Bhokisi Remibvunzo
◼ Vabereki vanofanira kungwarirei apo vana vavo vaduku vanoitawo basa romumunda?
Vabereki vechiKristu nenzira yakafanira vanoenda nevana vavo mubasa romumunda, vachivarovedza kupawo vamwe mashoko akanaka oUmambo. Pakuita kudaro, vanofanira kungwarira vana vavo pamusana pengozi dzingangoitika munharaunda yacho, nyange munharaunda “dzakati chengetekei.” Kakawanda, vana ndivo vanowanzoitirwa chisimba nokushinhwa navo pamusana pokuwedzera kwemakaro nounzenza mudzino “nguva dzokutambudzika” dzatiri kurarama madziri. (2 Tim. 3:1-5) Vabereki vanofanira kutora matanho ane musoro kuti vadzivirire vana vavo pane avo vangavadenha. Chii chingaitwa?
Bhaibheri rinopa zano nokuchenjera kuti tingwarire ndokutarira mberi kuti tifanoona ngozi. (Zvir. 22:3; Mat. 10:16) Hatisi kuda kuisa mitemo pano, asi kuchenjera kuti mubereki kana kuti mumwe akura aperekedze mwana paanenge achipinda mubasa romumunda. Kana vaparidzi vaduku vaviri vanogona kuzvimirira vari kushanda pamwe chete, zvinokurudzirwa kuti mubereki kana mumwe akura avaone nguva dzose. Ichokwadi kuti mwana zvaanenge achikura uye achiratidza kuti anogona kuzvimirira, vabereki vangasarudza kana asingachafaniri kutarisirwa zvakananga nevabereki.—Onawo Bhokisi Remibvunzo romuUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 1992.
Kuchenjerawo kugara wakangwarira kuchengeteka paunenge uchifamba nemotokari uye paunenge uchifamba-famba. Kutora matanho akakodzera kazhinji kunodzivirira njodzi nemutoro unorema wekurwadziwa, mari yokurapisa, uye mhaka dzapamutemo dzingangovapo munyika ino yakatipota yangova nevanhu vanoda kuendesana kumatare.
Zvakakodzera kuti vaduku va“rumbidze zita raJehovha.” (Pis. 148:12, 13) Mashoko avo anofadza nomufambiro wakanaka pavanenge vari mubasa romumunda zvinofadza vamwe chaizvo uye zvinounza rukudzo kuna Jehovha. Vabereki, pose pazvinoita, batsirai vana venyu kuzivisawo mashoko akanaka nguva dzose sezvamunenge muchiramba makangwarirawo kuti muvadzivirire pangozi chero dzipi zvadzo dzingavapo!