RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/99 p. 2
  • Misangano Yebasa yaMay

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaMay
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga na3 May
  • Vhiki Inotanga na10 May
  • Vhiki Inotanga na17 May
  • Vhiki Inotanga na24 May
  • Vhiki Inotanga na31 May
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 5/99 p. 2

Misangano Yebasa yaMay

Vhiki Inotanga na3 May

Rwiyo 7

8 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Mashoko Oushe.

17 min: “Dzidzisa Vamwe Kuti Vaite Zvinovabatsira.” Ganhurirai mashoko okusuma kuisingasviki miniti imwe, uye teverai nekukurukurirana kwemibvunzo nemhinduro. Muchishandisa chitsauko 13 chebhuku raZivo, enzanisira kuti vanhu vanobatsirwa sei zvinoshanda nokudzidza, kunzwisisa, uye kushandisa nheyo dzeBhaibheri.

20 min: “Nzira Dzokukudza Nadzo Ushumiri Hwako.” Vakuru vaviri vanokurukura nyaya yacho vachipindura mibvunzo inomutswa nevakasiyana-siyana vari muvateereri. Muparidzi ari kuyaruka, vaviri vakaroorana, uye hama yezera rokurega basa vanobvunza nzira dzavangakudza nadzo ushumiri hwavo. Mazano anoshanda anopiwa munyaya yacho uye muchitsauko 9 chebhuku rinonzi Hushumiri Hwedu, vachisimbisa musoro unoti “Ndedzipi Dziri Nharidzano Dzako Dzomudzimu Dzomunguva Yemberi?,” mapeji 116-18. Vaparidzi vacho vanoratidza kuonga mashoko anobatsira anopiwa neSosaiti anoratidza nzira yokurongera basa rakawedzerwa mune ramangwana.

Rwiyo 11 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na10 May

Rwiyo 15

8 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.

12 min: Wakarongerei Mwedzi iri Mberi? Mhuri inodzokorora zvayakaronga kuti ipinde kokorodzano, iite upiyona hwebetsero, iende kuzororo, uye itandare. (Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaMay 1998, peji 3.) Vanokurukura kuti vangaronga sei ndokuita uchapupu husina kurongwa, uye vanoenzanisira nzira yokutanga nayo kurukurirano. Simbisai kuti zvinodiwa kuti tirambe tichiita fundo yeBhaibheri yomunhu oga neyemhuri, kuenda kumisangano yeungano patinenge tichienda chero kupi zvako, uye kushuma basa romumunda kuungano yokumba. Mhuri yacho inodzokorora zvakaitika zvakanaka zvainoyeuka zvayakava nazvo payaishanyira dzimwe ungano nomufaro wayakava nawo. Vanotaura nezvenzira dzavangagamuchira nadzo vaeni chero vapi zvavo vanouya kuungano.

15 min: “Musakurirwa Nokufunganya.” Hurukuro inopiwa nomukuru inobva muNharireyomurindi yaMarch 15, 1999, mapeji 21-3. Simbisai kuti kurongera zvakanaka mabasa, zvinofanira kuitwa, zvisarudzo, uye kufanoziva matambudziko angangomuka kungabatsira sei kudzivisa kufunganya.

10 min: Kushanda Mundima Dzisina Kugoverwa. Mutariri webasa anofanira kunyatsokurukura neungano tsamba yeSosaiti yomusi wa15 March 1999 inotaura nezvendima dzisina kugoverwa. Zivisai kuti chii chakarongwa kuti ungano iitewo basa iri uye itai kuti vose vave nechishuvo chokuritsigira.

Rwiyo 19 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na17 May

Rwiyo 27

8 min: Zviziviso zveungano. Zivisai gadziriro dzinokosha dzebasa romumunda musi wa25 May.

12 min: “Fanoronga!” Hurukuro inohwirudzura mabasa ose oubati ushe hwaMwari akarongwa muungano yenyu nokuda kwemwedzi inoverengeka inotevera. Kurudzirai vanhu vose kuti vaise chiratidzo pamakarenda avo ndokusarega zvimwe zvinhu zvichidzongonyedza.

15 min: “Kutakura Mutoro Wokutarisira Mhuri.” Hurukuro inobva muNharireyomurindi yaJune 1, 1998, mapeji 20-3. Inofanira kuitwa nomusoro wemhuri une muenzaniso.

10 min: “Dziri Kudikanwa—Fundo Dzakawanda.” Hwirudzurai ndokushandisa mashoko ari muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaApril 1998.

Rwiyo 29 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na24 May

Rwiyo 41

10 min: Zviziviso zveungano.

15 min: Bhokisi Remibvunzo. Hurukuro inopiwa nomukuru.

20 min: Tiri Kuitawo Basa Rokuparadzanisa Here? Hurukuro inoita kuti uite chimwe chinhu inopiwa nomutariri webasa, inobva muNharireyomurindi yaJuly 1, 1997, mapeji 30-1.

Rwiyo 32 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na31 May

Rwiyo 43

15 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidzai vose kuti vaise mishumo yavo yebasa romumunda yaMay. Hwirudzurai mabhuku anogoverwa muna June. Pakugovera bhuku raZivo, mungabatanidza kopi yebhuku rekare remapeji 192 rakawandisa mudura reungano yenyu. Enzanisira mharidzo yokuenzanisira.

15 min: Zvinodiwa zveungano.

15 min:  Ko Chitendero Changu Chakaipei? Kukurukurirana kunoitwa nevabatiri vanoshumira vaviri. Tinosangana nevanhu vakawanda vanofarira chokwadi nokuyemura Zvapupu zvaJehovha. Zvisinei, madire avanoita chechi yavo anovadzongonyedza. Vanozviwana zvakaoma kuti vadavire kuti tisu tine chitendero chechokwadi chete uye kuti manamatire avo ndeenhema. Ichi chinobva chava chimhingamupinyi chakakura chokuenderera kwavo mberi mumudzimu. Hama dzacho dzinohwirudzura zvinhu zvitanhatu zvinodudzwa papeji 432 yebhuku rinonzi Kurangarira, zvinoratidza zvakajeka kuti zvimwe zvitendero hazvitevedzeri Bhaibheri. Kurudzirai vateereri kuti vashandise pfungwa idzi pakubatsira nounyanzvi vanhu vanoda kudzidza zvechokwadi kuti vayere zvavanodavira muzvitendero zvavo.

Rwiyo 50 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe