Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga na10 January
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.
15 min: “Kuita Kuti Zita raJehovha Rizivikanwe Panyika Yose.” Kukurukurirana nemibvunzo nemhinduro. Batanidzai tsinhiro dzokupupura kusina kurongwa kuri mubhuku rinonzi Hushumiri Hwedu, mapeji 93-4.
20 min: Kusarudza Zviri Pamutemo Kurapwa Pasina Ropa. (Mabasa 15:28, 29) Hurukuro inopiwa nomukuru anokwanisa, achidzokorora tsamba yeSosaiti yomusi wa1 January 1991. Musangano uno wapera, Zvapupu zvakabhabhatidzwa zvingawana kadhi idzva reAdvance Medical Directive/Release, uye vaya vane vana vaduku vasati vabhabhatidzwa vangawana Identity Card remwana oga oga. Makadhi haafaniri kuzadzwa manheru ano. Anofanira kuzadzwa zvakanaka kumba asi KWETE kuasaina. Kusaina, kupupurira, uye kuisa musi pamakadhi ose zvichaitwa kana Fundo Yebhuku Yeungano inotevera yapera, muitisi wefundo yebhuku achibatsira panodiwa. Musati masaina, ivai nechokwadi chokuti makadhi azadzwa zvakanaka mose zvamo munofanira kunyorwa. Avo vari kusaina sezvapupu vanofanira kuona muridzi wekadhi achisaina gwaro racho. Vachiita kuti mutauro uri pakadhi iri uwirirane nemamiriro avo ezvinhu nezvavanodavira, vaparidzi vasina kubhabhatidzwa vanganyora gwaro ravo rokushandisa ivo nevana vavo. Vaitisi vefundo yebhuku vanofanira kuva nechokwadi chokuti vose vari muboka ravo vabatsirwa zvavanoda kuti vazadzise kadhi reAdvance Medical Directive/Release. Kuti rinyatsodzivirira zvakanakisisa zviri pamutemo, gwaro iri rinofanira kuzadzwa rose.
Rwiyo 155 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na17 January
10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.
15 min: Zvinodiwa zveungano.
20 min: “Shandisa Maturakiti Kutanga Kukurukurirana.” Dzokororai maturakiti chero api zvawo mana anowanzoshandiswa mundima. Bvunzai mubvunzo unopindurwa muturakiti roga roga. Kumbirai vateereri kutaura kuti mubvunzo wacho ungashandiswa sei kutanga kukurukurirana uye sezvinobvira kutanga fundo yeBhaibheri. Enzanisirai kuti izvi zvingaitwa sei nemamwe maturakiti acho maviri.
Rwiyo 57 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na24 January
10 min: Zviziviso zveungano nezvinoitika zvebasa romumunda.
15 min: “Fungisisa Shoko raJehovha Mazuva Ose!” Hurukuro nokukurukurirana nevateereri. Kurudzirai vose kushandisa zvakanaka bhuku rinonzi Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva—2000. Batanidzai tsinhiro dziri mumashoko okutanga, ari pamapeji 3-4. Kumbirai vateereri kuti varondedzere kuti vakaedza sei kuita rugwaro netsinhiro dzacho zuva nezuva.
20 min: “Shandisa Mabhuku Edu Nokuchenjera.” Kukurukurirana nemibvunzo nemhinduro kwenyaya yacho. Mapedza kukurukura ndima 3, enzanisirai mharidzo yakanyatsogadzirirwa muchishandisa mitoo yokugovera iri mundima 4.
Rwiyo 157 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na31 January
12 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidzai vose kusiya mishumo yavo yebasa romumunda yaJanuary. Dudzai mabhuku achagoverwa muna February: bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. Enzanisirai kuti mibvunzo mitatu iri mubhokisi riri papeji 12 yebhuku racho ingashandiswa sei kutanga kukurukurirana nomumwe munhu.
15 min: Mhinduro kuMubvunzo Pamusoro po‘Kutarisisa.’ Hurukuro inopiwa nomukuru, inobva muNharireyomurindi yaJuly 15, 1999, mapeji 29-31.
18 min: Kubatsirwa Kungaitwa Vamwe Kuziva Chitendero Chechokwadi. Kukurukurirana pakati pomushumiri anoshumira anokwanisa nevaparidzi vanokwanisa vaviri kana vatatu pamusoro pokuti vanhu vangafadzwa neZvapupu zvaJehovha asi vasinganyatsonzwisisi kusiyana kuri pakati pechitendero chedu nezvimwe. Dzokororai pfungwa gumi dziri papeji 20 yeMukai! yechiNgezi yaMay 8, 1995, kana kuti pfungwa nomwe dzakarongwa pamapeji 316-17 dziri mubhuku rinonzi Kurangarira. Tsanangurai kuti kuziva pfungwa idzi kungabatsira sei munhu wapachokwadi kuona kusiyana kuri pakati pokunamata kwechokwadi nekwenhema uye kudiwa kwokudzidza kubva kuvanhu vaJehovha ndokusonganira nesu.
Rwiyo 60 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na7 February
8 min: Zviziviso zveungano.
17 min: Dzokororai Bhuku Rinonzi Uprofita hwaDhanieri. Hurukuro nokukurukurirana nevateereri. Dzokororai pfungwa huru dzebhuku idzva dzinobatanidza: misoro yezvitsauko inoorora, mienzaniso yakajeka, mabhokisi ane mibvunzo inoda kufunga pakupera kwechidzidzo choga choga, mapu nemachati zvinojekesa mashoko. Fungai nezvokutsanangurwa kunokurudzira kwoku“simuka” kuchaitwa naMikaeri nenzira inokosha (Mapeji 288-90). Kurukurai kukosha kwokutsungirira kwedu sevadzidzisi veShoko raMwari (Mapeji 311-12). Tose zvedu tinofanira kunyatsorava bhuku racho ndokukurudzira vanofarira kuita zvakafanana.
20 min: Vakaita Chisarudzo Chokuchenjera. Hurukuro inobva muNharireyomurindi yaOctober 15, 1997, mapeji 19-21, ndima 3-16. Rondedzerai mashoko emapiyona, muchiratidza kuti nei achinzwa kuti upenyu hwawo hwave huchipedzerwa munzira dzinobatsira, dzine mubayiro mukuru. Kurudzirai vose muvateereri kunzvera zvavari kutarisira zvavo pachavo zvokupayona.
Rwiyo 182 nomunyengetero wokugumisa.