RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/00 p. 7
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Vabereki Vari Voga, Zvinetso Zvakawanda
    Mukai!—2002
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Kodzero Yokuchengeta Mwana—Rudzidziso Nemutemo
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 5/00 p. 7

Bhokisi Remibvunzo

◼ Varindiri vangabatsira sei vabereki kuita kuti vana vavo varambe vachizvibata zvakafanira pamisangano?

Nomuzvarirwo, vana vanoda zvokumhanya-mhanya, havana kujaira kugara pasi kwenguva yakareba. Musangano wapera, vana vanenge vadzvinyirira simba ringavaita kuti vade kumhanya nokudzingirira vamwe vana muHoro yoUmambo kana kuti dzimwe nzvimbo dzinopindirwa misangano, panopakwa motokari, kana kuti mokufamba namo. Zvisinei, chirevo chokuti ‘Mwana wangoregwa hake achanyadzisa mubereki wake’ ndechechokwadi.—Zvirevo 29:15.

Zvinosuruvarisa kutaura kuti dzimwe dzehama nehanzvadzi dzedu dzakura dzakakuvadzwa zvakanyanya nemhaka yokuti vana vakadzidhumha ndokudzipunzira pasi. Izvi zvakakonzera kutambura kusina kufanira uyewo mari yokutarisira isina kufanira kuvabereki neungano. Kuti ivo vadzivirirwe uye vamwe vachengeteke, vana havafaniri kuregwa vachimhanya nokutamba mukati kana kuti kunze kweHoro yoUmambo.

Vabereki vane mutoro unodudzwa muMagwaro wokurovedza vana vavo kuti vabate nzvimbo dzedu dzokunamatira noruremekedzo rwakafanira. (Mup. 5:1a) Pamisangano yedu yechiKristu, magungano, uye kokorodzano, varindiri vanogoverwa kuti vaone kuti “zvinhu zvose [zvinoitika] nenzira yakafanira” uye kuti pane “kurongeka . . . kwakanaka.” (1 VaK. 14:40; VaK. 2:5) Vanofanira kuramba vakasvinurira purogiramu isati yatanga, iri kuitwa, uye yapera, mukati nokunze. Kana mwana ari kumhanya kana kuti asingateereri, murindiri angamisa mwana wacho zvinyoro-nyoro, uye angamutsanangurira chikonzero nei kuita kwakadaro kusingabvumirwi. Vabereki vomwana wacho vanofanirawo kuudzwa nomutsa nezvechinetso chacho uye kudiwa kwokutarisira mwana wacho. Mubereki wacho anofanira kubvuma zvakanaka.

Zvinonzwisisika kuti pane dzimwe nguva vacheche nevana vaduku vangachema kana kuti vanovhiringidza misangano painenge ichiitwa. Varindiri, vanosvika kuchine maminiti anenge 20 purogiramu isati yatanga, vangachengeta mitsara yokupedzisira mishoma muhoro nokuda kwevabereki vangada kugara ipapo nevana vavo vaduku. Isu vamwe tose tinofanira kushandira pamwe nokuvasiyira zvigaro izvozvo.

Kana mwana ari kuvhiringidza, mubereki anofanira kuita chimwe chinhu. Kana mubereki asingadaro uye kudzongonyedza kwacho kukava kunotsausa, murindiri anofanira kukumbira nomutsa kana mubereki wacho angada kubuda nomwana wacho muhoro. Patinokoka vatsva vane vana vaduku kumisangano, tinofanira kugara navo ndokubatsira kana vana vachichema kana kuti vachivhiringidza mune dzimwe nzira.

Zvinotiunzira mufaro kuona vana vamazera ose paHoro yoUmambo uye kucherechedza kuzvibata kwavo zvakanaka muimba yaMwari. (1 Tim. 3:15) Nokuremekedza kwavanoita gadziriro yaJehovha yokunamata, vanomuunzira rukudzo uye vanoongwa navose vari muungano.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe