Kushandira Pamwe Kunoita Mitezo Yemhuri Kuti Igoverane Zvakakwana—Muushumiri
1 Chii chingafadza kupfuura kuona varume nevadzimai, vabereki nevana vachishanda vose muushumiri hwechiKristu, vachirumbidza zita raJehovha pachena? (Pis. 148:12, 13) Mhuri dzose dzinofanira kuva nemuitiro wakanaka wokuitawo basa romumunda nguva dzose. Mhuri yenyu ine zuva rakarongwa vhiki yoga yoga rokupedzera muushumiri here? Kana zvakadaro, saka munhu wose anonyatsoziva kuti chii chaangarongera uye angagoverana zvakakwana.—Zvir. 21:5a.
2 Zuva remhuri rokuita basa risati rasvika, madii kuita chirongwa chenyu mose chokugadzirira mharidzo dzichashandiswa nemhuri yenyu? Nguva dzokurovedza dzingabatsira chaizvo, uye dzinogona kuroverera chido chechokwadi chokushandira pamwe kwemhuri. Zvinogutsa zvakadini kana ushumiri hwomumunda huchiitwa nemhuri yose uye mitezo yose yakagadzirira zvakakwana!
3 Mumwe mutariri anofambira akaenda neimwe mhuri yose mubasa remagazini. Paakanga ari kushanda paimba neimba nemumwe wevanasikana vacho, musikana wacho akabvunza kuti: “Muchashanda neni kwenguva yakareba sei?” Akabva atsanangura kuti akanga achizoshanda nababa vake paanenge apedza nomutariri wedunhu. Zvakanga zviri pachena kuti iye nababa vake vainyatsonakidzwa nebasa vari vose. Kuita kwemhuri kwakaisvonaka zvakadini!
4 Dzimwe mhuri dzingakwanisa kuita upiyona hwebetsero pamwe chete mwedzi mumwe mugore. Kana kuti zvingaita kuti unenge mutezo mumwe wemhuri urambe uchishanda sapiyona webetsero nyange kunyoresa sapiyona wenguva dzose. Nokurongeka kwakanaka nokushandira pamwe, zvimwe mitezo yose yemhuri ingakwanisa kuwedzera kugoverana kwayo mubasa kuburikidza nokutsigira anenge achipayona wacho. Mhuri yacho chokwadi ichabatsirwa nebasa rakawedzerwa iri uye nezviitiko zvakanaka zvinowanwa muushumiri hwacho.—Mar. 3:10.
5 Kugoverana zvakakwana mubasa rouevhangeri kuchabatsira kuita kuti mhuri dziwirirane, dzishingaire, dziite basa rine zvibereko, uye dzifare mubasa raJehovha!—Enzanisa naVaFiripi 2:1, 2.