RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/99 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 8/99 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna August: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringagoverwa ne$6: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza?, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, uye Unofanira Kudavira Utatu Here? September: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. October: Kuzvinyoresa kugamuchira Nharireyomurindi ($120 gore rimwe; $60 mwedzi mitanhatu) neMukai! ($60 gore rimwe). Uko fariro inowanikwa pashanyo dzedzokerero, edzai kutanga fundo yeBhaibheri muchishandisa bhurocha rinonzi Anodei kana kuti bhuku rinonzi Zivo. November: Mwari Anodei Kwatiri? kana kuti Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi.

◼ Gore rino kwaiva nekudavidza kwakaisvonaka munyika yose kwekushanda mundima dzisina kugoverwa nedzisingawanzoshandwa. Vakawanda vakaitawo basa rinokosha iri vanoti vanotarisira zvichaitika gore rinouya. Sosaiti inoda kutenda vakaitawo basa racho uye tinotarisira kugamuchira mushumo kubva kuungano imwe neimwe yakaitawo basa iri. Tapota dudzai chero zvakaitikawo zvipi nezvipi zvinokurudzira. Dare rebasa rinofanira kusaina mushumo uyu.

◼ Matare ebasa anokurudzirwa kukurumidza kuona nezvekukumbira kuva piyona wenguva dzose kunoitwa neavo vanoda kutanga pana 1 September. Sezvinokurudzirwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo huno, vakawanda vangada kutanga upiyona hwenguva dzose pazuva rinotanga gore idzva rebasa. Tapota ivai nechokwadi chokuti anokumbira wacho azadzisa fomu rokukumbira zvakarurama uye zvakazara. Izvi zvichadzivisa kunonoka kusina kufanira kupi nekupi pakugadzwa kwake.

◼ August ndiwo mwedzi wekupedzisira wegore rebasa. Tingapedzisa gore rino rebasa nenhamba itsva yapamusoro yevaparidzi here? Tinogona kana vaparidzi vose vakagoverana mubasa uye, chinotokosha zvikuru, vakakurumidza kushuma pakupera kwemwedzi. Munyori anokurudzirwa kunyora mushumo wakarurama wekutumira kuhofisi yedu musi wa6 September kana kuti usati wasvika.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe