Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga naApril 10
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Musakanganwa hurukuro yavose chaiyo musi waApril 16 ine musoro unoti “Nei Vanhu Vachida Rudzikinuro.” Kurudzirai vose kutevera purogiramu yokurava Bhaibheri kweChirangaridzo yaApril 14-19, sezvakarongwa mukabhuku kanonzi Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva—2000. Dzokororai “Zviyeuchidzo zveChirangaridzo,” zviri papeji 4 yewedzero.
15 min: “Uri Kubvuma Rudo rwaKristu Here?” Itai kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, mobva makurukurirana nemibvunzo nemhinduro. Batanidzai pfungwa dziri muNharireyomurindi yaMay 1, 1998, mapeji 16-17, ndima 12-13. Kurudzirai munhu wose kuti aedze nepaanogona napo kukoka vanhu kuChirangaridzo.
20 min: “April—Nguva Yokushingairira Mabasa Akanaka Kwazvo!” Mibvunzo nemhinduro. Kukurukurirana zvine upenyu kwezvatinoda kuita muna April. Shandisai maminiti matatu kana kuti mana okugumisa kukurukura “Kushingaira Kunonyandura Vazhinji.”
Rwiyo 199 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naApril 17
13 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Kwangosara vhiki mbiri muna April, saka kurudzirai munhu wose kuti aitewo ushumiri mwedzi usati wapera. Enzanisirai mharidzo yemagazini pfupi muchishandisa magazini azvino uno. Sezvo tingasungirwa kupindura vanhu vanoda kuti tiite tsika dzavo dzeIsita, dzokororai zvakanyorwa mubhuku rinonzi Kurangarira, mapeji 202-3.
16 min: “Unonzwa Uchida Kurega Zvimwe Zvinhu Here?” Mibvunzo nemhinduro. Tinoda kusimbisa zvinhu zvinokosha, tichiisa zvinhu zvokutanga pakutanga. Zvinoda kuzvifungira uye kuzvidzora mukuita zvichatibatsira mumudzimu. Tsanangurai zvatingadzidza mumuenzaniso waJesu.—Onai Insight, Vhoriyamu 2, peji 68, ndima 3-5.
16 min: Govera Magazini Kwaachabudirira Zvikuru. Hurukuro, nokukurukurirana nevateereri. Dzokororai mazano ari muMukai! yechiNgezi yaJanuary 8, 1995, mapeji 22-4. Tsanangurai nei zvakanaka kutsvaka vanhu vangangobvuma nyaya dzinokosha dziri mumagazini acho. Fungai mienzaniso iri mumagazini ekare uye rudzi rwevanhu, mabhizimisi, kana kuti masangano ayo nyaya dzacho dzingafadza mundima yomunharaunda. Kumbirai vateereri kuti varondedzere zvakaitika zvinoratidza mawanire avakaita migumisiro yakanaka vachishandisa mutoo uyu.
Rwiyo 71 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naApril 24
10 min: Zviziviso zveungano. Zivisai vakapinda Chirangaridzo cheungano. Kumbirai vateereri kuti varondedzere mashoko akataurwa nevaya vakapinda kokutanga.
17 min: Batsirai Vatsva Kuti Vapinde Misangano. Hurukuro inobva mubhuku rinonzi Zivo, mapeji 161-3, ndima 5-8. Pashure pokudzidza kwenguva yakati, zvinokosha kuti vatsva vatange kuuya kumisangano. Kuvaita kuti vapinde kungava chinetso. Chii chaungaita kuti uvakurudzire? Vaya vari kuitisa fundo vanofanira kuva nenguva yokudzokorora mashoko aya ari mubhuku rinonzi Zivo nevadzidzi vavo vobva vaita gadziriro chaidzo dzokuvabatsira kuti vabatanidzwe nesu mukunamata kwechokwadi.
18 min: “Uri Muzivisi woUmambo Wenguva Dzose Here?” Hurukuro nokukurukurirana nevateereri inopiwa nomunyori. Tsanangurai kuti chikonzero nei tichishuma basa redu romumunda. (Onai bhuku rinonzi Hushumiri Hwedu, mapeji 106-8.) Rondedzerai zvimwe zvezvinetso zvinotanga kana tikakundikana kuisa mishumo yedu nokukurumidza. Kumbirai vateereri kuti vataure zvavanoita kuti vave nechokwadi chokuti vanoisa mishumo yavo panguva. Dudzai kuti vaitisi veFundo Yebhuku Yeungano vangabatsira sei. Kwangosara vhiki imwe muna April, saka simbisai kukosha kwokuti munhu wose ashande mubasa ndokushuma basa racho panopera mwedzi.
Rwiyo 200 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMay 1
13 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidzai vose kuisa mishumo yebasa romumunda yaApril. Vaitisi veFundo Yebhuku Yeungano vanofanira kubvunza munhu wose ari muboka ravo kuitira kuti mishumo yose ive yanyorwa panosvika May 6. Kurukurai Bhokisi Remibvunzo, muchishandisa mashoko acho munharaunda.
15 min: Kurukurai Yearbook ya2000. Kukurukurirana nevateereri uye dzokororai pfungwa huru dze“1999 Grand Totals,” papeji 31. Kurukuraiwo “A Letter From the Governing Body,” papeji 3-5. Kumbirai kuti vamwe vatsinhire kuti vachaita sei nekurudziro yakapiwa.
20 min: “Iva Nechokwadi Chokuti Unodzokera!” Kukurukurirana nevateereri. Kurukurai zvikonzero nei tingakundikana kuita shanyo dzedzokerero. Tsanangurai kuti nei zvinonyorwa zvakarurama uye kuda kudzokera zvichikosha. Taurai nezvokuwana nguva yakati vhiki yoga yoga yokuita shanyo dzedzokerero. Dzokororai zvakanyorwa mubhuku rinonzi Hushumiri Hwedu, mapeji 88-9. Rondedzerai chakaitika chinoshumwa muYearbook ya1995, papeji 45.—1 VaK. 3:6, 7.
Rwiyo 68 nomunyengetero wokugumisa.