Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna June: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi ne$20 (rine butiro repepa: $15). July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringagoverwa ne$6: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yevakafa, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, uye Unofanira Kudavira Utatu Here? September: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi.
◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu waakasarudza anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi wa1 June kana kuti nokukurumidza pashure pacho. Kana izvi zvaitwa, zivisai ungano kana mushumo weakaunzi unotevera waraviwa.
◼ Sosaiti ine mabhaundi vhoriyamu echiNGEZI eNharireyomurindi emakore a1951 kusvika kuna 1959. Uyezve, maYearbook of Jehovah’s Witnesses echiNGEZI a1993 na1994 aripo. Nyika dzakadai seDenmark, Honduras, uye Malaysia ndidzo dziri kutaurwa nezvadzo mu1993 Yearbook. Vaparidzi kana ungano itsva dzinoda mabhuku aya zvino dzingaaodha dzichishandisa anotarisira mabhuku eungano. (Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaApril 1997, Bhokisi Remibvunzo; Nharireyomurindi, yaNovember 1, 1994, mapeji 28-31.)
◼ Wakakumbira kupiwa nguva yokusava pabasa here kuti upinde Kokorodzano Yeruwa ya1999 ye“Shoko raMwari Rouprofita”? Kana usina, tinokukurudzira kuti ubve wazviita izvozvi. Vashandirwi vakawanda vanoda kuti vaudzwe pachine nguva kuti mushandi anoda kutora nguva yokusava pabasa. Izvi zvinobvumira mushandirwi kuti aite dzimwe rongedzero dzokuti basa riitwe.
◼ Tinokurudzira vose vari kushanda mundima dzisina kugoverwa nedzisingawanzoshandwa kuti vatumire kuSosaiti zvakaitika zvese zvese zvinokurudzira zvavangava nazvo. Izvi zvingashandiswa kukurudzira vamwe mune ramangwana.
◼ Mabhuku Ari Kugoverwa Nomutengo Wakaderedzwa: Zvinotevera zvichiri kugoverwa nomutengo wakaderedzwa muchiShona: Chengeteko Yenyika Yose Pasi po“Muchinda woRugare”, Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano (makuru nemaduku), Mibvunzo Inobvunza Vechiduku, Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?, Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka, Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi. (Onai tsamba yeSosaiti yomusi wa15 December 1997.)
◼ Makaseti Okuteerera Aripo:
Families—Make Bible Reading Your Way of Life (Mutambo, kaseti imwe)—chiNgezi
Keep Your Eye Simple (Mutambo, kaseti imwe)—chiNgezi
Why Respect Theocratic Arrangements? (Mutambo, kaseti imwe)—chiNgezi