RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/00 p. 1
  • Ropafadzo Inowanikwa Nevaduku

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ropafadzo Inowanikwa Nevaduku
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Vabereki—Rovedzai Vana Venyu Kuparidza
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Vabereki—Batsirai Vana Venyu Kuti Vade Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Gadzirira Mharidzo Yako Umene Yamagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 5/00 p. 1

Ropafadzo Inowanikwa Nevaduku

1 Vakawanda vava vabereki zvino vanoyeuka nomufaro ropafadzo yavaiva nayo sevana vaikurira muchokwadi—basa reZuva Remagazini. Basa iroro rakatangwa muungano dzose muna 1949. Zuva rimwe pavhiki, munhu wose aifanira kushingairira kuparadzira Nharireyomurindi neMukai! mumigwagwa, paimba neimba, pachitoro nechitoro, uye mune dzimwe nzira. Vaparidzi vaduku vainyanya kutarisira mberi kuita basa iri nokuti raivapa mukana wokushanda basa rakafanana nerevanhu vakuru muungano. Izvi ndizvo zvawaiita here pawaiva mwana?

2 Batanidza Vana Vako: Vana vaduku zvikuru vasati vagadzirira kutanga kukurukurirana kwomuMagwaro paimba, vanogona kugovera magazini. Zvinoda kudzidza mharidzo iri nyore chete yemitsetse mishoma mipfupi. Kutaura mashoko mashoma, zvichida pamusoro pezviri pamufananidzo webutiro, zvingava zvakakwana. Vanasaimba vakawanda vanogamuchira nyore magazini kubva kuvaduku vedu, kazhinji vachitaura zvakanaka nezvokuva vapachokwadi uye kuzvibata zvakanaka kwepwere idzi. Kana vakabatsirwa zvishoma, basa iri chimwe chinhu icho vana vangaita zvakanaka zvikuru, vachiitawo zvinooneka mukuparadzira shoko roUmambo. Chokwadi, vana sezvavanokura, vabereki vavo vachada kuvabatsira kuti varambe vachifambira mberi mukukudziridza unyanzvi hwavo hwokupupurira.

3 Manuel akatanga kuparidza paimba neimba paaiva nemakore matatu. Vabereki vake vakamudzidzisa kuziva nomusoro mharidzo pfupi. Anoparidza nokushingaira pamwe chete navo, achigovera magazini, mabhurocha, uye maturakiti akawanda. Anopupurirawo zvisina kurongwa. Pane imwe nguva vabereki vake pavakaenda naye kupaka kunotandara, ndiye akatanga kugovera maturakiti kune vamwe vanhu vaiva ikoko. Kunyange zvazvo achiri muduku zvikuru, kufarira ushumiri kunoita Manuel kunokurudzira chaizvo vabereki vake uye ungano yose.—Zvir. 22:6.

4 Migovera yose yakasarudzwa se“Zuva Remagazini” paKarenda ya2000 yeZvapupu zvaJehovha. Vabereki, tinokukurudzirai kuti mutangezve kufarira basa iri, muchibatsira vana venyu kushanda nguva dzose sedzinobvira mune iyi ropafadzo yebasa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe