RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/99 pp. 3-4
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 5/99 pp. 3-4

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna May: Kuzvinyoresa kugamuchira Nharireyomurindi ($120 gore rimwe; $60 mwedzi mitanhatu), neMukai! ($60 gore rimwe). Garai mune bhurocha rinonzi Anodei kuitira vanhu vanofarira, uye edzai kutanga fundo dzeBhaibheri dzepamusha. June: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi ne$20 (rine butiro repepa: $15). July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringagoverwa ne$6: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu—Unogona Sei Kuriwana?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yevakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza?, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, uye Unofanira Kudavira Utatu Here?

◼ Mabheji eKokorodzano: Ungano dzisati dzaodha makadhi nezvibatiso zvepurasitiki dzinofanira kukurumidza kuzviodha. Zvinhu izvi zvingasawanikwa pakokorodzano.

◼ Pokugara paKokorodzano: Vose vanoda kubatsirwa kuwana pokugara pakokorodzano vanofanira kuzivisa munyori izvozvi. Munyori anofanira kubva azivisa Dhipatimendi Redzimba rekokorodzano yamakagoverwa, achiita kuti vazive kuti vangani vanoda pokugara. Tapota, jekesai kuti vanokumbira vacho vanhurume here kana kuti vanhukadzi.

◼ Dare rebasa uye kunyanya munyori vanofanira kuongorora kuti mafomu okukumbira upiyona hwenguva dzose akanyorwa zvakarurama uye zvakakwana nomukumbiri. Kakawanda, mubvunzo Nha. 5 unosiyiwa usina kupindurwa uye nguva yakawanda inopambadzwa Sosaiti painenge ichinyorerana neungano kuti iwane mashoko acho ose. Kana zvinobvunzwa pamubvunzo 5 zvisingashandi kwaari, mukumbiri anofanira kungonyora kuti “N/A” semhinduro.

◼ Kururamisa: MuUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary 1999, makadudzwa mu“Zviziviso” kuti mirayiridzo yemadzidzirwe achaitwa bhuku raMunhu Mukurusa paFundo Yebhuku Yeungano ingawanwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMay 1992. Ushumiri hwakarurama ndouhwu: Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaMay 1994. Tinokurudzira Vaitisi vose veFundo Yebhuku Yeungano kuti vanyatsotevedzera mirayiridzo iyi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe