo akanga “akakwana, akarurama,” bhuku raJobho rinoratidza sei kuti izvi hazvirevi kuti Jobho akanga akakwana? (Jobho 1:8) [w98-CA 5/1 peji 31 ndima 1]
19. Chii chinorehwa nokutaura kwokuti “zvishandisei nesimba”? (Ruka 13:24) [w98-CA 6/15 peji 31 ndima 1, 4]
20. Sezvatinoshanda nevamwe, chidzidzoi chinokosha chingafungisiswa, sezvakanyorwa pana 2 Samueri 12:26-28? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w93-CA 12/1 peji 19 ndima 19.]
Ipa (ma)shoko kana kuti chitsama chamashoko anodiwa kupedzisa mutsetse woga woga unotevera:
21. Kushora zvakanyanya kunoita Jehovha kunamata Bhaari, kunofanira kutigombedzera kuti tidzivise zvinhu zvamazuva ano zvakafanana nezvo-․․․․․․․․, ․․․․․․․․, uye ․․․․․․․․. (Vat. 2:11-18) [si-CA peji 50 ndima 26]
22. Makanga muri mumazuva aSamueri pakaguma nguva ya-․․․․․․․․ uye pakatanga nguva ya-․․․․․․․․ iyo yaizoona Israeri ichirasikirwa nenyasha dzaJehovha. [si-CA peji 53 ndima 1]
23. Zita raMwari rokuti Jehovha, rinoreva “․․․․․․․․” uye rinoreva kuti Jehovha anogona kuita basa ripi neripi rinodiwa kuitira kuti aite ․․․․․․․․ zvake. [w98-CA 5/1 peji 5 ndima 3]
24. Eri naSauro vakakundikana mukuti wokutanga ․․․․․․․․ kuita chiito uye wechipiri akaita ․․․․․․․․. [si-CA peji 57 ndima 27]
25. Mufananidzo waJesu womuSamariya ane mutsa unoratidza kuti munhu akarurama zvechokwadi ndouyo asingateereri bedzi ․․․․․․․․ yaMwari asiwo anotevedzera ․․․․․․․․ hwake. (Ruka 10:29-37) [w98-CA 7/1 peji 31 ndima 2]
Sarudza mhinduro yakarurama mumutsetse woga woga unotevera:
26. Unhu hwakakura hwe(uchenjeri; simba; rudo) rwaJehovha hunoonwa mukusarudza kwaakaita muMoabhikadzi (Rute; Naomi; Orpa), aichimbova munamati wa(Bhaari; Kemoshi; Dhagoni), uyo akatendeukira kuchitendero chechokwadi ndokuva mukarekadzi waJesu Kristu. (Mat. 1:3, 5, 16) [si-CA peji 51 ndima 1]
27. Nguva yokutongwa kweIsraeri nevatongi yakaguma (Samueri; Dhavhidhi; Sauro) paakazodzwa samambo uye nokukurumidza pashure pacho akakunda va(Amoni; Moabhi; Firistia) achitsigirwa naJehovha. (1 Sam. 11:6, 11) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 12/15 peji 9 ndima 2–peji 10 ndima 1.]
28. Vaiva (muapostora Pauro; baba vake; amai vake nambuya) vakatungamirira mukudzidzisa Timoti “zvinyorwa zvitsvene” kusvika pakumuona achiva mufundisi uye mutariri akanaka chaizvo. (2 Tim. 3:14, 15; VaF. 2:19-22) [w98-CA 5/15 peji 8 ndima 3–peji 9 ndima 5]
29. Kushumira kwa(Dhavhidhi; Samueri; Jonatani) ari muduku kunofanira kukurudzira vaduku kutanga kuita ushumiri nhasi, uye kupfuurira kwake asingaregi kusvikira kumugumo wamazuva ake kunofanira kutsigira avo vakwegura. [si-CA peji 58 ndima 30]
30. Nguva inotaurwa nezvayo muna 2 Samueri inobvira muna (1077 kusvika munenge muna 1040; 1077 kusvika munenge muna 1037; 1070 kusvika munenge muna 1040) B.C.E. [si-CA peji 59 ndima 3]
Wiriranisa Magwaro anotevera nemitsetse yakarongwa pasi apa:
Vat. 11:30, 31; 1 Sam. 30:16-25; 2 Madz. 6:15-17; Jak. 5:11
31. Jehovha anovimbisa kuti achashandisa uto rake rokudenga kudzivirira vanhu vake maererano nokuda kwake. [w98-CA 4/15 peji 29 ndima 5]
32. Vatariri veungano vane mutoro wokuita maererano nezvavanobvumirana kunyange pane dzimwe nguva zvingarwadza uye zvingada zvinhu zvakawanda. [w99-CA 9/15 peji 10 ndima 3-4]
33. Kuramba wakatendeka mumuedzo kunotungamirira kumubayiro mukuru unobva kuna Jehovha Mwari. [w98-CA 5/1 peji 31 ndima 4]
34. Kuda Mwari zvechokwadi kunoda kuteerera mirayiro yake kwete kungomupa zvibayiro. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w96-CA 6/15 peji 5 ndima 1.]
35. Chiito chakabatana chorudo chavanhu vaMwari vose nhasi, pasinei neropafadzo yavo yebasa, chingaenzanisirwa nenhoroondo iyi. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w92-CA 1/1 peji 9 ndima 6.]