Kuwana Mufaro Mubasa Rako Dzvene
1 Vakadzoka “nomufaro.” Nhoroondo yeBhaibheri inoratidza manzwire akaita vadzidzi 70 pavakadzoka kuna Jesu, zvichitevera rwendo rwakareba rwokuparidza. Vakava nepfungwa yomukati yokufarira kuita kuda kwaMwari. (Ruka 10:17) Chii chingakubatsira kuti uwane mufaro wakadaro mubasa dzvene?
2 Maitiro Akananga: Une ropafadzo yawakapiwa naMwari yokuita kuti vanhu vazive chinangwa chaJehovha chakaisvonaka. Nokuparidza kwako, ungabatsira kusunungura mumwe munhu mumiitiro yakaipa yenyika ino uye mungetani dzechitendero chenhema. Unogona kupa vanhu tariro youpenyu munyika isina kusawirirana kwakatipoteredza nhasi. Funga nezvomufaro unova naJehovha paunodyara zvinobudirira mbeu dzechokwadi mumwoyo unogamuchira. Iva akananga mukunyengeterera mudzimu waMwari kuti ubereke mauri chibereko chomufaro sezvaunoita ushumiri nomwoyo wose.
3 Kurovedza Kunoshanda: Purogiramu yomurayiridzo yakaitiswa naJesu ane vadzidzi 70 inofananidzwa noMusangano Webasa wemazuva ano. Akavarovedza kuitira kuti vaite ushumiri hwavo zvinobudirira. (Ruka 10:1-16) Nhasi Musangano Webasa unokurovedza nzira dzokukurukura nevanhu, matangire aungaita kukurukurirana, uye matangire nemaitisire aungaita fundo yeBhaibheri. Nokuzvishandisa uye kunatsiridza unyanzvi hwako hwokuparidza, uchaona kuti pfungwa ipi neipi yaungava nayo yokunzwa usina kusununguka kana kuti usingakwanisi ichaderera ndokufukidzwa nechivimbo uye mufaro.
4 Funga Nezvenguva Yemberi: Jesu akawana mufaro mubasa rake dzvene pasinei nemarwadzo aakatsungirira. Nei? Nokuti akachengeta ziso rake rakanyatsotarira pazvikomborero neropafadzo zvaiva mberi kwake. (VaH. 12:2) Unogona kuita saizvozvo nokuita kuti pfungwa dzako nomwoyo zvirambe zvakatarira pazita raJehovha uye pazvikomborero zviri kuuya munyika itsva yaMwari. Izvi zvichaita kuti ushumiri hwako hufadze uye huve nezvahunoreva.
5 Kuitira Jehovha basa dzvene ndiyo ropafadzo huru zvikuru yaungava nayo nhasi. Naizvoizvo, iti: “Ndinofara kwazvo kuita kuda kwenyu, Mwari wangu.”—Pis. 40:8.