Unoonga Kushivirira kwaJehovha Here?
1 Kudai Jehovha akanga asina kushivirira kwemakore 10, 20, kana kuti anodarika apfuura, achibvumira uchapupu hwakawedzerwa kuti hupiwe, ungadai wakadzidza chokwadi here? Tinoonga sei kuti akabvumira vamwe vanhu vakawanda kuti “vasvike pakupfidza.” Asi, zuva guru rokutonga kwaJehovha “richauya sembavha.” (2 Pet. 3:9, 10) Nokudaro, kushivirira kwaMwari hakufaniri kunzwisiswa zvisizvo sokunonoka kuunza mugumo wegadziriro ino yezvinhu.—Hab. 2:3.
2 Siririswa Navanhu: Mwoyo murefu waJehovha unopfuura kwazvo kunzwisisa kwedu. Hatifaniri kutadza kuona chinangwa chawo. (Jona 4:1-4, 11) Jehovha anoona mamiriro ezvinhu zvavanhu anosiririsa uye anovanzwira tsitsi. Jesu anonzwawo saizvozvo. Achisiririswa namapoka evanhu vaaiparidzira, aida kuti basa rokuparidza riwedzere kuitira kuti vakawanda vazova nomukana wokuwana upenyu husingaperi.—Mat. 9:35-38.
3 Panoitika matambudziko nenjodzi, mwoyo yedu hainzwiri urombo vanhu vasingazivi chokwadi here? Vanhu nhasi vakaita sa“makwai asina mufudzi” sezvavanoedza kubata nenyonganyonga iri munyika uye kuinzwisisa. (Mako 6:34) Tikaparidza mashoko akanaka nokushingaira, tinonyaradza vaya vane mwoyo inoda ndokuratidza kuonga kwatinoita kushivirira kwaJehovha.—Mab. 13:48.
4 Basa Redu Nderokukurumidza: Gore rapera 323 439 vakabhabhatidzwa uye vanopfuura 14 000 000 vakapinda Chirangaridzo. Mukana wakadini wokuti vamwe vakawanda vapukunyuke kuparadzwa kwegadziriro ino yakaipa! Kuti “Boka guru revanhu” richava rakakura sei, hatizivi. (Zvak. 7:9) Kuti basa redu rokuparidza richaita nguva yakadini, hatizivi. Asi Jehovha anoziva. Mashoko akanaka achaparidzwa kusvikira agutsikana, “uye zvadaro mugumo uchasvika.”—Mat. 24:14.
5 Nguva yasara ipfupi, uye zuva raMwari rava pedyo. (1 VaK. 7:29a; VaH. 10:37) Pasina mubvunzo, “ruponeso rwedu rwava pedyo kupfuura panguva yatakava vatendi.” (VaR. 13:11) Ngatirege kutadza kunzwisisa chinangwa chokushivirira kwaMwari. Asi, ngatiparidze nokukurumidza kuitira kuti vakawanda vanopanga kururama vawane ngoni huru dzaJehovha.