RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/99 p. 1
  • Dzidzisa Vamwe Kuti Vaite Zvinovabatsira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzidzisa Vamwe Kuti Vaite Zvinovabatsira
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Uri Kuzvibatsira Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Tinodikanirwa Kuita Kuzvipira Kwoumwari Pamusha
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Farikanya Upenyu Hwemhuri
    Farikanya Upenyu Hwemhuri
  • Pane Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri Here?
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 5/99 p. 1

Dzidzisa Vamwe Kuti Vaite Zvinovabatsira

1 Jehovha anoda kuti vanhu vake vose vaite zvinovabatsira. (Isa. 48:17) Anoziva chinoita kuti tiwane mufaro chaiwo chaiwo. Zvaanonyatsoda ndezvokuti vanhu vadzivise nhamo uye kuti vanakidzwe noupenyu kuburikidza nokuteerera mirayiro yake. Tiri kuita zvinotibatsira zvakanyanya nokurarama upenyu hwedu nenzira yaMwari. (Pis. 34:8) Tingadzidzisa sei vamwe kuti vaite zvakafanana?

2 Vanhu Vanodei? Vanasadzimba vanonetseka nei kwaunogara? Hakusi kuchengeteka kwomusha wavo, kusimba kwemuchato wavo, ramangwana revana vavo, nedzimwe nhau dzakafanana here? Pavanenge vane matambudziko, vanotsvaka kubatsirwa nani? Vangazvivimba, kuvimba nezvirongwa zvokuzvibatsira, kana kuti nokutungamirira kwevamwe. Pavanenge vachidaro, vakawanda vanosiyiwa vashamiswa nemazano asingawirirani uye asingashandi okuti vangaita sei kuti vaite zvinovabatsira. Tinofanira kuvaita kuti vave nechokwadi chokuti chinopiwa neShoko raMwari senhungamiro chiri nani nokure. (Pis. 119:98) Tingaita izvi nokuvaratidza kuti vangavandudza sei kunaka kwoupenyu hwavo nyange zvino chaiye kana vakaedza kudzidza Bhaibheri ndokushandisa zvarinotaura.—2 Tim. 3:16, 17.

3 Upenyu Hwemhuri Hwakavandudzika: Vanhu vashoma vanoziva kuti zano rakafuridzirwa riri pana VaEfeso 5:22–6:4 rinoshanda zvakanaka sei pakupedza matambudziko emhuri. Izvi ndizvo zvakanga zvakaita vamwe vakaroorana avo, pashure pemakore gumi vakaroorana, vakafunga kuti vaizoparadzana. Zvisinei, fundo yeBhaibheri yakatangwa nomudzimai wacho, akadzidziswa nheyo dzeMagwaro pamusoro poupenyu hwokuroorana. Nenguva isipi murume wacho akaona kuchinja kwaakanga achiita zvaaishandisa nheyo dzeBhaibheri, uye akadzidzawo. Pave paya akazoti: “Zvino tazowana pokuvakira upenyu hwemhuri hunonyatsofadza.”

4 Chinangwa Chaicho Choupenyu: Apo mumwe wechiduku akanga apindwa muropa nezvinodhaka akatsvaka kubatsirwa neZvapupu, akadzidziswa kuti Jehovha ane hanya naye iye pachake. Akati: ‘Ndakadzidza kuti Musiki ane chinangwa nokuda kwemunhu uye anopa upenyu husingaperi kuavo vaanoda. Hamungambozivi kuti ndakanzwa ndichifara sei neizvi. Nhasi ndine utano hwakanaka, rugare rwepfungwa, uye ukama chaihwo chaihwo naMwari.’

5 Hapana asingagoni kubatsirwa neyamuro inoshanda inowanikwa muShoko raMwari. Nokurishandisa senhungamiro yedu, tinosimbisa kuti nzira yaJehovha yakanaka nokure kupfuura nzira dzenyika. (Pis. 116:12) Iropafadzo yedu kuti titaurire vamwe shoko iri, tichivadzidzisa kuti vaite zvinovabatsira. Patinodaro, tichawana migumisiro yakawanda yakanaka.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe